1 Kings 12 (BOSCB)

1 Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaendako kundomuita mambo. 2 Zvino Jerobhoamu, mwanakomana waNebhati, akati azvinzwa (akanga achiri kuIjipiti, kwaakanga aenda akatiza Mambo Soromoni) akadzoka kubva kuIjipiti. 3 Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, 4 “Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi zvino chitirerutsirai basa rakaoma iri nomutoro unorema uyu wavakaisa pamusoro pedu, isu tigokushandirai.” 5 Rehobhoamu akapindura akati, “Chimboendai kwamazuva matatu mugodzoka kwandiri.” Saka vanhu vakaenda. 6 Ipapo Mambo Rehobhoamu akabvunza vakuru vakambenge vachishandira baba vake Soromoni vachiri vapenyu. Akati, “Mungandipa zano ripiko randingapindura naro vanhu ava?” 7 Vakapindura vakati, “Kana nhasi mukava muranda wavanhu ava mukavashandira nokuvapa mhinduro inofadza, vachazova varanda venyu nguva dzose.” 8 Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira. 9 Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ” 10 Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu. 11 Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ” 12 Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.” 13 Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru, 14 akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.” 15 Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe. 16 Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati:“Tino mugove weiko muna Dhavhidhi,nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese?Kumatende enyu, imi vaIsraeri!Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!”Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo. 17 Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga. 18 Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. 19 Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi. 20 VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti auye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi. 21 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBhenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri kuti vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni. 22 Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, 23 “Uti kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo weJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuvamwe vanhu vose, 24 ‘Zvanzi naJehovha: Musakwidza kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. 25 Ipapo Jerobhoamu akavaka Shekemu munyika yamakomo yaEfuremu akagarako. Achibvako akaenda akandovaka Penueri. 26 Jerobhoamu akafunga akati, “Zvino umambo huchagona kudzokera kuimba yaDhavhidhi. 27 Kana vanhu ava vakakwidza kumusoro kundobayira zvibayiro kutemberi yaJehovha muJerusarema, vachazozvipira zvakare kuna ishe wavo, Rehobhoamu. Vachandiuraya vagodzokera kuna Mambo Rehobhoamu.” 28 Mushure mokubvunza vamwe, mambo akaumba zvimhuru zvegoridhe zviviri. Akati kuvanhu, “Zviri kukuremerai kukwidza kumusoro kuJerusarema. VaIsraeri, ava ndivo vamwari venyu vakakubudisai kubva muIjipiti.” 29 Akaisa imwe paBheteri, neimwe paDhani. 30 Zvino chinhu ichi chakava chivi; vanhu vaifamba zvokutosvika kuDhani kundonamata chaiva ikoko. 31 Jerobhoamu akavaka dzimba panzvimbo dzakakwirira akatora vanhu vose vose akavaita vaprista, kunyange vaisava vaRevhi. 32 Akatangisa mutambo wezuva regumi namashanu romwedzi worusere, wakafanana nomutambo wokuJudha, akabayira zvibayiro paaritari. Izvi akazviita muBheteri, akabayira kumhuru dzaakanga agadzira, uye paBheteri akagadzawo vaprista panzvimbo dzakakwirira dzaakanga aita. 33 Nomusi wegumi neshanu womwedzi worusere, mwedzi waakanga angosarudzawo, akabayira zvibayiro paaritari yaakanga avaka paBheteri. Saizvozvo akatangisa mutambo wavaIsraeri akaenda kuaritari kundopisa zvinonhuhwira.

