Daniel 3 (BOSCB)

1 Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatu uye makubhiti matanhatu paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi. 2 Ipapo akadana machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi vedzimhosva vakuru, vatongi vedzimhosva vadiki navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzokumikidza chifananidzo chaakanga amisa. 3 Saka machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, navatongi vedzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho. 4 Ipapo mushamarari akadanidzira zvikuru achiti, “Izvi ndizvo zvamunorayirwa kuti muite, imi vanhu, nemi ndudzi nemi vanhu vemitauro yose: 5 Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari. 6 Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandwa muvira romoto pakarepo.” 7 Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari. 8 Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha. 9 Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! 10 Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe, 11 uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto. 12 Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” 13 Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, 14 Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? 15 Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?” 16 Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. 17 Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. 18 Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” 19 Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. 20 Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. 21 Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. 22 Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, 23 uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo. 24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?”Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” 25 Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.” 26 Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!”Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, 27 uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari. 28 Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. 29 Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.” 30 Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.

In Other Versions

Daniel 3 in the ANGEFD

Daniel 3 in the ANTPNG2D

Daniel 3 in the AS21

Daniel 3 in the BAGH

Daniel 3 in the BBPNG

Daniel 3 in the BBT1E

Daniel 3 in the BDS

Daniel 3 in the BEV

Daniel 3 in the BHAD

Daniel 3 in the BIB

Daniel 3 in the BLPT

Daniel 3 in the BNT

Daniel 3 in the BNTABOOT

Daniel 3 in the BNTLV

Daniel 3 in the BOATCB

Daniel 3 in the BOATCB2

Daniel 3 in the BOBCV

Daniel 3 in the BOCNT

Daniel 3 in the BOECS

Daniel 3 in the BOGWICC

Daniel 3 in the BOHCB

Daniel 3 in the BOHCV

Daniel 3 in the BOHLNT

Daniel 3 in the BOHNTLTAL

Daniel 3 in the BOICB

Daniel 3 in the BOILNTAP

Daniel 3 in the BOITCV

Daniel 3 in the BOKCV

Daniel 3 in the BOKCV2

Daniel 3 in the BOKHWOG

Daniel 3 in the BOKSSV

Daniel 3 in the BOLCB

Daniel 3 in the BOLCB2

Daniel 3 in the BOMCV

Daniel 3 in the BONAV

Daniel 3 in the BONCB

Daniel 3 in the BONLT

Daniel 3 in the BONUT2

Daniel 3 in the BOPLNT

Daniel 3 in the BOSNC

Daniel 3 in the BOTLNT

Daniel 3 in the BOVCB

Daniel 3 in the BOYCB

Daniel 3 in the BPBB

Daniel 3 in the BPH

Daniel 3 in the BSB

Daniel 3 in the CCB

Daniel 3 in the CUV

Daniel 3 in the CUVS

Daniel 3 in the DBT

Daniel 3 in the DGDNT

Daniel 3 in the DHNT

Daniel 3 in the DNT

Daniel 3 in the ELBE

Daniel 3 in the EMTV

Daniel 3 in the ESV

Daniel 3 in the FBV

Daniel 3 in the FEB

Daniel 3 in the GGMNT

Daniel 3 in the GNT

Daniel 3 in the HARY

Daniel 3 in the HNT

Daniel 3 in the IRVA

Daniel 3 in the IRVB

Daniel 3 in the IRVG

Daniel 3 in the IRVH

Daniel 3 in the IRVK

Daniel 3 in the IRVM

Daniel 3 in the IRVM2

Daniel 3 in the IRVO

Daniel 3 in the IRVP

Daniel 3 in the IRVT

Daniel 3 in the IRVT2

Daniel 3 in the IRVU

Daniel 3 in the ISVN

Daniel 3 in the JSNT

Daniel 3 in the KAPI

Daniel 3 in the KBT1ETNIK

Daniel 3 in the KBV

Daniel 3 in the KJV

Daniel 3 in the KNFD

Daniel 3 in the LBA

Daniel 3 in the LBLA

Daniel 3 in the LNT

Daniel 3 in the LSV

Daniel 3 in the MAAL

Daniel 3 in the MBV

Daniel 3 in the MBV2

Daniel 3 in the MHNT

Daniel 3 in the MKNFD

Daniel 3 in the MNG

Daniel 3 in the MNT

Daniel 3 in the MNT2

Daniel 3 in the MRS1T

Daniel 3 in the NAA

Daniel 3 in the NASB

Daniel 3 in the NBLA

Daniel 3 in the NBS

Daniel 3 in the NBVTP

Daniel 3 in the NET2

Daniel 3 in the NIV11

Daniel 3 in the NNT

Daniel 3 in the NNT2

Daniel 3 in the NNT3

Daniel 3 in the PDDPT

Daniel 3 in the PFNT

Daniel 3 in the RMNT

Daniel 3 in the SBIAS

Daniel 3 in the SBIBS

Daniel 3 in the SBIBS2

Daniel 3 in the SBICS

Daniel 3 in the SBIDS

Daniel 3 in the SBIGS

Daniel 3 in the SBIHS

Daniel 3 in the SBIIS

Daniel 3 in the SBIIS2

Daniel 3 in the SBIIS3

Daniel 3 in the SBIKS

Daniel 3 in the SBIKS2

Daniel 3 in the SBIMS

Daniel 3 in the SBIOS

Daniel 3 in the SBIPS

Daniel 3 in the SBISS

Daniel 3 in the SBITS

Daniel 3 in the SBITS2

Daniel 3 in the SBITS3

Daniel 3 in the SBITS4

Daniel 3 in the SBIUS

Daniel 3 in the SBIVS

Daniel 3 in the SBT

Daniel 3 in the SBT1E

Daniel 3 in the SCHL

Daniel 3 in the SNT

Daniel 3 in the SUSU

Daniel 3 in the SUSU2

Daniel 3 in the SYNO

Daniel 3 in the TBIAOTANT

Daniel 3 in the TBT1E

Daniel 3 in the TBT1E2

Daniel 3 in the TFTIP

Daniel 3 in the TFTU

Daniel 3 in the TGNTATF3T

Daniel 3 in the THAI

Daniel 3 in the TNFD

Daniel 3 in the TNT

Daniel 3 in the TNTIK

Daniel 3 in the TNTIL

Daniel 3 in the TNTIN

Daniel 3 in the TNTIP

Daniel 3 in the TNTIZ

Daniel 3 in the TOMA

Daniel 3 in the TTENT

Daniel 3 in the UBG

Daniel 3 in the UGV

Daniel 3 in the UGV2

Daniel 3 in the UGV3

Daniel 3 in the VBL

Daniel 3 in the VDCC

Daniel 3 in the YALU

Daniel 3 in the YAPE

Daniel 3 in the YBVTP

Daniel 3 in the ZBP