Daniel 2 (BOSCB)

1 Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. 2 Saka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, 3 iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.” 4 Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.” 5 Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara. 6 Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.” 7 Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.” 8 Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema: 9 Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.” 10 Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi. 11 Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.” 12 Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe. 13 Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo. 14 Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara. 15 Akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho. 16 Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya. 17 Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria. 18 Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi. 19 Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga 20 akati:“Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri;uchenjeri nesimba ndezvake. 21 Anoshandura nguva nemwaka;ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa.Anopa uchenjeri kuna vakachenjeranezivo kuna vanonzvera. 22 Anozarura zvakadzika nezvakavanzika;anoziva zviri murima,uye chiedza chinogara maari. 23 Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu:Makandipa uchenjeri nesimba,makandizivisa zvatakakumbira kwamuri,makazivisa kwatiri kurota kwamambo.” 24 Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.” 25 Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.” 26 Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?” 27 Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho 28 asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi: 29 “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. 30 Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu. 31 “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho. 32 Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira, 33 makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu. 34 Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya. 35 Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose. 36 “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. 37 Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, 38 akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe. 39 “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. 40 Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose. 41 Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. 42 Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. 43 Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana. 44 “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. 45 Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara.“Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.” 46 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuhwira. 47 Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.” 48 Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose. 49 Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.

In Other Versions

Daniel 2 in the ANGEFD

Daniel 2 in the ANTPNG2D

Daniel 2 in the AS21

Daniel 2 in the BAGH

Daniel 2 in the BBPNG

Daniel 2 in the BBT1E

Daniel 2 in the BDS

Daniel 2 in the BEV

Daniel 2 in the BHAD

Daniel 2 in the BIB

Daniel 2 in the BLPT

Daniel 2 in the BNT

Daniel 2 in the BNTABOOT

Daniel 2 in the BNTLV

Daniel 2 in the BOATCB

Daniel 2 in the BOATCB2

Daniel 2 in the BOBCV

Daniel 2 in the BOCNT

Daniel 2 in the BOECS

Daniel 2 in the BOGWICC

Daniel 2 in the BOHCB

Daniel 2 in the BOHCV

Daniel 2 in the BOHLNT

Daniel 2 in the BOHNTLTAL

Daniel 2 in the BOICB

Daniel 2 in the BOILNTAP

Daniel 2 in the BOITCV

Daniel 2 in the BOKCV

Daniel 2 in the BOKCV2

Daniel 2 in the BOKHWOG

Daniel 2 in the BOKSSV

Daniel 2 in the BOLCB

Daniel 2 in the BOLCB2

Daniel 2 in the BOMCV

Daniel 2 in the BONAV

Daniel 2 in the BONCB

Daniel 2 in the BONLT

Daniel 2 in the BONUT2

Daniel 2 in the BOPLNT

Daniel 2 in the BOSNC

Daniel 2 in the BOTLNT

Daniel 2 in the BOVCB

Daniel 2 in the BOYCB

Daniel 2 in the BPBB

Daniel 2 in the BPH

Daniel 2 in the BSB

Daniel 2 in the CCB

Daniel 2 in the CUV

Daniel 2 in the CUVS

Daniel 2 in the DBT

Daniel 2 in the DGDNT

Daniel 2 in the DHNT

Daniel 2 in the DNT

Daniel 2 in the ELBE

Daniel 2 in the EMTV

Daniel 2 in the ESV

Daniel 2 in the FBV

Daniel 2 in the FEB

Daniel 2 in the GGMNT

Daniel 2 in the GNT

Daniel 2 in the HARY

Daniel 2 in the HNT

Daniel 2 in the IRVA

Daniel 2 in the IRVB

Daniel 2 in the IRVG

Daniel 2 in the IRVH

Daniel 2 in the IRVK

Daniel 2 in the IRVM

Daniel 2 in the IRVM2

Daniel 2 in the IRVO

Daniel 2 in the IRVP

Daniel 2 in the IRVT

Daniel 2 in the IRVT2

Daniel 2 in the IRVU

Daniel 2 in the ISVN

Daniel 2 in the JSNT

Daniel 2 in the KAPI

Daniel 2 in the KBT1ETNIK

Daniel 2 in the KBV

Daniel 2 in the KJV

Daniel 2 in the KNFD

Daniel 2 in the LBA

Daniel 2 in the LBLA

Daniel 2 in the LNT

Daniel 2 in the LSV

Daniel 2 in the MAAL

Daniel 2 in the MBV

Daniel 2 in the MBV2

Daniel 2 in the MHNT

Daniel 2 in the MKNFD

Daniel 2 in the MNG

Daniel 2 in the MNT

Daniel 2 in the MNT2

Daniel 2 in the MRS1T

Daniel 2 in the NAA

Daniel 2 in the NASB

Daniel 2 in the NBLA

Daniel 2 in the NBS

Daniel 2 in the NBVTP

Daniel 2 in the NET2

Daniel 2 in the NIV11

Daniel 2 in the NNT

Daniel 2 in the NNT2

Daniel 2 in the NNT3

Daniel 2 in the PDDPT

Daniel 2 in the PFNT

Daniel 2 in the RMNT

Daniel 2 in the SBIAS

Daniel 2 in the SBIBS

Daniel 2 in the SBIBS2

Daniel 2 in the SBICS

Daniel 2 in the SBIDS

Daniel 2 in the SBIGS

Daniel 2 in the SBIHS

Daniel 2 in the SBIIS

Daniel 2 in the SBIIS2

Daniel 2 in the SBIIS3

Daniel 2 in the SBIKS

Daniel 2 in the SBIKS2

Daniel 2 in the SBIMS

Daniel 2 in the SBIOS

Daniel 2 in the SBIPS

Daniel 2 in the SBISS

Daniel 2 in the SBITS

Daniel 2 in the SBITS2

Daniel 2 in the SBITS3

Daniel 2 in the SBITS4

Daniel 2 in the SBIUS

Daniel 2 in the SBIVS

Daniel 2 in the SBT

Daniel 2 in the SBT1E

Daniel 2 in the SCHL

Daniel 2 in the SNT

Daniel 2 in the SUSU

Daniel 2 in the SUSU2

Daniel 2 in the SYNO

Daniel 2 in the TBIAOTANT

Daniel 2 in the TBT1E

Daniel 2 in the TBT1E2

Daniel 2 in the TFTIP

Daniel 2 in the TFTU

Daniel 2 in the TGNTATF3T

Daniel 2 in the THAI

Daniel 2 in the TNFD

Daniel 2 in the TNT

Daniel 2 in the TNTIK

Daniel 2 in the TNTIL

Daniel 2 in the TNTIN

Daniel 2 in the TNTIP

Daniel 2 in the TNTIZ

Daniel 2 in the TOMA

Daniel 2 in the TTENT

Daniel 2 in the UBG

Daniel 2 in the UGV

Daniel 2 in the UGV2

Daniel 2 in the UGV3

Daniel 2 in the VBL

Daniel 2 in the VDCC

Daniel 2 in the YALU

Daniel 2 in the YAPE

Daniel 2 in the YBVTP

Daniel 2 in the ZBP