Daniel 4 (BOSCB)

1 Mambo Nebhukadhinezari:Kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! 2 Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. 3 Zviratidzo zvake zvikuru sei,zvishamiso zvake zvine simba sei!Umambo hwake umambo husingaperi;kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. 4 Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira. 5 Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa. 6 Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku. 7 Nʼanga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira. 8 Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.) 9 Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wenʼanga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvino zvandakarota; chindidudzira. 10 Hezvino zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo. 11 Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika. 12 Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri. 13 “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga. 14 Akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo. 15 Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango.“ ‘Ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika. 16 Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. 17 “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’ 18 “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.” 19 Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.”Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu! 20 Muti wamakaona, wakakura uye ukasimba, una manhengenya awo anosvika kudenga, unoonekwa pasi pose, 21 una mashizha akanaka nemichero mizhinji, uchipa zvokudya kuna vose, uchipa mumvuri kumhuka dzesango, uye nenzvimbo dzamatendere eshiri dzedenga pamatavi awo, 22 imi, iyemi mambo, ndimi muti wacho! Mava mukuru uye mune simba; ukuru hwenyu hwakakura kusvika kudenga, uye ushe hwenyu hunosvika kumagumo enyika. 23 “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.’ 24 “Uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ichi ndicho chirevo cheWokumusoro-soro chapiwa pamusoro penyu, ishe wangu mambo: 25 Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada. 26 Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga. 27 Naizvozvo, imi mambo, farirai kugamuchira zvandinokurayirai: Siyai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.” 28 Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari. 29 Shure kwemwedzi gumi nemiviri, mambo paakanga achifamba pamusoro pedenga romuzinda wamambo weBhabhironi, 30 akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?” 31 Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri. 32 Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.” 33 Pakarepo, zvakanga zvarehwa pamusoro paNebhukadhinezari zvakazadzisika. Akadzingwa pakati pavanhu akafura uswa semombe. Muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yegondo uye nzara dzake dzafanana nedzeshiri. 34 Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi.Ushe hwake hahuperi;umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. 35 Vanhu vose venyikavanoonekwa sevasina maturo.Iye anoita sezvaanodanamasimba okudengauye navanhu venyika.Hakuna munhu angakonesa ruoko rwakekana kuti kwaari, “Waiteiko?” 36 Panguva yacho iyoyo yakavandudzwa pfungwa dzangu, kukudzwa kwangu nokubwinya kwangu kwakadzorerwa kwandiri nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu. Vanamupamazano vangu namakurukota vakanditsvaka, uye ndakadzorerwazve pachigaro changu choushe ndikava mukuru kunyange kupfuura kare. 37 Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza, ndinosimudzira uye ndinokudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza.

