2 Chronicles 9 (BOSCB)

1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake. 2 Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire. 3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka, 4 zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa. 5 Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi. 6 Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa. 7 Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu. 8 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.” 9 Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha. 10 (Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha. 11 Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha). 12 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake. 13 Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatu pagore roga roga, 14 tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni. 15 Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeri egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe. 16 Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatu egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni. 17 Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka. 18 Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo. 19 Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo. 20 Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa. 21 Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo. 22 Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika. 23 Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make. 24 Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro. 25 Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva. 26 Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti. 27 Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo. 28 Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika. 29 Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati? 30 Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana. 31 Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

2 Chronicles 9 in the ANGEFD

2 Chronicles 9 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 9 in the AS21

2 Chronicles 9 in the BAGH

2 Chronicles 9 in the BBPNG

2 Chronicles 9 in the BBT1E

2 Chronicles 9 in the BDS

2 Chronicles 9 in the BEV

2 Chronicles 9 in the BHAD

2 Chronicles 9 in the BIB

2 Chronicles 9 in the BLPT

2 Chronicles 9 in the BNT

2 Chronicles 9 in the BNTABOOT

2 Chronicles 9 in the BNTLV

2 Chronicles 9 in the BOATCB

2 Chronicles 9 in the BOATCB2

2 Chronicles 9 in the BOBCV

2 Chronicles 9 in the BOCNT

2 Chronicles 9 in the BOECS

2 Chronicles 9 in the BOGWICC

2 Chronicles 9 in the BOHCB

2 Chronicles 9 in the BOHCV

2 Chronicles 9 in the BOHLNT

2 Chronicles 9 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 9 in the BOICB

2 Chronicles 9 in the BOILNTAP

2 Chronicles 9 in the BOITCV

2 Chronicles 9 in the BOKCV

2 Chronicles 9 in the BOKCV2

2 Chronicles 9 in the BOKHWOG

2 Chronicles 9 in the BOKSSV

2 Chronicles 9 in the BOLCB

2 Chronicles 9 in the BOLCB2

2 Chronicles 9 in the BOMCV

2 Chronicles 9 in the BONAV

2 Chronicles 9 in the BONCB

2 Chronicles 9 in the BONLT

2 Chronicles 9 in the BONUT2

2 Chronicles 9 in the BOPLNT

2 Chronicles 9 in the BOSNC

2 Chronicles 9 in the BOTLNT

2 Chronicles 9 in the BOVCB

2 Chronicles 9 in the BOYCB

2 Chronicles 9 in the BPBB

2 Chronicles 9 in the BPH

2 Chronicles 9 in the BSB

2 Chronicles 9 in the CCB

2 Chronicles 9 in the CUV

2 Chronicles 9 in the CUVS

2 Chronicles 9 in the DBT

2 Chronicles 9 in the DGDNT

2 Chronicles 9 in the DHNT

2 Chronicles 9 in the DNT

2 Chronicles 9 in the ELBE

2 Chronicles 9 in the EMTV

2 Chronicles 9 in the ESV

2 Chronicles 9 in the FBV

2 Chronicles 9 in the FEB

2 Chronicles 9 in the GGMNT

2 Chronicles 9 in the GNT

2 Chronicles 9 in the HARY

2 Chronicles 9 in the HNT

2 Chronicles 9 in the IRVA

2 Chronicles 9 in the IRVB

2 Chronicles 9 in the IRVG

2 Chronicles 9 in the IRVH

2 Chronicles 9 in the IRVK

2 Chronicles 9 in the IRVM

2 Chronicles 9 in the IRVM2

2 Chronicles 9 in the IRVO

2 Chronicles 9 in the IRVP

2 Chronicles 9 in the IRVT

2 Chronicles 9 in the IRVT2

2 Chronicles 9 in the IRVU

2 Chronicles 9 in the ISVN

2 Chronicles 9 in the JSNT

2 Chronicles 9 in the KAPI

2 Chronicles 9 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 9 in the KBV

2 Chronicles 9 in the KJV

2 Chronicles 9 in the KNFD

2 Chronicles 9 in the LBA

2 Chronicles 9 in the LBLA

2 Chronicles 9 in the LNT

2 Chronicles 9 in the LSV

2 Chronicles 9 in the MAAL

2 Chronicles 9 in the MBV

2 Chronicles 9 in the MBV2

2 Chronicles 9 in the MHNT

2 Chronicles 9 in the MKNFD

2 Chronicles 9 in the MNG

2 Chronicles 9 in the MNT

2 Chronicles 9 in the MNT2

2 Chronicles 9 in the MRS1T

2 Chronicles 9 in the NAA

2 Chronicles 9 in the NASB

2 Chronicles 9 in the NBLA

2 Chronicles 9 in the NBS

2 Chronicles 9 in the NBVTP

2 Chronicles 9 in the NET2

2 Chronicles 9 in the NIV11

2 Chronicles 9 in the NNT

2 Chronicles 9 in the NNT2

2 Chronicles 9 in the NNT3

2 Chronicles 9 in the PDDPT

2 Chronicles 9 in the PFNT

2 Chronicles 9 in the RMNT

2 Chronicles 9 in the SBIAS

2 Chronicles 9 in the SBIBS

2 Chronicles 9 in the SBIBS2

2 Chronicles 9 in the SBICS

2 Chronicles 9 in the SBIDS

2 Chronicles 9 in the SBIGS

2 Chronicles 9 in the SBIHS

2 Chronicles 9 in the SBIIS

2 Chronicles 9 in the SBIIS2

2 Chronicles 9 in the SBIIS3

2 Chronicles 9 in the SBIKS

2 Chronicles 9 in the SBIKS2

2 Chronicles 9 in the SBIMS

2 Chronicles 9 in the SBIOS

2 Chronicles 9 in the SBIPS

2 Chronicles 9 in the SBISS

2 Chronicles 9 in the SBITS

2 Chronicles 9 in the SBITS2

2 Chronicles 9 in the SBITS3

2 Chronicles 9 in the SBITS4

2 Chronicles 9 in the SBIUS

2 Chronicles 9 in the SBIVS

2 Chronicles 9 in the SBT

2 Chronicles 9 in the SBT1E

2 Chronicles 9 in the SCHL

2 Chronicles 9 in the SNT

2 Chronicles 9 in the SUSU

2 Chronicles 9 in the SUSU2

2 Chronicles 9 in the SYNO

2 Chronicles 9 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 9 in the TBT1E

2 Chronicles 9 in the TBT1E2

2 Chronicles 9 in the TFTIP

2 Chronicles 9 in the TFTU

2 Chronicles 9 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 9 in the THAI

2 Chronicles 9 in the TNFD

2 Chronicles 9 in the TNT

2 Chronicles 9 in the TNTIK

2 Chronicles 9 in the TNTIL

2 Chronicles 9 in the TNTIN

2 Chronicles 9 in the TNTIP

2 Chronicles 9 in the TNTIZ

2 Chronicles 9 in the TOMA

2 Chronicles 9 in the TTENT

2 Chronicles 9 in the UBG

2 Chronicles 9 in the UGV

2 Chronicles 9 in the UGV2

2 Chronicles 9 in the UGV3

2 Chronicles 9 in the VBL

2 Chronicles 9 in the VDCC

2 Chronicles 9 in the YALU

2 Chronicles 9 in the YAPE

2 Chronicles 9 in the YBVTP

2 Chronicles 9 in the ZBP