Psalms 20 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. 2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. 3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvoseuye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera 4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. 5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira. 6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;anomupindura ari kudenga rake dzvene,nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi. 7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu. 8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,asi isu tinosimuka tigomira takasimba. 9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo!Tipindurei patinodana!