In Other Versions

Daniel 4 in the ANGEFD

Daniel 4 in the ANTPNG2D

Daniel 4 in the AS21

Daniel 4 in the BAGH

Daniel 4 in the BBPNG

Daniel 4 in the BBT1E

Daniel 4 in the BDS

Daniel 4 in the BEV

Daniel 4 in the BHAD

Daniel 4 in the BIB

Daniel 4 in the BLPT

Daniel 4 in the BNT

Daniel 4 in the BNTABOOT

Daniel 4 in the BNTLV

Daniel 4 in the BOATCB

Daniel 4 in the BOATCB2

Daniel 4 in the BOBCV

Daniel 4 in the BOCNT

Daniel 4 in the BOECS

Daniel 4 in the BOGWICC

Daniel 4 in the BOHCB

Daniel 4 in the BOHCV

Daniel 4 in the BOHLNT

Daniel 4 in the BOHNTLTAL

Daniel 4 in the BOICB

Daniel 4 in the BOILNTAP

Daniel 4 in the BOITCV

Daniel 4 in the BOKCV

Daniel 4 in the BOKCV2

Daniel 4 in the BOKHWOG

Daniel 4 in the BOKSSV

Daniel 4 in the BOLCB

Daniel 4 in the BOLCB2

Daniel 4 in the BOMCV

Daniel 4 in the BONAV

Daniel 4 in the BONCB

Daniel 4 in the BONLT

Daniel 4 in the BONUT2

Daniel 4 in the BOPLNT

Daniel 4 in the BOSNC

Daniel 4 in the BOTLNT

Daniel 4 in the BOVCB

Daniel 4 in the BOYCB

Daniel 4 in the BPBB

Daniel 4 in the BPH

Daniel 4 in the BSB

Daniel 4 in the CCB

Daniel 4 in the CUV

Daniel 4 in the CUVS

Daniel 4 in the DBT

Daniel 4 in the DGDNT

Daniel 4 in the DHNT

Daniel 4 in the DNT

Daniel 4 in the ELBE

Daniel 4 in the EMTV

Daniel 4 in the ESV

Daniel 4 in the FBV

Daniel 4 in the FEB

Daniel 4 in the GGMNT

Daniel 4 in the GNT

Daniel 4 in the HARY

Daniel 4 in the HNT

Daniel 4 in the IRVA

Daniel 4 in the IRVB

Daniel 4 in the IRVG

Daniel 4 in the IRVH

Daniel 4 in the IRVK

Daniel 4 in the IRVM

Daniel 4 in the IRVM2

Daniel 4 in the IRVO

Daniel 4 in the IRVP

Daniel 4 in the IRVT

Daniel 4 in the IRVT2

Daniel 4 in the IRVU

Daniel 4 in the ISVN

Daniel 4 in the JSNT

Daniel 4 in the KAPI

Daniel 4 in the KBT1ETNIK

Daniel 4 in the KBV

Daniel 4 in the KJV

Daniel 4 in the KNFD

Daniel 4 in the LBA

Daniel 4 in the LBLA

Daniel 4 in the LNT

Daniel 4 in the LSV

Daniel 4 in the MAAL

Daniel 4 in the MBV

Daniel 4 in the MBV2

Daniel 4 in the MHNT

Daniel 4 in the MKNFD

Daniel 4 in the MNG

Daniel 4 in the MNT

Daniel 4 in the MNT2

Daniel 4 in the MRS1T

Daniel 4 in the NAA

Daniel 4 in the NASB

Daniel 4 in the NBLA

Daniel 4 in the NBS

Daniel 4 in the NBVTP

Daniel 4 in the NET2

Daniel 4 in the NIV11

Daniel 4 in the NNT

Daniel 4 in the NNT2

Daniel 4 in the NNT3

Daniel 4 in the PDDPT

Daniel 4 in the PFNT

Daniel 4 in the RMNT

Daniel 4 in the SBIAS

Daniel 4 in the SBIBS

Daniel 4 in the SBIBS2

Daniel 4 in the SBICS

Daniel 4 in the SBIDS

Daniel 4 in the SBIGS

Daniel 4 in the SBIHS

Daniel 4 in the SBIIS

Daniel 4 in the SBIIS2

Daniel 4 in the SBIIS3

Daniel 4 in the SBIKS

Daniel 4 in the SBIKS2

Daniel 4 in the SBIMS

Daniel 4 in the SBIOS

Daniel 4 in the SBIPS

Daniel 4 in the SBISS

Daniel 4 in the SBITS

Daniel 4 in the SBITS2

Daniel 4 in the SBITS3

Daniel 4 in the SBITS4

Daniel 4 in the SBIUS

Daniel 4 in the SBIVS

Daniel 4 in the SBT

Daniel 4 in the SBT1E

Daniel 4 in the SCHL

Daniel 4 in the SNT

Daniel 4 in the SUSU

Daniel 4 in the SUSU2

Daniel 4 in the SYNO

Daniel 4 in the TBIAOTANT

Daniel 4 in the TBT1E

Daniel 4 in the TBT1E2

Daniel 4 in the TFTIP

Daniel 4 in the TFTU

Daniel 4 in the TGNTATF3T

Daniel 4 in the THAI

Daniel 4 in the TNFD

Daniel 4 in the TNT

Daniel 4 in the TNTIK

Daniel 4 in the TNTIL

Daniel 4 in the TNTIN

Daniel 4 in the TNTIP

Daniel 4 in the TNTIZ

Daniel 4 in the TOMA

Daniel 4 in the TTENT

Daniel 4 in the UBG

Daniel 4 in the UGV

Daniel 4 in the UGV2

Daniel 4 in the UGV3

Daniel 4 in the VBL

Daniel 4 in the VDCC

Daniel 4 in the YALU

Daniel 4 in the YAPE

Daniel 4 in the YBVTP

Daniel 4 in the ZBP