Exodus 32 (BOSCB)

1 Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.” 2 Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” 3 Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. 4 Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.” 5 Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.” 6 Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe. 7 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora. 8 Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ” 9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu. 10 Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.” 11 Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba? 12 VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika’? Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu. 13 Rangarirai varanda venyu vanaAbhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ” 14 Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake. 15 Mozisi akadzoka akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure. 16 Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa. 17 Joshua akati anzwa mheremhere yavanhu vaidanidzira, akati kuna Mozisi, “Mune ruzha rwehondo mumusasa.” 18 Mozisi akapindura akati,“Harusi ruzha rwokukunda,harusi ruzha rwokukundwa;ruzha rwokuimba rwandinonzwa.” 19 Mozisi akati aswedera pamusasa akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kukavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo. 20 Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe. 21 Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawakavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?” 22 Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza. 23 Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’ 24 Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!” 25 Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo. 26 Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari. 27 Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’ ” 28 VaRevhi vakaita sezvavakarayirwa naMozisi, uye nomusi uyo vanhu zviuru zvitatu vakafa. 29 Ipapo Mozisi akati, “Imi matsaurirwa Jehovha nhasi, nokuti makanga muchirwa navanakomana venyu uye nehama dzenyu, uye akuropafadzai nhasi.” 30 Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.” 31 Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe. 32 Asi zvino, ndapota hangu varegererei chivi chavo, asi kana zvisina kudaro, ipapo ndidzimei henyu mubhuku ramakanyora.” 33 Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu. 34 Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.” 35 Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni.

In Other Versions

Exodus 32 in the ANGEFD

Exodus 32 in the ANTPNG2D

Exodus 32 in the AS21

Exodus 32 in the BAGH

Exodus 32 in the BBPNG

Exodus 32 in the BBT1E

Exodus 32 in the BDS

Exodus 32 in the BEV

Exodus 32 in the BHAD

Exodus 32 in the BIB

Exodus 32 in the BLPT

Exodus 32 in the BNT

Exodus 32 in the BNTABOOT

Exodus 32 in the BNTLV

Exodus 32 in the BOATCB

Exodus 32 in the BOATCB2

Exodus 32 in the BOBCV

Exodus 32 in the BOCNT

Exodus 32 in the BOECS

Exodus 32 in the BOGWICC

Exodus 32 in the BOHCB

Exodus 32 in the BOHCV

Exodus 32 in the BOHLNT

Exodus 32 in the BOHNTLTAL

Exodus 32 in the BOICB

Exodus 32 in the BOILNTAP

Exodus 32 in the BOITCV

Exodus 32 in the BOKCV

Exodus 32 in the BOKCV2

Exodus 32 in the BOKHWOG

Exodus 32 in the BOKSSV

Exodus 32 in the BOLCB

Exodus 32 in the BOLCB2

Exodus 32 in the BOMCV

Exodus 32 in the BONAV

Exodus 32 in the BONCB

Exodus 32 in the BONLT

Exodus 32 in the BONUT2

Exodus 32 in the BOPLNT

Exodus 32 in the BOSNC

Exodus 32 in the BOTLNT

Exodus 32 in the BOVCB

Exodus 32 in the BOYCB

Exodus 32 in the BPBB

Exodus 32 in the BPH

Exodus 32 in the BSB

Exodus 32 in the CCB

Exodus 32 in the CUV

Exodus 32 in the CUVS

Exodus 32 in the DBT

Exodus 32 in the DGDNT

Exodus 32 in the DHNT

Exodus 32 in the DNT

Exodus 32 in the ELBE

Exodus 32 in the EMTV

Exodus 32 in the ESV

Exodus 32 in the FBV

Exodus 32 in the FEB

Exodus 32 in the GGMNT

Exodus 32 in the GNT

Exodus 32 in the HARY

Exodus 32 in the HNT

Exodus 32 in the IRVA

Exodus 32 in the IRVB

Exodus 32 in the IRVG

Exodus 32 in the IRVH

Exodus 32 in the IRVK

Exodus 32 in the IRVM

Exodus 32 in the IRVM2

Exodus 32 in the IRVO

Exodus 32 in the IRVP

Exodus 32 in the IRVT

Exodus 32 in the IRVT2

Exodus 32 in the IRVU

Exodus 32 in the ISVN

Exodus 32 in the JSNT

Exodus 32 in the KAPI

Exodus 32 in the KBT1ETNIK

Exodus 32 in the KBV

Exodus 32 in the KJV

Exodus 32 in the KNFD

Exodus 32 in the LBA

Exodus 32 in the LBLA

Exodus 32 in the LNT

Exodus 32 in the LSV

Exodus 32 in the MAAL

Exodus 32 in the MBV

Exodus 32 in the MBV2

Exodus 32 in the MHNT

Exodus 32 in the MKNFD

Exodus 32 in the MNG

Exodus 32 in the MNT

Exodus 32 in the MNT2

Exodus 32 in the MRS1T

Exodus 32 in the NAA

Exodus 32 in the NASB

Exodus 32 in the NBLA

Exodus 32 in the NBS

Exodus 32 in the NBVTP

Exodus 32 in the NET2

Exodus 32 in the NIV11

Exodus 32 in the NNT

Exodus 32 in the NNT2

Exodus 32 in the NNT3

Exodus 32 in the PDDPT

Exodus 32 in the PFNT

Exodus 32 in the RMNT

Exodus 32 in the SBIAS

Exodus 32 in the SBIBS

Exodus 32 in the SBIBS2

Exodus 32 in the SBICS

Exodus 32 in the SBIDS

Exodus 32 in the SBIGS

Exodus 32 in the SBIHS

Exodus 32 in the SBIIS

Exodus 32 in the SBIIS2

Exodus 32 in the SBIIS3

Exodus 32 in the SBIKS

Exodus 32 in the SBIKS2

Exodus 32 in the SBIMS

Exodus 32 in the SBIOS

Exodus 32 in the SBIPS

Exodus 32 in the SBISS

Exodus 32 in the SBITS

Exodus 32 in the SBITS2

Exodus 32 in the SBITS3

Exodus 32 in the SBITS4

Exodus 32 in the SBIUS

Exodus 32 in the SBIVS

Exodus 32 in the SBT

Exodus 32 in the SBT1E

Exodus 32 in the SCHL

Exodus 32 in the SNT

Exodus 32 in the SUSU

Exodus 32 in the SUSU2

Exodus 32 in the SYNO

Exodus 32 in the TBIAOTANT

Exodus 32 in the TBT1E

Exodus 32 in the TBT1E2

Exodus 32 in the TFTIP

Exodus 32 in the TFTU

Exodus 32 in the TGNTATF3T

Exodus 32 in the THAI

Exodus 32 in the TNFD

Exodus 32 in the TNT

Exodus 32 in the TNTIK

Exodus 32 in the TNTIL

Exodus 32 in the TNTIN

Exodus 32 in the TNTIP

Exodus 32 in the TNTIZ

Exodus 32 in the TOMA

Exodus 32 in the TTENT

Exodus 32 in the UBG

Exodus 32 in the UGV

Exodus 32 in the UGV2

Exodus 32 in the UGV3

Exodus 32 in the VBL

Exodus 32 in the VDCC

Exodus 32 in the YALU

Exodus 32 in the YAPE

Exodus 32 in the YBVTP

Exodus 32 in the ZBP