2 Chronicles 7 (BOSCB)

1 Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. 2 Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza. 3 VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti:“Iye akanaka;rudo rwake runogara nokusingaperi.” 4 Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha. 5 Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari. 6 Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye ndizvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira. 7 Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta. 8 Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti. 9 Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe. 10 Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri. 11 Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake, 12 Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati:“Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro. 13 “Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu, 14 kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo. 15 Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino. 16 Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo. 17 “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu, 18 ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’ 19 “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata, 20 ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose. 21 Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’ 22 Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’ ”

In Other Versions

2 Chronicles 7 in the ANGEFD

2 Chronicles 7 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 7 in the AS21

2 Chronicles 7 in the BAGH

2 Chronicles 7 in the BBPNG

2 Chronicles 7 in the BBT1E

2 Chronicles 7 in the BDS

2 Chronicles 7 in the BEV

2 Chronicles 7 in the BHAD

2 Chronicles 7 in the BIB

2 Chronicles 7 in the BLPT

2 Chronicles 7 in the BNT

2 Chronicles 7 in the BNTABOOT

2 Chronicles 7 in the BNTLV

2 Chronicles 7 in the BOATCB

2 Chronicles 7 in the BOATCB2

2 Chronicles 7 in the BOBCV

2 Chronicles 7 in the BOCNT

2 Chronicles 7 in the BOECS

2 Chronicles 7 in the BOGWICC

2 Chronicles 7 in the BOHCB

2 Chronicles 7 in the BOHCV

2 Chronicles 7 in the BOHLNT

2 Chronicles 7 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 7 in the BOICB

2 Chronicles 7 in the BOILNTAP

2 Chronicles 7 in the BOITCV

2 Chronicles 7 in the BOKCV

2 Chronicles 7 in the BOKCV2

2 Chronicles 7 in the BOKHWOG

2 Chronicles 7 in the BOKSSV

2 Chronicles 7 in the BOLCB

2 Chronicles 7 in the BOLCB2

2 Chronicles 7 in the BOMCV

2 Chronicles 7 in the BONAV

2 Chronicles 7 in the BONCB

2 Chronicles 7 in the BONLT

2 Chronicles 7 in the BONUT2

2 Chronicles 7 in the BOPLNT

2 Chronicles 7 in the BOSNC

2 Chronicles 7 in the BOTLNT

2 Chronicles 7 in the BOVCB

2 Chronicles 7 in the BOYCB

2 Chronicles 7 in the BPBB

2 Chronicles 7 in the BPH

2 Chronicles 7 in the BSB

2 Chronicles 7 in the CCB

2 Chronicles 7 in the CUV

2 Chronicles 7 in the CUVS

2 Chronicles 7 in the DBT

2 Chronicles 7 in the DGDNT

2 Chronicles 7 in the DHNT

2 Chronicles 7 in the DNT

2 Chronicles 7 in the ELBE

2 Chronicles 7 in the EMTV

2 Chronicles 7 in the ESV

2 Chronicles 7 in the FBV

2 Chronicles 7 in the FEB

2 Chronicles 7 in the GGMNT

2 Chronicles 7 in the GNT

2 Chronicles 7 in the HARY

2 Chronicles 7 in the HNT

2 Chronicles 7 in the IRVA

2 Chronicles 7 in the IRVB

2 Chronicles 7 in the IRVG

2 Chronicles 7 in the IRVH

2 Chronicles 7 in the IRVK

2 Chronicles 7 in the IRVM

2 Chronicles 7 in the IRVM2

2 Chronicles 7 in the IRVO

2 Chronicles 7 in the IRVP

2 Chronicles 7 in the IRVT

2 Chronicles 7 in the IRVT2

2 Chronicles 7 in the IRVU

2 Chronicles 7 in the ISVN

2 Chronicles 7 in the JSNT

2 Chronicles 7 in the KAPI

2 Chronicles 7 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 7 in the KBV

2 Chronicles 7 in the KJV

2 Chronicles 7 in the KNFD

2 Chronicles 7 in the LBA

2 Chronicles 7 in the LBLA

2 Chronicles 7 in the LNT

2 Chronicles 7 in the LSV

2 Chronicles 7 in the MAAL

2 Chronicles 7 in the MBV

2 Chronicles 7 in the MBV2

2 Chronicles 7 in the MHNT

2 Chronicles 7 in the MKNFD

2 Chronicles 7 in the MNG

2 Chronicles 7 in the MNT

2 Chronicles 7 in the MNT2

2 Chronicles 7 in the MRS1T

2 Chronicles 7 in the NAA

2 Chronicles 7 in the NASB

2 Chronicles 7 in the NBLA

2 Chronicles 7 in the NBS

2 Chronicles 7 in the NBVTP

2 Chronicles 7 in the NET2

2 Chronicles 7 in the NIV11

2 Chronicles 7 in the NNT

2 Chronicles 7 in the NNT2

2 Chronicles 7 in the NNT3

2 Chronicles 7 in the PDDPT

2 Chronicles 7 in the PFNT

2 Chronicles 7 in the RMNT

2 Chronicles 7 in the SBIAS

2 Chronicles 7 in the SBIBS

2 Chronicles 7 in the SBIBS2

2 Chronicles 7 in the SBICS

2 Chronicles 7 in the SBIDS

2 Chronicles 7 in the SBIGS

2 Chronicles 7 in the SBIHS

2 Chronicles 7 in the SBIIS

2 Chronicles 7 in the SBIIS2

2 Chronicles 7 in the SBIIS3

2 Chronicles 7 in the SBIKS

2 Chronicles 7 in the SBIKS2

2 Chronicles 7 in the SBIMS

2 Chronicles 7 in the SBIOS

2 Chronicles 7 in the SBIPS

2 Chronicles 7 in the SBISS

2 Chronicles 7 in the SBITS

2 Chronicles 7 in the SBITS2

2 Chronicles 7 in the SBITS3

2 Chronicles 7 in the SBITS4

2 Chronicles 7 in the SBIUS

2 Chronicles 7 in the SBIVS

2 Chronicles 7 in the SBT

2 Chronicles 7 in the SBT1E

2 Chronicles 7 in the SCHL

2 Chronicles 7 in the SNT

2 Chronicles 7 in the SUSU

2 Chronicles 7 in the SUSU2

2 Chronicles 7 in the SYNO

2 Chronicles 7 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 7 in the TBT1E

2 Chronicles 7 in the TBT1E2

2 Chronicles 7 in the TFTIP

2 Chronicles 7 in the TFTU

2 Chronicles 7 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 7 in the THAI

2 Chronicles 7 in the TNFD

2 Chronicles 7 in the TNT

2 Chronicles 7 in the TNTIK

2 Chronicles 7 in the TNTIL

2 Chronicles 7 in the TNTIN

2 Chronicles 7 in the TNTIP

2 Chronicles 7 in the TNTIZ

2 Chronicles 7 in the TOMA

2 Chronicles 7 in the TTENT

2 Chronicles 7 in the UBG

2 Chronicles 7 in the UGV

2 Chronicles 7 in the UGV2

2 Chronicles 7 in the UGV3

2 Chronicles 7 in the VBL

2 Chronicles 7 in the VDCC

2 Chronicles 7 in the YALU

2 Chronicles 7 in the YAPE

2 Chronicles 7 in the YBVTP

2 Chronicles 7 in the ZBP