2 Kings 17 (BOSCB)

1 Mugore regumi namaviri raAhazi mambo weJudha, Hoshea mwanakomana waEra akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore mapfumbamwe. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira. 3 Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari. 4 Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo. 5 Mambo weAsiria akarwisa nyika yose, akafamba akananga kuSamaria akarikomba kwamakore matatu. 6 Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMedhia. 7 Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari 8 uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri. 9 VaIsraeri vakaita zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo muchivande. Vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa. 10 Vakazvimisira matombo namatanda okunamata pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose yakapfumvutira. 11 Vakapisa zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvikatsamwisa Jehovha. 12 Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.” 13 Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.” 14 Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo. 15 Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha. 16 Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari. 17 Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa nazvo. 18 Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara, 19 uye kunyange vaJudhawo havana kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo. Vakatevera tsika dzakanga dzatangwa neIsraeri. 20 Naizvozvo Jehovha akaramba vanhu vose veIsraeri; akavatambudza akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avabvisa pamberi pake. 21 Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru. 22 VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri 23 kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi. 24 Mambo weAsiria akauya navanhu kubva kuBhabhironi, nokuKuta, neAvha, neHamati neSefarivhaimu ndokuvagarisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo chavaIsraeri. Vakatora Samaria vakagara mumaguta ayo. 25 Pavakatanga kugarako, vakanga vasinganamati Jehovha; naizvozvo akatuma shumba pakati pavo dzikauraya vamwe vavo. 26 Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.” 27 Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.” 28 Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha. 29 Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mumatumba okunamatira akanga aitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira. 30 Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima; 31 vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefarivhaimi. 32 Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mumatumba panzvimbo dzakakwirira. 33 Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri. 34 Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri. 35 Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari. 36 Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro. 37 Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. 38 Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari. 39 Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.” 40 Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare. 41 Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo.