In Other Versions

1 Kings 12 in the ANGEFD

1 Kings 12 in the ANTPNG2D

1 Kings 12 in the AS21

1 Kings 12 in the BAGH

1 Kings 12 in the BBPNG

1 Kings 12 in the BBT1E

1 Kings 12 in the BDS

1 Kings 12 in the BEV

1 Kings 12 in the BHAD

1 Kings 12 in the BIB

1 Kings 12 in the BLPT

1 Kings 12 in the BNT

1 Kings 12 in the BNTABOOT

1 Kings 12 in the BNTLV

1 Kings 12 in the BOATCB

1 Kings 12 in the BOATCB2

1 Kings 12 in the BOBCV

1 Kings 12 in the BOCNT

1 Kings 12 in the BOECS

1 Kings 12 in the BOGWICC

1 Kings 12 in the BOHCB

1 Kings 12 in the BOHCV

1 Kings 12 in the BOHLNT

1 Kings 12 in the BOHNTLTAL

1 Kings 12 in the BOICB

1 Kings 12 in the BOILNTAP

1 Kings 12 in the BOITCV

1 Kings 12 in the BOKCV

1 Kings 12 in the BOKCV2

1 Kings 12 in the BOKHWOG

1 Kings 12 in the BOKSSV

1 Kings 12 in the BOLCB

1 Kings 12 in the BOLCB2

1 Kings 12 in the BOMCV

1 Kings 12 in the BONAV

1 Kings 12 in the BONCB

1 Kings 12 in the BONLT

1 Kings 12 in the BONUT2

1 Kings 12 in the BOPLNT

1 Kings 12 in the BOSNC

1 Kings 12 in the BOTLNT

1 Kings 12 in the BOVCB

1 Kings 12 in the BOYCB

1 Kings 12 in the BPBB

1 Kings 12 in the BPH

1 Kings 12 in the BSB

1 Kings 12 in the CCB

1 Kings 12 in the CUV

1 Kings 12 in the CUVS

1 Kings 12 in the DBT

1 Kings 12 in the DGDNT

1 Kings 12 in the DHNT

1 Kings 12 in the DNT

1 Kings 12 in the ELBE

1 Kings 12 in the EMTV

1 Kings 12 in the ESV

1 Kings 12 in the FBV

1 Kings 12 in the FEB

1 Kings 12 in the GGMNT

1 Kings 12 in the GNT

1 Kings 12 in the HARY

1 Kings 12 in the HNT

1 Kings 12 in the IRVA

1 Kings 12 in the IRVB

1 Kings 12 in the IRVG

1 Kings 12 in the IRVH

1 Kings 12 in the IRVK

1 Kings 12 in the IRVM

1 Kings 12 in the IRVM2

1 Kings 12 in the IRVO

1 Kings 12 in the IRVP

1 Kings 12 in the IRVT

1 Kings 12 in the IRVT2

1 Kings 12 in the IRVU

1 Kings 12 in the ISVN

1 Kings 12 in the JSNT

1 Kings 12 in the KAPI

1 Kings 12 in the KBT1ETNIK

1 Kings 12 in the KBV

1 Kings 12 in the KJV

1 Kings 12 in the KNFD

1 Kings 12 in the LBA

1 Kings 12 in the LBLA

1 Kings 12 in the LNT

1 Kings 12 in the LSV

1 Kings 12 in the MAAL

1 Kings 12 in the MBV

1 Kings 12 in the MBV2

1 Kings 12 in the MHNT

1 Kings 12 in the MKNFD

1 Kings 12 in the MNG

1 Kings 12 in the MNT

1 Kings 12 in the MNT2

1 Kings 12 in the MRS1T

1 Kings 12 in the NAA

1 Kings 12 in the NASB

1 Kings 12 in the NBLA

1 Kings 12 in the NBS

1 Kings 12 in the NBVTP

1 Kings 12 in the NET2

1 Kings 12 in the NIV11

1 Kings 12 in the NNT

1 Kings 12 in the NNT2

1 Kings 12 in the NNT3

1 Kings 12 in the PDDPT

1 Kings 12 in the PFNT

1 Kings 12 in the RMNT

1 Kings 12 in the SBIAS

1 Kings 12 in the SBIBS

1 Kings 12 in the SBIBS2

1 Kings 12 in the SBICS

1 Kings 12 in the SBIDS

1 Kings 12 in the SBIGS

1 Kings 12 in the SBIHS

1 Kings 12 in the SBIIS

1 Kings 12 in the SBIIS2

1 Kings 12 in the SBIIS3

1 Kings 12 in the SBIKS

1 Kings 12 in the SBIKS2

1 Kings 12 in the SBIMS

1 Kings 12 in the SBIOS

1 Kings 12 in the SBIPS

1 Kings 12 in the SBISS

1 Kings 12 in the SBITS

1 Kings 12 in the SBITS2

1 Kings 12 in the SBITS3

1 Kings 12 in the SBITS4

1 Kings 12 in the SBIUS

1 Kings 12 in the SBIVS

1 Kings 12 in the SBT

1 Kings 12 in the SBT1E

1 Kings 12 in the SCHL

1 Kings 12 in the SNT

1 Kings 12 in the SUSU

1 Kings 12 in the SUSU2

1 Kings 12 in the SYNO

1 Kings 12 in the TBIAOTANT

1 Kings 12 in the TBT1E

1 Kings 12 in the TBT1E2

1 Kings 12 in the TFTIP

1 Kings 12 in the TFTU

1 Kings 12 in the TGNTATF3T

1 Kings 12 in the THAI

1 Kings 12 in the TNFD

1 Kings 12 in the TNT

1 Kings 12 in the TNTIK

1 Kings 12 in the TNTIL

1 Kings 12 in the TNTIN

1 Kings 12 in the TNTIP

1 Kings 12 in the TNTIZ

1 Kings 12 in the TOMA

1 Kings 12 in the TTENT

1 Kings 12 in the UBG

1 Kings 12 in the UGV

1 Kings 12 in the UGV2

1 Kings 12 in the UGV3

1 Kings 12 in the VBL

1 Kings 12 in the VDCC

1 Kings 12 in the YALU

1 Kings 12 in the YAPE

1 Kings 12 in the YBVTP

1 Kings 12 in the ZBP