1 Samuel 14 (BOSCB)

1 Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake. 2 Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu, 3 pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda. 4 Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva namawere; mamwe ainzi Bhozezi, mamwe achinzi Sene. 5 Mamwe mawere aiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, mamwe ari zasi kwakadziva kuGebha. 6 Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.” 7 Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.” 8 Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione. 9 Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari. 10 Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwidza, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.” 11 Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.” 12 Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.”Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.” 13 Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make. 14 Pakurwisa kwokutanga, Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri panzvimbo inenge hafu yeeka. 15 Ipapo kutya kwakabata varwi vose vakanga vari mumusasa nomuminda, navose vakanga vari mumapoka avarwi navapambi, uye pasi pakadengenyeka. Kwakanga kuri kuvhundutswa kwakanga kwatumwa naMwari. 16 Nharirire dzaSauro paGibhea muBhenjamini dzakaona varwi vachinyungudika kumativi ose. 17 Ipapo Sauro akati kuvarume vakanga vanaye, “Verengai varwi muone kuti ndivanaani vasipo pakati pedu.” Vakati vadaro vakaona kuti Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa vakanga vasipo. 18 Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neareka yaMwari.” (Panguva iyoyo vaIsraeri ndivo vakanga vanayo.) 19 Sauro achiri kutaura nomuprista, mhirizhonga yakanyanyisa mumusasa wavaFiristia. Saka Sauro akati kumuprista, “Dzosa ruoko rwako.” 20 Ipapo Sauro navanhu vake vose vakaungana vakaenda kundorwa. Vakawana vaFiristia vari mumhirizhonga huru, vachibayana mumwe nomumwe neminondo yavo. 21 VaHebheru vaya vakanga vari kuvaFiristia kare uye vakanga vaenda navo kumusasa wavo vakayambuka vakaenda kuvaIsraeri vakanga vana Sauro naJonatani. 22 VaIsraeri vaya vose vakanga vavanda munyika yezvikomo yeEfuremu pavakanzwa kuti vaFiristia vakanga votiza, vakateverawo muhondo vakavadzingirira zvikuru. 23 Saka Jehovha akarwira vaIsraeri pazuva iro, uye hondo yakaenderera mberi ikandopfuura Bheti Avheni. 24 Zvino varume veIsraeri vakaziya pazuva iro, nokuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko achiti, “Ngaatukwe munhu anodya zvokudya kusati kwadoka, ndisati ndazvitsivira vavengi vangu!” Saka hakuna munhu pavarwi akaravira chokudya. 25 Hondo yose yakapinda musango, uye imomo maiva nouchi hwapasi. 26 Vakati vapinda musango, vakaona uchi huchiyerera, asi hakuna akaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vakanga vachitya mhiko. 27 Asi Jonatani akanga asina kunzwa kuti baba vake vakanga vasunga vanhu nemhiko, saka akatambanudza muromo wetsvimbo yakanga iri muruoko rwake akainyika muzinga rouchi. Akasimudzira ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akabengenuka. 28 Ipapo mumwe wavarwi akati kwaari, “Baba vako vasunga varwi nemhiko vachiti, ‘Ngaatukwe munhu upi zvake anodya zvokudya nhasi!’ Ndokusaka vanhu voziya.” 29 Jonatani akati, “Baba vangu vanetsa nyika. Tarirai muone kuzaruka kwaita meso angu pandaravira chidimbu chouchi uhu. 30 Zvaiva nani sei dai vanhu vanga vadya nhasi zvimwe zvezvakapambwa zvavakatora kuvavengi vavo. Kuurayiwa kwavaFiristia hakwaizova kukuru here?” 31 Musi iwoyo, shure kwokunge vaIsraeri vauraya vaFiristia kubva paMikimashi kusvika kuAijaroni, vakaneta kwazvo. 32 Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo. 33 Ipapo mumwe akati kuna Sauro, “Tarirai vanhu vari kutadzira Jehovha nokudya nyama ine ropa.”Iye akati, “Maputsa kutenda. Kungurutsirai dombo guru kuno uku izvozvi.” 34 Ipapo akati, “Endai pakati pavanhu mugovataurira kuti, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaauye nemombe yake, namakwai uye muzviurayire pano muzvidye. Musatadzira Jehovha muchidya nyama ichine ropa rayo.’ ”Saka munhu wose akauya nenzombe yake usiku ihwohwo akaiuraya ipapo. 35 Ipapo Sauro akavakira Jehovha aritari; yakanga iri nguva yake yokutanga kuita izvi. 36 Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovaparadza kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.”Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.”Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.” 37 Saka Sauro akabvunza Mwari akati, “Ndoburuka nditevere vaFiristia here? Muchavaisa mumaoko avaIsraeri here?” Asi Mwari haana kumupindura musi iwoyo. 38 Naizvozvo Sauro akati, “Uyai pano, imi mose vatungamiri vehondo, Ngatitsvakei chivi chaitwa nhasi. 39 Zvirokwazvo naJehovha, iye akanunura upenyu hwavaIsraeri, kunyange dai ari Jonatani mwanakomana wangu, anofanira kufa.” Asi hapana kana mumwe wavarume akataura shoko. 40 Ipapo Sauro akati kuvaIsraeri vose, “Imi mirai uko; ini naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno uku.”Vanhu vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” 41 Ipapo Sauro akanyengetera kuna Jehovha, Mwari waIsraeri akati, “Ndipeiwo mhinduro yakarurama.” Ipapo Jonatani naSauro vakabatwa nomujenya, vanhu vakawanikwa vasina mhosva. 42 Sauro akati, “Kandai mujenya pakati pangu nomwanakomana wangu Jonatani.” Ipapo Jonatani akabatwa. 43 Ipapo Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita.”Saka Jonatani akati kwaari, “Ndangoravira uchi ushoma nomuromo wetsvimbo yangu. Zvino ndinofanira kufa here?” 44 Sauro akati, “Mwari ngaandirove, ngaandirove kwazvo, kana iwe Jonatani ukasafa.” 45 Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa. 46 Ipapo Sauro akarega kutevera vaFiristia, uye vakadzokera kunyika yavo. 47 Shure kwokugadzwa kwaSauro ushe pamusoro pavaIsraeri, akarwa navavengi vavo kumativi ose, vaiti: Moabhu, vaAmoni, Edhomu, madzimambo eZobha, navaFiristia. Kwose kwaakatendeukira, akavatambudza. 48 Akarwa noumhare akakunda vaAmereki, akadzikinura vaIsraeri kubva mumaoko avaya vakanga vavapamba. 49 Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi naMarikishua. Zita romwanasikana wake wedangwe rainzi Merabhi, uye romuduku rainzi Mikari. 50 Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro. 51 Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri. 52 Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake.

