1 Samuel 9 (BOSCB)

1 Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare. 2 Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, rakanga rakareba kupfuura vose. 3 Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.” 4 Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana. 5 Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.” 6 Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai, muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.” 7 Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zvanga zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?” 8 Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeri resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.” 9 Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni kare. 10 Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari. 11 Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?” 12 Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira. 13 Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.” 14 Vakakwidza kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira. 15 Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri: 16 “Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.” 17 Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.” 18 Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?” 19 Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumwoyo mako. 20 Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?” 21 Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?” 22 Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu. 23 Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimbu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.” 24 Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo. 25 Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake. 26 Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete. 27 Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu.” Muranda akaita saizvozvo. “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.”

In Other Versions

1 Samuel 9 in the ANGEFD

1 Samuel 9 in the ANTPNG2D

1 Samuel 9 in the AS21

1 Samuel 9 in the BAGH

1 Samuel 9 in the BBPNG

1 Samuel 9 in the BBT1E

1 Samuel 9 in the BDS

1 Samuel 9 in the BEV

1 Samuel 9 in the BHAD

1 Samuel 9 in the BIB

1 Samuel 9 in the BLPT

1 Samuel 9 in the BNT

1 Samuel 9 in the BNTABOOT

1 Samuel 9 in the BNTLV

1 Samuel 9 in the BOATCB

1 Samuel 9 in the BOATCB2

1 Samuel 9 in the BOBCV

1 Samuel 9 in the BOCNT

1 Samuel 9 in the BOECS

1 Samuel 9 in the BOGWICC

1 Samuel 9 in the BOHCB

1 Samuel 9 in the BOHCV

1 Samuel 9 in the BOHLNT

1 Samuel 9 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 9 in the BOICB

1 Samuel 9 in the BOILNTAP

1 Samuel 9 in the BOITCV

1 Samuel 9 in the BOKCV

1 Samuel 9 in the BOKCV2

1 Samuel 9 in the BOKHWOG

1 Samuel 9 in the BOKSSV

1 Samuel 9 in the BOLCB

1 Samuel 9 in the BOLCB2

1 Samuel 9 in the BOMCV

1 Samuel 9 in the BONAV

1 Samuel 9 in the BONCB

1 Samuel 9 in the BONLT

1 Samuel 9 in the BONUT2

1 Samuel 9 in the BOPLNT

1 Samuel 9 in the BOSNC

1 Samuel 9 in the BOTLNT

1 Samuel 9 in the BOVCB

1 Samuel 9 in the BOYCB

1 Samuel 9 in the BPBB

1 Samuel 9 in the BPH

1 Samuel 9 in the BSB

1 Samuel 9 in the CCB

1 Samuel 9 in the CUV

1 Samuel 9 in the CUVS

1 Samuel 9 in the DBT

1 Samuel 9 in the DGDNT

1 Samuel 9 in the DHNT

1 Samuel 9 in the DNT

1 Samuel 9 in the ELBE

1 Samuel 9 in the EMTV

1 Samuel 9 in the ESV

1 Samuel 9 in the FBV

1 Samuel 9 in the FEB

1 Samuel 9 in the GGMNT

1 Samuel 9 in the GNT

1 Samuel 9 in the HARY

1 Samuel 9 in the HNT

1 Samuel 9 in the IRVA

1 Samuel 9 in the IRVB

1 Samuel 9 in the IRVG

1 Samuel 9 in the IRVH

1 Samuel 9 in the IRVK

1 Samuel 9 in the IRVM

1 Samuel 9 in the IRVM2

1 Samuel 9 in the IRVO

1 Samuel 9 in the IRVP

1 Samuel 9 in the IRVT

1 Samuel 9 in the IRVT2

1 Samuel 9 in the IRVU

1 Samuel 9 in the ISVN

1 Samuel 9 in the JSNT

1 Samuel 9 in the KAPI

1 Samuel 9 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 9 in the KBV

1 Samuel 9 in the KJV

1 Samuel 9 in the KNFD

1 Samuel 9 in the LBA

1 Samuel 9 in the LBLA

1 Samuel 9 in the LNT

1 Samuel 9 in the LSV

1 Samuel 9 in the MAAL

1 Samuel 9 in the MBV

1 Samuel 9 in the MBV2

1 Samuel 9 in the MHNT

1 Samuel 9 in the MKNFD

1 Samuel 9 in the MNG

1 Samuel 9 in the MNT

1 Samuel 9 in the MNT2

1 Samuel 9 in the MRS1T

1 Samuel 9 in the NAA

1 Samuel 9 in the NASB

1 Samuel 9 in the NBLA

1 Samuel 9 in the NBS

1 Samuel 9 in the NBVTP

1 Samuel 9 in the NET2

1 Samuel 9 in the NIV11

1 Samuel 9 in the NNT

1 Samuel 9 in the NNT2

1 Samuel 9 in the NNT3

1 Samuel 9 in the PDDPT

1 Samuel 9 in the PFNT

1 Samuel 9 in the RMNT

1 Samuel 9 in the SBIAS

1 Samuel 9 in the SBIBS

1 Samuel 9 in the SBIBS2

1 Samuel 9 in the SBICS

1 Samuel 9 in the SBIDS

1 Samuel 9 in the SBIGS

1 Samuel 9 in the SBIHS

1 Samuel 9 in the SBIIS

1 Samuel 9 in the SBIIS2

1 Samuel 9 in the SBIIS3

1 Samuel 9 in the SBIKS

1 Samuel 9 in the SBIKS2

1 Samuel 9 in the SBIMS

1 Samuel 9 in the SBIOS

1 Samuel 9 in the SBIPS

1 Samuel 9 in the SBISS

1 Samuel 9 in the SBITS

1 Samuel 9 in the SBITS2

1 Samuel 9 in the SBITS3

1 Samuel 9 in the SBITS4

1 Samuel 9 in the SBIUS

1 Samuel 9 in the SBIVS

1 Samuel 9 in the SBT

1 Samuel 9 in the SBT1E

1 Samuel 9 in the SCHL

1 Samuel 9 in the SNT

1 Samuel 9 in the SUSU

1 Samuel 9 in the SUSU2

1 Samuel 9 in the SYNO

1 Samuel 9 in the TBIAOTANT

1 Samuel 9 in the TBT1E

1 Samuel 9 in the TBT1E2

1 Samuel 9 in the TFTIP

1 Samuel 9 in the TFTU

1 Samuel 9 in the TGNTATF3T

1 Samuel 9 in the THAI

1 Samuel 9 in the TNFD

1 Samuel 9 in the TNT

1 Samuel 9 in the TNTIK

1 Samuel 9 in the TNTIL

1 Samuel 9 in the TNTIN

1 Samuel 9 in the TNTIP

1 Samuel 9 in the TNTIZ

1 Samuel 9 in the TOMA

1 Samuel 9 in the TTENT

1 Samuel 9 in the UBG

1 Samuel 9 in the UGV

1 Samuel 9 in the UGV2

1 Samuel 9 in the UGV3

1 Samuel 9 in the VBL

1 Samuel 9 in the VDCC

1 Samuel 9 in the YALU

1 Samuel 9 in the YAPE

1 Samuel 9 in the YBVTP

1 Samuel 9 in the ZBP