Ezekiel 20 (BOSCB)

1 Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu. 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3 “Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ 4 “Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo, 5 uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” 6 Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose. 7 Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” 8 “ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti. 9 Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti. 10 Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga. 11 Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo. 12 Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene. 13 “ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga. 14 Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo. 15 Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose, 16 nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo. 17 Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga. 18 Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo. 19 Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu. 20 Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.” 21 “ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga. 22 Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo. 23 Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika, 24 nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo. 25 Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo, 26 ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’ 27 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya: 28 Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo. 29 Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.) 30 “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza? 31 Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze. 32 “ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki. 33 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutongai nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. 34 Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. 35 Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso. 36 Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 37 Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano. 38 Ndichakubvisa pakati penyu vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 39 “ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwaizvozvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu. 40 Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munyika imomo imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvisarudzira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene. 41 Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuhwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi. 42 Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa. 43 Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita. 44 Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” 45 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 46 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi. 47 Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo. 48 Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’ ” 49 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’ ”

In Other Versions

Ezekiel 20 in the ANGEFD

Ezekiel 20 in the ANTPNG2D

Ezekiel 20 in the AS21

Ezekiel 20 in the BAGH

Ezekiel 20 in the BBPNG

Ezekiel 20 in the BBT1E

Ezekiel 20 in the BDS

Ezekiel 20 in the BEV

Ezekiel 20 in the BHAD

Ezekiel 20 in the BIB

Ezekiel 20 in the BLPT

Ezekiel 20 in the BNT

Ezekiel 20 in the BNTABOOT

Ezekiel 20 in the BNTLV

Ezekiel 20 in the BOATCB

Ezekiel 20 in the BOATCB2

Ezekiel 20 in the BOBCV

Ezekiel 20 in the BOCNT

Ezekiel 20 in the BOECS

Ezekiel 20 in the BOGWICC

Ezekiel 20 in the BOHCB

Ezekiel 20 in the BOHCV

Ezekiel 20 in the BOHLNT

Ezekiel 20 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 20 in the BOICB

Ezekiel 20 in the BOILNTAP

Ezekiel 20 in the BOITCV

Ezekiel 20 in the BOKCV

Ezekiel 20 in the BOKCV2

Ezekiel 20 in the BOKHWOG

Ezekiel 20 in the BOKSSV

Ezekiel 20 in the BOLCB

Ezekiel 20 in the BOLCB2

Ezekiel 20 in the BOMCV

Ezekiel 20 in the BONAV

Ezekiel 20 in the BONCB

Ezekiel 20 in the BONLT

Ezekiel 20 in the BONUT2

Ezekiel 20 in the BOPLNT

Ezekiel 20 in the BOSNC

Ezekiel 20 in the BOTLNT

Ezekiel 20 in the BOVCB

Ezekiel 20 in the BOYCB

Ezekiel 20 in the BPBB

Ezekiel 20 in the BPH

Ezekiel 20 in the BSB

Ezekiel 20 in the CCB

Ezekiel 20 in the CUV

Ezekiel 20 in the CUVS

Ezekiel 20 in the DBT

Ezekiel 20 in the DGDNT

Ezekiel 20 in the DHNT

Ezekiel 20 in the DNT

Ezekiel 20 in the ELBE

Ezekiel 20 in the EMTV

Ezekiel 20 in the ESV

Ezekiel 20 in the FBV

Ezekiel 20 in the FEB

Ezekiel 20 in the GGMNT

Ezekiel 20 in the GNT

Ezekiel 20 in the HARY

Ezekiel 20 in the HNT

Ezekiel 20 in the IRVA

Ezekiel 20 in the IRVB

Ezekiel 20 in the IRVG

Ezekiel 20 in the IRVH

Ezekiel 20 in the IRVK

Ezekiel 20 in the IRVM

Ezekiel 20 in the IRVM2

Ezekiel 20 in the IRVO

Ezekiel 20 in the IRVP

Ezekiel 20 in the IRVT

Ezekiel 20 in the IRVT2

Ezekiel 20 in the IRVU

Ezekiel 20 in the ISVN

Ezekiel 20 in the JSNT

Ezekiel 20 in the KAPI

Ezekiel 20 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 20 in the KBV

Ezekiel 20 in the KJV

Ezekiel 20 in the KNFD

Ezekiel 20 in the LBA

Ezekiel 20 in the LBLA

Ezekiel 20 in the LNT

Ezekiel 20 in the LSV

Ezekiel 20 in the MAAL

Ezekiel 20 in the MBV

Ezekiel 20 in the MBV2

Ezekiel 20 in the MHNT

Ezekiel 20 in the MKNFD

Ezekiel 20 in the MNG

Ezekiel 20 in the MNT

Ezekiel 20 in the MNT2

Ezekiel 20 in the MRS1T

Ezekiel 20 in the NAA

Ezekiel 20 in the NASB

Ezekiel 20 in the NBLA

Ezekiel 20 in the NBS

Ezekiel 20 in the NBVTP

Ezekiel 20 in the NET2

Ezekiel 20 in the NIV11

Ezekiel 20 in the NNT

Ezekiel 20 in the NNT2

Ezekiel 20 in the NNT3

Ezekiel 20 in the PDDPT

Ezekiel 20 in the PFNT

Ezekiel 20 in the RMNT

Ezekiel 20 in the SBIAS

Ezekiel 20 in the SBIBS

Ezekiel 20 in the SBIBS2

Ezekiel 20 in the SBICS

Ezekiel 20 in the SBIDS

Ezekiel 20 in the SBIGS

Ezekiel 20 in the SBIHS

Ezekiel 20 in the SBIIS

Ezekiel 20 in the SBIIS2

Ezekiel 20 in the SBIIS3

Ezekiel 20 in the SBIKS

Ezekiel 20 in the SBIKS2

Ezekiel 20 in the SBIMS

Ezekiel 20 in the SBIOS

Ezekiel 20 in the SBIPS

Ezekiel 20 in the SBISS

Ezekiel 20 in the SBITS

Ezekiel 20 in the SBITS2

Ezekiel 20 in the SBITS3

Ezekiel 20 in the SBITS4

Ezekiel 20 in the SBIUS

Ezekiel 20 in the SBIVS

Ezekiel 20 in the SBT

Ezekiel 20 in the SBT1E

Ezekiel 20 in the SCHL

Ezekiel 20 in the SNT

Ezekiel 20 in the SUSU

Ezekiel 20 in the SUSU2

Ezekiel 20 in the SYNO

Ezekiel 20 in the TBIAOTANT

Ezekiel 20 in the TBT1E

Ezekiel 20 in the TBT1E2

Ezekiel 20 in the TFTIP

Ezekiel 20 in the TFTU

Ezekiel 20 in the TGNTATF3T

Ezekiel 20 in the THAI

Ezekiel 20 in the TNFD

Ezekiel 20 in the TNT

Ezekiel 20 in the TNTIK

Ezekiel 20 in the TNTIL

Ezekiel 20 in the TNTIN

Ezekiel 20 in the TNTIP

Ezekiel 20 in the TNTIZ

Ezekiel 20 in the TOMA

Ezekiel 20 in the TTENT

Ezekiel 20 in the UBG

Ezekiel 20 in the UGV

Ezekiel 20 in the UGV2

Ezekiel 20 in the UGV3

Ezekiel 20 in the VBL

Ezekiel 20 in the VDCC

Ezekiel 20 in the YALU

Ezekiel 20 in the YAPE

Ezekiel 20 in the YBVTP

Ezekiel 20 in the ZBP