1 Samuel 4 (BOSCB)

1 Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose.Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. 2 VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. 3 Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.” 4 Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari. 5 Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. 6 Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?”Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, 7 vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. 8 Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. 9 Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!” 10 Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. 11 Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa. 12 Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake. 13 Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema. 14 Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?”Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri, 15 akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni. 16 Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.”Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?” 17 Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.” 18 Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana. 19 Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka. 20 Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera. 21 Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake. 22 Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”

In Other Versions

1 Samuel 4 in the ANGEFD

1 Samuel 4 in the ANTPNG2D

1 Samuel 4 in the AS21

1 Samuel 4 in the BAGH

1 Samuel 4 in the BBPNG

1 Samuel 4 in the BBT1E

1 Samuel 4 in the BDS

1 Samuel 4 in the BEV

1 Samuel 4 in the BHAD

1 Samuel 4 in the BIB

1 Samuel 4 in the BLPT

1 Samuel 4 in the BNT

1 Samuel 4 in the BNTABOOT

1 Samuel 4 in the BNTLV

1 Samuel 4 in the BOATCB

1 Samuel 4 in the BOATCB2

1 Samuel 4 in the BOBCV

1 Samuel 4 in the BOCNT

1 Samuel 4 in the BOECS

1 Samuel 4 in the BOGWICC

1 Samuel 4 in the BOHCB

1 Samuel 4 in the BOHCV

1 Samuel 4 in the BOHLNT

1 Samuel 4 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 4 in the BOICB

1 Samuel 4 in the BOILNTAP

1 Samuel 4 in the BOITCV

1 Samuel 4 in the BOKCV

1 Samuel 4 in the BOKCV2

1 Samuel 4 in the BOKHWOG

1 Samuel 4 in the BOKSSV

1 Samuel 4 in the BOLCB

1 Samuel 4 in the BOLCB2

1 Samuel 4 in the BOMCV

1 Samuel 4 in the BONAV

1 Samuel 4 in the BONCB

1 Samuel 4 in the BONLT

1 Samuel 4 in the BONUT2

1 Samuel 4 in the BOPLNT

1 Samuel 4 in the BOSNC

1 Samuel 4 in the BOTLNT

1 Samuel 4 in the BOVCB

1 Samuel 4 in the BOYCB

1 Samuel 4 in the BPBB

1 Samuel 4 in the BPH

1 Samuel 4 in the BSB

1 Samuel 4 in the CCB

1 Samuel 4 in the CUV

1 Samuel 4 in the CUVS

1 Samuel 4 in the DBT

1 Samuel 4 in the DGDNT

1 Samuel 4 in the DHNT

1 Samuel 4 in the DNT

1 Samuel 4 in the ELBE

1 Samuel 4 in the EMTV

1 Samuel 4 in the ESV

1 Samuel 4 in the FBV

1 Samuel 4 in the FEB

1 Samuel 4 in the GGMNT

1 Samuel 4 in the GNT

1 Samuel 4 in the HARY

1 Samuel 4 in the HNT

1 Samuel 4 in the IRVA

1 Samuel 4 in the IRVB

1 Samuel 4 in the IRVG

1 Samuel 4 in the IRVH

1 Samuel 4 in the IRVK

1 Samuel 4 in the IRVM

1 Samuel 4 in the IRVM2

1 Samuel 4 in the IRVO

1 Samuel 4 in the IRVP

1 Samuel 4 in the IRVT

1 Samuel 4 in the IRVT2

1 Samuel 4 in the IRVU

1 Samuel 4 in the ISVN

1 Samuel 4 in the JSNT

1 Samuel 4 in the KAPI

1 Samuel 4 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 4 in the KBV

1 Samuel 4 in the KJV

1 Samuel 4 in the KNFD

1 Samuel 4 in the LBA

1 Samuel 4 in the LBLA

1 Samuel 4 in the LNT

1 Samuel 4 in the LSV

1 Samuel 4 in the MAAL

1 Samuel 4 in the MBV

1 Samuel 4 in the MBV2

1 Samuel 4 in the MHNT

1 Samuel 4 in the MKNFD

1 Samuel 4 in the MNG

1 Samuel 4 in the MNT

1 Samuel 4 in the MNT2

1 Samuel 4 in the MRS1T

1 Samuel 4 in the NAA

1 Samuel 4 in the NASB

1 Samuel 4 in the NBLA

1 Samuel 4 in the NBS

1 Samuel 4 in the NBVTP

1 Samuel 4 in the NET2

1 Samuel 4 in the NIV11

1 Samuel 4 in the NNT

1 Samuel 4 in the NNT2

1 Samuel 4 in the NNT3

1 Samuel 4 in the PDDPT

1 Samuel 4 in the PFNT

1 Samuel 4 in the RMNT

1 Samuel 4 in the SBIAS

1 Samuel 4 in the SBIBS

1 Samuel 4 in the SBIBS2

1 Samuel 4 in the SBICS

1 Samuel 4 in the SBIDS

1 Samuel 4 in the SBIGS

1 Samuel 4 in the SBIHS

1 Samuel 4 in the SBIIS

1 Samuel 4 in the SBIIS2

1 Samuel 4 in the SBIIS3

1 Samuel 4 in the SBIKS

1 Samuel 4 in the SBIKS2

1 Samuel 4 in the SBIMS

1 Samuel 4 in the SBIOS

1 Samuel 4 in the SBIPS

1 Samuel 4 in the SBISS

1 Samuel 4 in the SBITS

1 Samuel 4 in the SBITS2

1 Samuel 4 in the SBITS3

1 Samuel 4 in the SBITS4

1 Samuel 4 in the SBIUS

1 Samuel 4 in the SBIVS

1 Samuel 4 in the SBT

1 Samuel 4 in the SBT1E

1 Samuel 4 in the SCHL

1 Samuel 4 in the SNT

1 Samuel 4 in the SUSU

1 Samuel 4 in the SUSU2

1 Samuel 4 in the SYNO

1 Samuel 4 in the TBIAOTANT

1 Samuel 4 in the TBT1E

1 Samuel 4 in the TBT1E2

1 Samuel 4 in the TFTIP

1 Samuel 4 in the TFTU

1 Samuel 4 in the TGNTATF3T

1 Samuel 4 in the THAI

1 Samuel 4 in the TNFD

1 Samuel 4 in the TNT

1 Samuel 4 in the TNTIK

1 Samuel 4 in the TNTIL

1 Samuel 4 in the TNTIN

1 Samuel 4 in the TNTIP

1 Samuel 4 in the TNTIZ

1 Samuel 4 in the TOMA

1 Samuel 4 in the TTENT

1 Samuel 4 in the UBG

1 Samuel 4 in the UGV

1 Samuel 4 in the UGV2

1 Samuel 4 in the UGV3

1 Samuel 4 in the VBL

1 Samuel 4 in the VDCC

1 Samuel 4 in the YALU

1 Samuel 4 in the YAPE

1 Samuel 4 in the YBVTP

1 Samuel 4 in the ZBP