1 Kings 9 (BOSCB)

1 Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, 2 Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. 3 Jehovha akati kwaari:“Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose. 4 “Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, 5 ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangashayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’ 6 “Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, 7 ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. 8 Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ 9 Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ” 10 Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, 11 Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. 12 Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. 13 Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. 14 Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe. 15 Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. 16 Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. 17 Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bheti Horoni yeZasi, 18 Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, 19 pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. 20 Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), 21 vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi. 22 Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro. 23 Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa. 24 Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro. 25 Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi. 26 Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku. 27 Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni. 28 Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarenda egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni.

In Other Versions

1 Kings 9 in the ANGEFD

1 Kings 9 in the ANTPNG2D

1 Kings 9 in the AS21

1 Kings 9 in the BAGH

1 Kings 9 in the BBPNG

1 Kings 9 in the BBT1E

1 Kings 9 in the BDS

1 Kings 9 in the BEV

1 Kings 9 in the BHAD

1 Kings 9 in the BIB

1 Kings 9 in the BLPT

1 Kings 9 in the BNT

1 Kings 9 in the BNTABOOT

1 Kings 9 in the BNTLV

1 Kings 9 in the BOATCB

1 Kings 9 in the BOATCB2

1 Kings 9 in the BOBCV

1 Kings 9 in the BOCNT

1 Kings 9 in the BOECS

1 Kings 9 in the BOGWICC

1 Kings 9 in the BOHCB

1 Kings 9 in the BOHCV

1 Kings 9 in the BOHLNT

1 Kings 9 in the BOHNTLTAL

1 Kings 9 in the BOICB

1 Kings 9 in the BOILNTAP

1 Kings 9 in the BOITCV

1 Kings 9 in the BOKCV

1 Kings 9 in the BOKCV2

1 Kings 9 in the BOKHWOG

1 Kings 9 in the BOKSSV

1 Kings 9 in the BOLCB

1 Kings 9 in the BOLCB2

1 Kings 9 in the BOMCV

1 Kings 9 in the BONAV

1 Kings 9 in the BONCB

1 Kings 9 in the BONLT

1 Kings 9 in the BONUT2

1 Kings 9 in the BOPLNT

1 Kings 9 in the BOSNC

1 Kings 9 in the BOTLNT

1 Kings 9 in the BOVCB

1 Kings 9 in the BOYCB

1 Kings 9 in the BPBB

1 Kings 9 in the BPH

1 Kings 9 in the BSB

1 Kings 9 in the CCB

1 Kings 9 in the CUV

1 Kings 9 in the CUVS

1 Kings 9 in the DBT

1 Kings 9 in the DGDNT

1 Kings 9 in the DHNT

1 Kings 9 in the DNT

1 Kings 9 in the ELBE

1 Kings 9 in the EMTV

1 Kings 9 in the ESV

1 Kings 9 in the FBV

1 Kings 9 in the FEB

1 Kings 9 in the GGMNT

1 Kings 9 in the GNT

1 Kings 9 in the HARY

1 Kings 9 in the HNT

1 Kings 9 in the IRVA

1 Kings 9 in the IRVB

1 Kings 9 in the IRVG

1 Kings 9 in the IRVH

1 Kings 9 in the IRVK

1 Kings 9 in the IRVM

1 Kings 9 in the IRVM2

1 Kings 9 in the IRVO

1 Kings 9 in the IRVP

1 Kings 9 in the IRVT

1 Kings 9 in the IRVT2

1 Kings 9 in the IRVU

1 Kings 9 in the ISVN

1 Kings 9 in the JSNT

1 Kings 9 in the KAPI

1 Kings 9 in the KBT1ETNIK

1 Kings 9 in the KBV

1 Kings 9 in the KJV

1 Kings 9 in the KNFD

1 Kings 9 in the LBA

1 Kings 9 in the LBLA

1 Kings 9 in the LNT

1 Kings 9 in the LSV

1 Kings 9 in the MAAL

1 Kings 9 in the MBV

1 Kings 9 in the MBV2

1 Kings 9 in the MHNT

1 Kings 9 in the MKNFD

1 Kings 9 in the MNG

1 Kings 9 in the MNT

1 Kings 9 in the MNT2

1 Kings 9 in the MRS1T

1 Kings 9 in the NAA

1 Kings 9 in the NASB

1 Kings 9 in the NBLA

1 Kings 9 in the NBS

1 Kings 9 in the NBVTP

1 Kings 9 in the NET2

1 Kings 9 in the NIV11

1 Kings 9 in the NNT

1 Kings 9 in the NNT2

1 Kings 9 in the NNT3

1 Kings 9 in the PDDPT

1 Kings 9 in the PFNT

1 Kings 9 in the RMNT

1 Kings 9 in the SBIAS

1 Kings 9 in the SBIBS

1 Kings 9 in the SBIBS2

1 Kings 9 in the SBICS

1 Kings 9 in the SBIDS

1 Kings 9 in the SBIGS

1 Kings 9 in the SBIHS

1 Kings 9 in the SBIIS

1 Kings 9 in the SBIIS2

1 Kings 9 in the SBIIS3

1 Kings 9 in the SBIKS

1 Kings 9 in the SBIKS2

1 Kings 9 in the SBIMS

1 Kings 9 in the SBIOS

1 Kings 9 in the SBIPS

1 Kings 9 in the SBISS

1 Kings 9 in the SBITS

1 Kings 9 in the SBITS2

1 Kings 9 in the SBITS3

1 Kings 9 in the SBITS4

1 Kings 9 in the SBIUS

1 Kings 9 in the SBIVS

1 Kings 9 in the SBT

1 Kings 9 in the SBT1E

1 Kings 9 in the SCHL

1 Kings 9 in the SNT

1 Kings 9 in the SUSU

1 Kings 9 in the SUSU2

1 Kings 9 in the SYNO

1 Kings 9 in the TBIAOTANT

1 Kings 9 in the TBT1E

1 Kings 9 in the TBT1E2

1 Kings 9 in the TFTIP

1 Kings 9 in the TFTU

1 Kings 9 in the TGNTATF3T

1 Kings 9 in the THAI

1 Kings 9 in the TNFD

1 Kings 9 in the TNT

1 Kings 9 in the TNTIK

1 Kings 9 in the TNTIL

1 Kings 9 in the TNTIN

1 Kings 9 in the TNTIP

1 Kings 9 in the TNTIZ

1 Kings 9 in the TOMA

1 Kings 9 in the TTENT

1 Kings 9 in the UBG

1 Kings 9 in the UGV

1 Kings 9 in the UGV2

1 Kings 9 in the UGV3

1 Kings 9 in the VBL

1 Kings 9 in the VDCC

1 Kings 9 in the YALU

1 Kings 9 in the YAPE

1 Kings 9 in the YBVTP

1 Kings 9 in the ZBP