In Other Versions

1 Samuel 14 in the ANGEFD

1 Samuel 14 in the ANTPNG2D

1 Samuel 14 in the AS21

1 Samuel 14 in the BAGH

1 Samuel 14 in the BBPNG

1 Samuel 14 in the BBT1E

1 Samuel 14 in the BDS

1 Samuel 14 in the BEV

1 Samuel 14 in the BHAD

1 Samuel 14 in the BIB

1 Samuel 14 in the BLPT

1 Samuel 14 in the BNT

1 Samuel 14 in the BNTABOOT

1 Samuel 14 in the BNTLV

1 Samuel 14 in the BOATCB

1 Samuel 14 in the BOATCB2

1 Samuel 14 in the BOBCV

1 Samuel 14 in the BOCNT

1 Samuel 14 in the BOECS

1 Samuel 14 in the BOGWICC

1 Samuel 14 in the BOHCB

1 Samuel 14 in the BOHCV

1 Samuel 14 in the BOHLNT

1 Samuel 14 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 14 in the BOICB

1 Samuel 14 in the BOILNTAP

1 Samuel 14 in the BOITCV

1 Samuel 14 in the BOKCV

1 Samuel 14 in the BOKCV2

1 Samuel 14 in the BOKHWOG

1 Samuel 14 in the BOKSSV

1 Samuel 14 in the BOLCB

1 Samuel 14 in the BOLCB2

1 Samuel 14 in the BOMCV

1 Samuel 14 in the BONAV

1 Samuel 14 in the BONCB

1 Samuel 14 in the BONLT

1 Samuel 14 in the BONUT2

1 Samuel 14 in the BOPLNT

1 Samuel 14 in the BOSNC

1 Samuel 14 in the BOTLNT

1 Samuel 14 in the BOVCB

1 Samuel 14 in the BOYCB

1 Samuel 14 in the BPBB

1 Samuel 14 in the BPH

1 Samuel 14 in the BSB

1 Samuel 14 in the CCB

1 Samuel 14 in the CUV

1 Samuel 14 in the CUVS

1 Samuel 14 in the DBT

1 Samuel 14 in the DGDNT

1 Samuel 14 in the DHNT

1 Samuel 14 in the DNT

1 Samuel 14 in the ELBE

1 Samuel 14 in the EMTV

1 Samuel 14 in the ESV

1 Samuel 14 in the FBV

1 Samuel 14 in the FEB

1 Samuel 14 in the GGMNT

1 Samuel 14 in the GNT

1 Samuel 14 in the HARY

1 Samuel 14 in the HNT

1 Samuel 14 in the IRVA

1 Samuel 14 in the IRVB

1 Samuel 14 in the IRVG

1 Samuel 14 in the IRVH

1 Samuel 14 in the IRVK

1 Samuel 14 in the IRVM

1 Samuel 14 in the IRVM2

1 Samuel 14 in the IRVO

1 Samuel 14 in the IRVP

1 Samuel 14 in the IRVT

1 Samuel 14 in the IRVT2

1 Samuel 14 in the IRVU

1 Samuel 14 in the ISVN

1 Samuel 14 in the JSNT

1 Samuel 14 in the KAPI

1 Samuel 14 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 14 in the KBV

1 Samuel 14 in the KJV

1 Samuel 14 in the KNFD

1 Samuel 14 in the LBA

1 Samuel 14 in the LBLA

1 Samuel 14 in the LNT

1 Samuel 14 in the LSV

1 Samuel 14 in the MAAL

1 Samuel 14 in the MBV

1 Samuel 14 in the MBV2

1 Samuel 14 in the MHNT

1 Samuel 14 in the MKNFD

1 Samuel 14 in the MNG

1 Samuel 14 in the MNT

1 Samuel 14 in the MNT2

1 Samuel 14 in the MRS1T

1 Samuel 14 in the NAA

1 Samuel 14 in the NASB

1 Samuel 14 in the NBLA

1 Samuel 14 in the NBS

1 Samuel 14 in the NBVTP

1 Samuel 14 in the NET2

1 Samuel 14 in the NIV11

1 Samuel 14 in the NNT

1 Samuel 14 in the NNT2

1 Samuel 14 in the NNT3

1 Samuel 14 in the PDDPT

1 Samuel 14 in the PFNT

1 Samuel 14 in the RMNT

1 Samuel 14 in the SBIAS

1 Samuel 14 in the SBIBS

1 Samuel 14 in the SBIBS2

1 Samuel 14 in the SBICS

1 Samuel 14 in the SBIDS

1 Samuel 14 in the SBIGS

1 Samuel 14 in the SBIHS

1 Samuel 14 in the SBIIS

1 Samuel 14 in the SBIIS2

1 Samuel 14 in the SBIIS3

1 Samuel 14 in the SBIKS

1 Samuel 14 in the SBIKS2

1 Samuel 14 in the SBIMS

1 Samuel 14 in the SBIOS

1 Samuel 14 in the SBIPS

1 Samuel 14 in the SBISS

1 Samuel 14 in the SBITS

1 Samuel 14 in the SBITS2

1 Samuel 14 in the SBITS3

1 Samuel 14 in the SBITS4

1 Samuel 14 in the SBIUS

1 Samuel 14 in the SBIVS

1 Samuel 14 in the SBT

1 Samuel 14 in the SBT1E

1 Samuel 14 in the SCHL

1 Samuel 14 in the SNT

1 Samuel 14 in the SUSU

1 Samuel 14 in the SUSU2

1 Samuel 14 in the SYNO

1 Samuel 14 in the TBIAOTANT

1 Samuel 14 in the TBT1E

1 Samuel 14 in the TBT1E2

1 Samuel 14 in the TFTIP

1 Samuel 14 in the TFTU

1 Samuel 14 in the TGNTATF3T

1 Samuel 14 in the THAI

1 Samuel 14 in the TNFD

1 Samuel 14 in the TNT

1 Samuel 14 in the TNTIK

1 Samuel 14 in the TNTIL

1 Samuel 14 in the TNTIN

1 Samuel 14 in the TNTIP

1 Samuel 14 in the TNTIZ

1 Samuel 14 in the TOMA

1 Samuel 14 in the TTENT

1 Samuel 14 in the UBG

1 Samuel 14 in the UGV

1 Samuel 14 in the UGV2

1 Samuel 14 in the UGV3

1 Samuel 14 in the VBL

1 Samuel 14 in the VDCC

1 Samuel 14 in the YALU

1 Samuel 14 in the YAPE

1 Samuel 14 in the YBVTP

1 Samuel 14 in the ZBP