Exodus 26 (BOSCB)

1 “Uite tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko. 2 Zvidzitiro zvose zvinofanira kuva zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi. 3 Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo nezvimwe zvishanu. 4 Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wechidzitiro zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nechidzitiro chokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa. 5 Uite zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wechidzitiro chezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe. 6 Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza zvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe. 7 “Uite zvidzitiro zvamakushe embudzi zvetende riri pamusoro petabhenakeri, zvose zvive gumi nerimwe pamwe chete. 8 Zvidzitiro zvose zviri gumi nerimwe zvinofanira kuenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi. 9 Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete zviite chinhu chimwe chete uye zvimwe zvitanhatu zvivewo chinhu chimwe chete. Upete chidzitiro chechitanhatu kaviri pamberi petende. 10 Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wechidzitiro chokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wechidzitiro chokumucheto kwezvimwe zvakabatanidzwa. 11 Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete. 12 Kana zviri zvokuwedzera urefu hwezvidzitiro zvetende, hafu yechidzitiro inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri. 13 Zvidzitiro zvetende zvinofanira kurebesa nekubhiti rimwe chete pamativi ose ari maviri; zvinenge zvasara zvinofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti zvigoifukidza. 14 Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondobwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa. 15 “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuunga. 16 Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumi uye kubhiti nehafu paupamhi, 17 nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi. 18 Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri 19 uye uite zvigadziko zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe. 20 Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri, 21 uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. 22 Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri, 23 uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto. 24 Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaave saizvozvo. 25 Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. 26 “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuunga: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri, 27 shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri. 28 Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga. 29 Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe. 30 “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo. 31 “Uite chidzitiro chebhuruu, nechepepuru nechitsvuku chomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo nenyanzvi yokusona. 32 Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuunga akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha. 33 Urembedze chidzitiro pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE NEVNZVIMBO TSVENE-TSVENE. 34 Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri MUNZVIMBO TSVENE-TSVENE. 35 Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi. 36 “Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona. 37 Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuunga akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.

