1 Kings 18 (BOSCB)

1 Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.” 2 Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu.Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria, 3 uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo. 4 Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.) 5 Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namanyurusi kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.” 6 Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi. 7 Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?” 8 Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’ ” 9 Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa? 10 Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai. 11 Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ 12 Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu. 13 Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura. 14 Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!” 15 Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.” 16 Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria. 17 Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?” 18 Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari. 19 Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.” 20 Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri. 21 Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.”Asi vanhu havana chavakataura. 22 Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. 23 Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. 24 Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.”Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.” 25 Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.” 26 Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira.Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita. 27 Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.” 28 Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera. 29 Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya. 30 Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. 31 Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” 32 Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. 33 Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” 34 Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve.Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” 35 Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero. 36 Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. 37 Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” 38 Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. 39 Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!” 40 Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako. 41 Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.” 42 Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake. 43 Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa.Akati, “Hakuna chiriko uku.”Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe. 44 Kechinomwe muranda akati, “Gore duku rakaenzana nechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.”Saka Eria akati, “Enda undoudza Ahabhu kuti, ‘Sunga ngoro yako uburuke usati wadzivirirwa nemvura.’ ” 45 Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri. 46 Simba raJehovha rakauya pana Eria, akasunga jasi rake nebhanhire, akamhanya pamberi paAhabhu nzira yose kusvika kuJezireeri.

In Other Versions

1 Kings 18 in the ANGEFD

1 Kings 18 in the ANTPNG2D

1 Kings 18 in the AS21

1 Kings 18 in the BAGH

1 Kings 18 in the BBPNG

1 Kings 18 in the BBT1E

1 Kings 18 in the BDS

1 Kings 18 in the BEV

1 Kings 18 in the BHAD

1 Kings 18 in the BIB

1 Kings 18 in the BLPT

1 Kings 18 in the BNT

1 Kings 18 in the BNTABOOT

1 Kings 18 in the BNTLV

1 Kings 18 in the BOATCB

1 Kings 18 in the BOATCB2

1 Kings 18 in the BOBCV

1 Kings 18 in the BOCNT

1 Kings 18 in the BOECS

1 Kings 18 in the BOGWICC

1 Kings 18 in the BOHCB

1 Kings 18 in the BOHCV

1 Kings 18 in the BOHLNT

1 Kings 18 in the BOHNTLTAL

1 Kings 18 in the BOICB

1 Kings 18 in the BOILNTAP

1 Kings 18 in the BOITCV

1 Kings 18 in the BOKCV

1 Kings 18 in the BOKCV2

1 Kings 18 in the BOKHWOG

1 Kings 18 in the BOKSSV

1 Kings 18 in the BOLCB

1 Kings 18 in the BOLCB2

1 Kings 18 in the BOMCV

1 Kings 18 in the BONAV

1 Kings 18 in the BONCB

1 Kings 18 in the BONLT

1 Kings 18 in the BONUT2

1 Kings 18 in the BOPLNT

1 Kings 18 in the BOSNC

1 Kings 18 in the BOTLNT

1 Kings 18 in the BOVCB

1 Kings 18 in the BOYCB

1 Kings 18 in the BPBB

1 Kings 18 in the BPH

1 Kings 18 in the BSB

1 Kings 18 in the CCB

1 Kings 18 in the CUV

1 Kings 18 in the CUVS

1 Kings 18 in the DBT

1 Kings 18 in the DGDNT

1 Kings 18 in the DHNT

1 Kings 18 in the DNT

1 Kings 18 in the ELBE

1 Kings 18 in the EMTV

1 Kings 18 in the ESV

1 Kings 18 in the FBV

1 Kings 18 in the FEB

1 Kings 18 in the GGMNT

1 Kings 18 in the GNT

1 Kings 18 in the HARY

1 Kings 18 in the HNT

1 Kings 18 in the IRVA

1 Kings 18 in the IRVB

1 Kings 18 in the IRVG

1 Kings 18 in the IRVH

1 Kings 18 in the IRVK

1 Kings 18 in the IRVM

1 Kings 18 in the IRVM2

1 Kings 18 in the IRVO

1 Kings 18 in the IRVP

1 Kings 18 in the IRVT

1 Kings 18 in the IRVT2

1 Kings 18 in the IRVU

1 Kings 18 in the ISVN

1 Kings 18 in the JSNT

1 Kings 18 in the KAPI

1 Kings 18 in the KBT1ETNIK

1 Kings 18 in the KBV

1 Kings 18 in the KJV

1 Kings 18 in the KNFD

1 Kings 18 in the LBA

1 Kings 18 in the LBLA

1 Kings 18 in the LNT

1 Kings 18 in the LSV

1 Kings 18 in the MAAL

1 Kings 18 in the MBV

1 Kings 18 in the MBV2

1 Kings 18 in the MHNT

1 Kings 18 in the MKNFD

1 Kings 18 in the MNG

1 Kings 18 in the MNT

1 Kings 18 in the MNT2

1 Kings 18 in the MRS1T

1 Kings 18 in the NAA

1 Kings 18 in the NASB

1 Kings 18 in the NBLA

1 Kings 18 in the NBS

1 Kings 18 in the NBVTP

1 Kings 18 in the NET2

1 Kings 18 in the NIV11

1 Kings 18 in the NNT

1 Kings 18 in the NNT2

1 Kings 18 in the NNT3

1 Kings 18 in the PDDPT

1 Kings 18 in the PFNT

1 Kings 18 in the RMNT

1 Kings 18 in the SBIAS

1 Kings 18 in the SBIBS

1 Kings 18 in the SBIBS2

1 Kings 18 in the SBICS

1 Kings 18 in the SBIDS

1 Kings 18 in the SBIGS

1 Kings 18 in the SBIHS

1 Kings 18 in the SBIIS

1 Kings 18 in the SBIIS2

1 Kings 18 in the SBIIS3

1 Kings 18 in the SBIKS

1 Kings 18 in the SBIKS2

1 Kings 18 in the SBIMS

1 Kings 18 in the SBIOS

1 Kings 18 in the SBIPS

1 Kings 18 in the SBISS

1 Kings 18 in the SBITS

1 Kings 18 in the SBITS2

1 Kings 18 in the SBITS3

1 Kings 18 in the SBITS4

1 Kings 18 in the SBIUS

1 Kings 18 in the SBIVS

1 Kings 18 in the SBT

1 Kings 18 in the SBT1E

1 Kings 18 in the SCHL

1 Kings 18 in the SNT

1 Kings 18 in the SUSU

1 Kings 18 in the SUSU2

1 Kings 18 in the SYNO

1 Kings 18 in the TBIAOTANT

1 Kings 18 in the TBT1E

1 Kings 18 in the TBT1E2

1 Kings 18 in the TFTIP

1 Kings 18 in the TFTU

1 Kings 18 in the TGNTATF3T

1 Kings 18 in the THAI

1 Kings 18 in the TNFD

1 Kings 18 in the TNT

1 Kings 18 in the TNTIK

1 Kings 18 in the TNTIL

1 Kings 18 in the TNTIN

1 Kings 18 in the TNTIP

1 Kings 18 in the TNTIZ

1 Kings 18 in the TOMA

1 Kings 18 in the TTENT

1 Kings 18 in the UBG

1 Kings 18 in the UGV

1 Kings 18 in the UGV2

1 Kings 18 in the UGV3

1 Kings 18 in the VBL

1 Kings 18 in the VDCC

1 Kings 18 in the YALU

1 Kings 18 in the YAPE

1 Kings 18 in the YBVTP

1 Kings 18 in the ZBP