In Other Versions

2 Kings 17 in the ANGEFD

2 Kings 17 in the ANTPNG2D

2 Kings 17 in the AS21

2 Kings 17 in the BAGH

2 Kings 17 in the BBPNG

2 Kings 17 in the BBT1E

2 Kings 17 in the BDS

2 Kings 17 in the BEV

2 Kings 17 in the BHAD

2 Kings 17 in the BIB

2 Kings 17 in the BLPT

2 Kings 17 in the BNT

2 Kings 17 in the BNTABOOT

2 Kings 17 in the BNTLV

2 Kings 17 in the BOATCB

2 Kings 17 in the BOATCB2

2 Kings 17 in the BOBCV

2 Kings 17 in the BOCNT

2 Kings 17 in the BOECS

2 Kings 17 in the BOGWICC

2 Kings 17 in the BOHCB

2 Kings 17 in the BOHCV

2 Kings 17 in the BOHLNT

2 Kings 17 in the BOHNTLTAL

2 Kings 17 in the BOICB

2 Kings 17 in the BOILNTAP

2 Kings 17 in the BOITCV

2 Kings 17 in the BOKCV

2 Kings 17 in the BOKCV2

2 Kings 17 in the BOKHWOG

2 Kings 17 in the BOKSSV

2 Kings 17 in the BOLCB

2 Kings 17 in the BOLCB2

2 Kings 17 in the BOMCV

2 Kings 17 in the BONAV

2 Kings 17 in the BONCB

2 Kings 17 in the BONLT

2 Kings 17 in the BONUT2

2 Kings 17 in the BOPLNT

2 Kings 17 in the BOSNC

2 Kings 17 in the BOTLNT

2 Kings 17 in the BOVCB

2 Kings 17 in the BOYCB

2 Kings 17 in the BPBB

2 Kings 17 in the BPH

2 Kings 17 in the BSB

2 Kings 17 in the CCB

2 Kings 17 in the CUV

2 Kings 17 in the CUVS

2 Kings 17 in the DBT

2 Kings 17 in the DGDNT

2 Kings 17 in the DHNT

2 Kings 17 in the DNT

2 Kings 17 in the ELBE

2 Kings 17 in the EMTV

2 Kings 17 in the ESV

2 Kings 17 in the FBV

2 Kings 17 in the FEB

2 Kings 17 in the GGMNT

2 Kings 17 in the GNT

2 Kings 17 in the HARY

2 Kings 17 in the HNT

2 Kings 17 in the IRVA

2 Kings 17 in the IRVB

2 Kings 17 in the IRVG

2 Kings 17 in the IRVH

2 Kings 17 in the IRVK

2 Kings 17 in the IRVM

2 Kings 17 in the IRVM2

2 Kings 17 in the IRVO

2 Kings 17 in the IRVP

2 Kings 17 in the IRVT

2 Kings 17 in the IRVT2

2 Kings 17 in the IRVU

2 Kings 17 in the ISVN

2 Kings 17 in the JSNT

2 Kings 17 in the KAPI

2 Kings 17 in the KBT1ETNIK

2 Kings 17 in the KBV

2 Kings 17 in the KJV

2 Kings 17 in the KNFD

2 Kings 17 in the LBA

2 Kings 17 in the LBLA

2 Kings 17 in the LNT

2 Kings 17 in the LSV

2 Kings 17 in the MAAL

2 Kings 17 in the MBV

2 Kings 17 in the MBV2

2 Kings 17 in the MHNT

2 Kings 17 in the MKNFD

2 Kings 17 in the MNG

2 Kings 17 in the MNT

2 Kings 17 in the MNT2

2 Kings 17 in the MRS1T

2 Kings 17 in the NAA

2 Kings 17 in the NASB

2 Kings 17 in the NBLA

2 Kings 17 in the NBS

2 Kings 17 in the NBVTP

2 Kings 17 in the NET2

2 Kings 17 in the NIV11

2 Kings 17 in the NNT

2 Kings 17 in the NNT2

2 Kings 17 in the NNT3

2 Kings 17 in the PDDPT

2 Kings 17 in the PFNT

2 Kings 17 in the RMNT

2 Kings 17 in the SBIAS

2 Kings 17 in the SBIBS

2 Kings 17 in the SBIBS2

2 Kings 17 in the SBICS

2 Kings 17 in the SBIDS

2 Kings 17 in the SBIGS

2 Kings 17 in the SBIHS

2 Kings 17 in the SBIIS

2 Kings 17 in the SBIIS2

2 Kings 17 in the SBIIS3

2 Kings 17 in the SBIKS

2 Kings 17 in the SBIKS2

2 Kings 17 in the SBIMS

2 Kings 17 in the SBIOS

2 Kings 17 in the SBIPS

2 Kings 17 in the SBISS

2 Kings 17 in the SBITS

2 Kings 17 in the SBITS2

2 Kings 17 in the SBITS3

2 Kings 17 in the SBITS4

2 Kings 17 in the SBIUS

2 Kings 17 in the SBIVS

2 Kings 17 in the SBT

2 Kings 17 in the SBT1E

2 Kings 17 in the SCHL

2 Kings 17 in the SNT

2 Kings 17 in the SUSU

2 Kings 17 in the SUSU2

2 Kings 17 in the SYNO

2 Kings 17 in the TBIAOTANT

2 Kings 17 in the TBT1E

2 Kings 17 in the TBT1E2

2 Kings 17 in the TFTIP

2 Kings 17 in the TFTU

2 Kings 17 in the TGNTATF3T

2 Kings 17 in the THAI

2 Kings 17 in the TNFD

2 Kings 17 in the TNT

2 Kings 17 in the TNTIK

2 Kings 17 in the TNTIL

2 Kings 17 in the TNTIN

2 Kings 17 in the TNTIP

2 Kings 17 in the TNTIZ

2 Kings 17 in the TOMA

2 Kings 17 in the TTENT

2 Kings 17 in the UBG

2 Kings 17 in the UGV

2 Kings 17 in the UGV2

2 Kings 17 in the UGV3

2 Kings 17 in the VBL

2 Kings 17 in the VDCC

2 Kings 17 in the YALU

2 Kings 17 in the YAPE

2 Kings 17 in the YBVTP

2 Kings 17 in the ZBP