Daniel 11 (BOSCB)

1 Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire uye ndimudzivirire. 2 “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achamuka muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akapfuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi. 3 Ipapo mambo ane simba achamuka, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda. 4 Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga. 5 “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru. 6 Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira. 7 “Mumwe anobva mumhuri yake achamuka kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda. 8 Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore. 9 Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake. 10 Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake. 11 “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa. 12 Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda. 13 Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana. 14 “Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi. 15 Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira. 16 Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza. 17 Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira. 18 Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene. 19 Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve. 20 “Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo. 21 “Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso. 22 Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa. 23 Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga. 24 Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete. 25 “Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa. 26 Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo. 27 Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa. 28 Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake. 29 “Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga. 30 Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene. 31 “Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa. 32 Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo. 33 “Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa. 34 Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo. 35 Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa. 36 “Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira uye achazvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika. 37 Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose. 38 Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake. 39 Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo. 40 “Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura. 41 Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiri veAmoni vachawira muruoko rwake. 42 Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki. 43 Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake. 44 Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji. 45 Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira.

In Other Versions

Daniel 11 in the ANGEFD

Daniel 11 in the ANTPNG2D

Daniel 11 in the AS21

Daniel 11 in the BAGH

Daniel 11 in the BBPNG

Daniel 11 in the BBT1E

Daniel 11 in the BDS

Daniel 11 in the BEV

Daniel 11 in the BHAD

Daniel 11 in the BIB

Daniel 11 in the BLPT

Daniel 11 in the BNT

Daniel 11 in the BNTABOOT

Daniel 11 in the BNTLV

Daniel 11 in the BOATCB

Daniel 11 in the BOATCB2

Daniel 11 in the BOBCV

Daniel 11 in the BOCNT

Daniel 11 in the BOECS

Daniel 11 in the BOGWICC

Daniel 11 in the BOHCB

Daniel 11 in the BOHCV

Daniel 11 in the BOHLNT

Daniel 11 in the BOHNTLTAL

Daniel 11 in the BOICB

Daniel 11 in the BOILNTAP

Daniel 11 in the BOITCV

Daniel 11 in the BOKCV

Daniel 11 in the BOKCV2

Daniel 11 in the BOKHWOG

Daniel 11 in the BOKSSV

Daniel 11 in the BOLCB

Daniel 11 in the BOLCB2

Daniel 11 in the BOMCV

Daniel 11 in the BONAV

Daniel 11 in the BONCB

Daniel 11 in the BONLT

Daniel 11 in the BONUT2

Daniel 11 in the BOPLNT

Daniel 11 in the BOSNC

Daniel 11 in the BOTLNT

Daniel 11 in the BOVCB

Daniel 11 in the BOYCB

Daniel 11 in the BPBB

Daniel 11 in the BPH

Daniel 11 in the BSB

Daniel 11 in the CCB

Daniel 11 in the CUV

Daniel 11 in the CUVS

Daniel 11 in the DBT

Daniel 11 in the DGDNT

Daniel 11 in the DHNT

Daniel 11 in the DNT

Daniel 11 in the ELBE

Daniel 11 in the EMTV

Daniel 11 in the ESV

Daniel 11 in the FBV

Daniel 11 in the FEB

Daniel 11 in the GGMNT

Daniel 11 in the GNT

Daniel 11 in the HARY

Daniel 11 in the HNT

Daniel 11 in the IRVA

Daniel 11 in the IRVB

Daniel 11 in the IRVG

Daniel 11 in the IRVH

Daniel 11 in the IRVK

Daniel 11 in the IRVM

Daniel 11 in the IRVM2

Daniel 11 in the IRVO

Daniel 11 in the IRVP

Daniel 11 in the IRVT

Daniel 11 in the IRVT2

Daniel 11 in the IRVU

Daniel 11 in the ISVN

Daniel 11 in the JSNT

Daniel 11 in the KAPI

Daniel 11 in the KBT1ETNIK

Daniel 11 in the KBV

Daniel 11 in the KJV

Daniel 11 in the KNFD

Daniel 11 in the LBA

Daniel 11 in the LBLA

Daniel 11 in the LNT

Daniel 11 in the LSV

Daniel 11 in the MAAL

Daniel 11 in the MBV

Daniel 11 in the MBV2

Daniel 11 in the MHNT

Daniel 11 in the MKNFD

Daniel 11 in the MNG

Daniel 11 in the MNT

Daniel 11 in the MNT2

Daniel 11 in the MRS1T

Daniel 11 in the NAA

Daniel 11 in the NASB

Daniel 11 in the NBLA

Daniel 11 in the NBS

Daniel 11 in the NBVTP

Daniel 11 in the NET2

Daniel 11 in the NIV11

Daniel 11 in the NNT

Daniel 11 in the NNT2

Daniel 11 in the NNT3

Daniel 11 in the PDDPT

Daniel 11 in the PFNT

Daniel 11 in the RMNT

Daniel 11 in the SBIAS

Daniel 11 in the SBIBS

Daniel 11 in the SBIBS2

Daniel 11 in the SBICS

Daniel 11 in the SBIDS

Daniel 11 in the SBIGS

Daniel 11 in the SBIHS

Daniel 11 in the SBIIS

Daniel 11 in the SBIIS2

Daniel 11 in the SBIIS3

Daniel 11 in the SBIKS

Daniel 11 in the SBIKS2

Daniel 11 in the SBIMS

Daniel 11 in the SBIOS

Daniel 11 in the SBIPS

Daniel 11 in the SBISS

Daniel 11 in the SBITS

Daniel 11 in the SBITS2

Daniel 11 in the SBITS3

Daniel 11 in the SBITS4

Daniel 11 in the SBIUS

Daniel 11 in the SBIVS

Daniel 11 in the SBT

Daniel 11 in the SBT1E

Daniel 11 in the SCHL

Daniel 11 in the SNT

Daniel 11 in the SUSU

Daniel 11 in the SUSU2

Daniel 11 in the SYNO

Daniel 11 in the TBIAOTANT

Daniel 11 in the TBT1E

Daniel 11 in the TBT1E2

Daniel 11 in the TFTIP

Daniel 11 in the TFTU

Daniel 11 in the TGNTATF3T

Daniel 11 in the THAI

Daniel 11 in the TNFD

Daniel 11 in the TNT

Daniel 11 in the TNTIK

Daniel 11 in the TNTIL

Daniel 11 in the TNTIN

Daniel 11 in the TNTIP

Daniel 11 in the TNTIZ

Daniel 11 in the TOMA

Daniel 11 in the TTENT

Daniel 11 in the UBG

Daniel 11 in the UGV

Daniel 11 in the UGV2

Daniel 11 in the UGV3

Daniel 11 in the VBL

Daniel 11 in the VDCC

Daniel 11 in the YALU

Daniel 11 in the YAPE

Daniel 11 in the YBVTP

Daniel 11 in the ZBP