1 Kings 6 (BOSCB)

1 Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha. 2 Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu, ina makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo kumusoro. 3 Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviri uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi. 4 Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki. 5 Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi. 6 Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatu uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi. 7 Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa. 8 Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapasi, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu. 9 Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari. 10 Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari. 11 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti, 12 “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi. 13 Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.” 14 Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza. 15 Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi. 16 Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, Nzvimbo Tsvene-tsvene. 17 Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi mana. 18 Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa. 19 Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha. 20 Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka, uye akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari. 21 Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe. 22 Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe. 23 Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi, munzvimbo tsvene yomukati. 24 Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro. 25 Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo. 26 Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi. 27 Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba. 28 Akafukidza makerubhi negoridhe. 29 Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze. 30 Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe. 31 Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu. 32 Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwe neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwe negoridhe rakarohwa. 33 Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana. 34 Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa. 35 Akaveza makerubhi, miti yemichindwe namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa. 36 Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari. 37 Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi. 38 Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.

In Other Versions

1 Kings 6 in the ANGEFD

1 Kings 6 in the ANTPNG2D

1 Kings 6 in the AS21

1 Kings 6 in the BAGH

1 Kings 6 in the BBPNG

1 Kings 6 in the BBT1E

1 Kings 6 in the BDS

1 Kings 6 in the BEV

1 Kings 6 in the BHAD

1 Kings 6 in the BIB

1 Kings 6 in the BLPT

1 Kings 6 in the BNT

1 Kings 6 in the BNTABOOT

1 Kings 6 in the BNTLV

1 Kings 6 in the BOATCB

1 Kings 6 in the BOATCB2

1 Kings 6 in the BOBCV

1 Kings 6 in the BOCNT

1 Kings 6 in the BOECS

1 Kings 6 in the BOGWICC

1 Kings 6 in the BOHCB

1 Kings 6 in the BOHCV

1 Kings 6 in the BOHLNT

1 Kings 6 in the BOHNTLTAL

1 Kings 6 in the BOICB

1 Kings 6 in the BOILNTAP

1 Kings 6 in the BOITCV

1 Kings 6 in the BOKCV

1 Kings 6 in the BOKCV2

1 Kings 6 in the BOKHWOG

1 Kings 6 in the BOKSSV

1 Kings 6 in the BOLCB

1 Kings 6 in the BOLCB2

1 Kings 6 in the BOMCV

1 Kings 6 in the BONAV

1 Kings 6 in the BONCB

1 Kings 6 in the BONLT

1 Kings 6 in the BONUT2

1 Kings 6 in the BOPLNT

1 Kings 6 in the BOSNC

1 Kings 6 in the BOTLNT

1 Kings 6 in the BOVCB

1 Kings 6 in the BOYCB

1 Kings 6 in the BPBB

1 Kings 6 in the BPH

1 Kings 6 in the BSB

1 Kings 6 in the CCB

1 Kings 6 in the CUV

1 Kings 6 in the CUVS

1 Kings 6 in the DBT

1 Kings 6 in the DGDNT

1 Kings 6 in the DHNT

1 Kings 6 in the DNT

1 Kings 6 in the ELBE

1 Kings 6 in the EMTV

1 Kings 6 in the ESV

1 Kings 6 in the FBV

1 Kings 6 in the FEB

1 Kings 6 in the GGMNT

1 Kings 6 in the GNT

1 Kings 6 in the HARY

1 Kings 6 in the HNT

1 Kings 6 in the IRVA

1 Kings 6 in the IRVB

1 Kings 6 in the IRVG

1 Kings 6 in the IRVH

1 Kings 6 in the IRVK

1 Kings 6 in the IRVM

1 Kings 6 in the IRVM2

1 Kings 6 in the IRVO

1 Kings 6 in the IRVP

1 Kings 6 in the IRVT

1 Kings 6 in the IRVT2

1 Kings 6 in the IRVU

1 Kings 6 in the ISVN

1 Kings 6 in the JSNT

1 Kings 6 in the KAPI

1 Kings 6 in the KBT1ETNIK

1 Kings 6 in the KBV

1 Kings 6 in the KJV

1 Kings 6 in the KNFD

1 Kings 6 in the LBA

1 Kings 6 in the LBLA

1 Kings 6 in the LNT

1 Kings 6 in the LSV

1 Kings 6 in the MAAL

1 Kings 6 in the MBV

1 Kings 6 in the MBV2

1 Kings 6 in the MHNT

1 Kings 6 in the MKNFD

1 Kings 6 in the MNG

1 Kings 6 in the MNT

1 Kings 6 in the MNT2

1 Kings 6 in the MRS1T

1 Kings 6 in the NAA

1 Kings 6 in the NASB

1 Kings 6 in the NBLA

1 Kings 6 in the NBS

1 Kings 6 in the NBVTP

1 Kings 6 in the NET2

1 Kings 6 in the NIV11

1 Kings 6 in the NNT

1 Kings 6 in the NNT2

1 Kings 6 in the NNT3

1 Kings 6 in the PDDPT

1 Kings 6 in the PFNT

1 Kings 6 in the RMNT

1 Kings 6 in the SBIAS

1 Kings 6 in the SBIBS

1 Kings 6 in the SBIBS2

1 Kings 6 in the SBICS

1 Kings 6 in the SBIDS

1 Kings 6 in the SBIGS

1 Kings 6 in the SBIHS

1 Kings 6 in the SBIIS

1 Kings 6 in the SBIIS2

1 Kings 6 in the SBIIS3

1 Kings 6 in the SBIKS

1 Kings 6 in the SBIKS2

1 Kings 6 in the SBIMS

1 Kings 6 in the SBIOS

1 Kings 6 in the SBIPS

1 Kings 6 in the SBISS

1 Kings 6 in the SBITS

1 Kings 6 in the SBITS2

1 Kings 6 in the SBITS3

1 Kings 6 in the SBITS4

1 Kings 6 in the SBIUS

1 Kings 6 in the SBIVS

1 Kings 6 in the SBT

1 Kings 6 in the SBT1E

1 Kings 6 in the SCHL

1 Kings 6 in the SNT

1 Kings 6 in the SUSU

1 Kings 6 in the SUSU2

1 Kings 6 in the SYNO

1 Kings 6 in the TBIAOTANT

1 Kings 6 in the TBT1E

1 Kings 6 in the TBT1E2

1 Kings 6 in the TFTIP

1 Kings 6 in the TFTU

1 Kings 6 in the TGNTATF3T

1 Kings 6 in the THAI

1 Kings 6 in the TNFD

1 Kings 6 in the TNT

1 Kings 6 in the TNTIK

1 Kings 6 in the TNTIL

1 Kings 6 in the TNTIN

1 Kings 6 in the TNTIP

1 Kings 6 in the TNTIZ

1 Kings 6 in the TOMA

1 Kings 6 in the TTENT

1 Kings 6 in the UBG

1 Kings 6 in the UGV

1 Kings 6 in the UGV2

1 Kings 6 in the UGV3

1 Kings 6 in the VBL

1 Kings 6 in the VDCC

1 Kings 6 in the YALU

1 Kings 6 in the YAPE

1 Kings 6 in the YBVTP

1 Kings 6 in the ZBP