In Other Versions

Exodus 26 in the ANGEFD

Exodus 26 in the ANTPNG2D

Exodus 26 in the AS21

Exodus 26 in the BAGH

Exodus 26 in the BBPNG

Exodus 26 in the BBT1E

Exodus 26 in the BDS

Exodus 26 in the BEV

Exodus 26 in the BHAD

Exodus 26 in the BIB

Exodus 26 in the BLPT

Exodus 26 in the BNT

Exodus 26 in the BNTABOOT

Exodus 26 in the BNTLV

Exodus 26 in the BOATCB

Exodus 26 in the BOATCB2

Exodus 26 in the BOBCV

Exodus 26 in the BOCNT

Exodus 26 in the BOECS

Exodus 26 in the BOGWICC

Exodus 26 in the BOHCB

Exodus 26 in the BOHCV

Exodus 26 in the BOHLNT

Exodus 26 in the BOHNTLTAL

Exodus 26 in the BOICB

Exodus 26 in the BOILNTAP

Exodus 26 in the BOITCV

Exodus 26 in the BOKCV

Exodus 26 in the BOKCV2

Exodus 26 in the BOKHWOG

Exodus 26 in the BOKSSV

Exodus 26 in the BOLCB

Exodus 26 in the BOLCB2

Exodus 26 in the BOMCV

Exodus 26 in the BONAV

Exodus 26 in the BONCB

Exodus 26 in the BONLT

Exodus 26 in the BONUT2

Exodus 26 in the BOPLNT

Exodus 26 in the BOSNC

Exodus 26 in the BOTLNT

Exodus 26 in the BOVCB

Exodus 26 in the BOYCB

Exodus 26 in the BPBB

Exodus 26 in the BPH

Exodus 26 in the BSB

Exodus 26 in the CCB

Exodus 26 in the CUV

Exodus 26 in the CUVS

Exodus 26 in the DBT

Exodus 26 in the DGDNT

Exodus 26 in the DHNT

Exodus 26 in the DNT

Exodus 26 in the ELBE

Exodus 26 in the EMTV

Exodus 26 in the ESV

Exodus 26 in the FBV

Exodus 26 in the FEB

Exodus 26 in the GGMNT

Exodus 26 in the GNT

Exodus 26 in the HARY

Exodus 26 in the HNT

Exodus 26 in the IRVA

Exodus 26 in the IRVB

Exodus 26 in the IRVG

Exodus 26 in the IRVH

Exodus 26 in the IRVK

Exodus 26 in the IRVM

Exodus 26 in the IRVM2

Exodus 26 in the IRVO

Exodus 26 in the IRVP

Exodus 26 in the IRVT

Exodus 26 in the IRVT2

Exodus 26 in the IRVU

Exodus 26 in the ISVN

Exodus 26 in the JSNT

Exodus 26 in the KAPI

Exodus 26 in the KBT1ETNIK

Exodus 26 in the KBV

Exodus 26 in the KJV

Exodus 26 in the KNFD

Exodus 26 in the LBA

Exodus 26 in the LBLA

Exodus 26 in the LNT

Exodus 26 in the LSV

Exodus 26 in the MAAL

Exodus 26 in the MBV

Exodus 26 in the MBV2

Exodus 26 in the MHNT

Exodus 26 in the MKNFD

Exodus 26 in the MNG

Exodus 26 in the MNT

Exodus 26 in the MNT2

Exodus 26 in the MRS1T

Exodus 26 in the NAA

Exodus 26 in the NASB

Exodus 26 in the NBLA

Exodus 26 in the NBS

Exodus 26 in the NBVTP

Exodus 26 in the NET2

Exodus 26 in the NIV11

Exodus 26 in the NNT

Exodus 26 in the NNT2

Exodus 26 in the NNT3

Exodus 26 in the PDDPT

Exodus 26 in the PFNT

Exodus 26 in the RMNT

Exodus 26 in the SBIAS

Exodus 26 in the SBIBS

Exodus 26 in the SBIBS2

Exodus 26 in the SBICS

Exodus 26 in the SBIDS

Exodus 26 in the SBIGS

Exodus 26 in the SBIHS

Exodus 26 in the SBIIS

Exodus 26 in the SBIIS2

Exodus 26 in the SBIIS3

Exodus 26 in the SBIKS

Exodus 26 in the SBIKS2

Exodus 26 in the SBIMS

Exodus 26 in the SBIOS

Exodus 26 in the SBIPS

Exodus 26 in the SBISS

Exodus 26 in the SBITS

Exodus 26 in the SBITS2

Exodus 26 in the SBITS3

Exodus 26 in the SBITS4

Exodus 26 in the SBIUS

Exodus 26 in the SBIVS

Exodus 26 in the SBT

Exodus 26 in the SBT1E

Exodus 26 in the SCHL

Exodus 26 in the SNT

Exodus 26 in the SUSU

Exodus 26 in the SUSU2

Exodus 26 in the SYNO

Exodus 26 in the TBIAOTANT

Exodus 26 in the TBT1E

Exodus 26 in the TBT1E2

Exodus 26 in the TFTIP

Exodus 26 in the TFTU

Exodus 26 in the TGNTATF3T

Exodus 26 in the THAI

Exodus 26 in the TNFD

Exodus 26 in the TNT

Exodus 26 in the TNTIK

Exodus 26 in the TNTIL

Exodus 26 in the TNTIN

Exodus 26 in the TNTIP

Exodus 26 in the TNTIZ

Exodus 26 in the TOMA

Exodus 26 in the TTENT

Exodus 26 in the UBG

Exodus 26 in the UGV

Exodus 26 in the UGV2

Exodus 26 in the UGV3

Exodus 26 in the VBL

Exodus 26 in the VDCC

Exodus 26 in the YALU

Exodus 26 in the YAPE

Exodus 26 in the YBVTP

Exodus 26 in the ZBP