Deuteronomy 1 (BOSCB)

1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi. 2 (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhi kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.) 3 Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo. 4 Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti. 5 Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti: 6 Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhi akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino. 7 Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi. 8 Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahama, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.” 9 Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga. 10 Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga. 11 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa! 12 Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga? 13 Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.” 14 Makandipindura muchiti, “Izvo zvamataura kuti zviitwe zvakanaka.” 15 Saka ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi. 16 Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa. 17 Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa. 18 Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita. 19 Ipapo takasimuka kubva paHorebhi tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu. 20 Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. 21 Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.” 22 Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.” 23 Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe. 24 Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora. 25 Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.” 26 Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu. 27 Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. 28 Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ” 29 Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya. 30 Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, 31 uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.” 32 Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu, 33 iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo. 34 Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti, 35 “Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu, 36 kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.” 37 Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi. 38 Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo. 39 Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora. 40 Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.” 41 Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwidza kunyika yamakomo. 42 Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwidza kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ” 43 Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo. 44 VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma. 45 Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri. 46 Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.

In Other Versions

Deuteronomy 1 in the ANGEFD

Deuteronomy 1 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 1 in the AS21

Deuteronomy 1 in the BAGH

Deuteronomy 1 in the BBPNG

Deuteronomy 1 in the BBT1E

Deuteronomy 1 in the BDS

Deuteronomy 1 in the BEV

Deuteronomy 1 in the BHAD

Deuteronomy 1 in the BIB

Deuteronomy 1 in the BLPT

Deuteronomy 1 in the BNT

Deuteronomy 1 in the BNTABOOT

Deuteronomy 1 in the BNTLV

Deuteronomy 1 in the BOATCB

Deuteronomy 1 in the BOATCB2

Deuteronomy 1 in the BOBCV

Deuteronomy 1 in the BOCNT

Deuteronomy 1 in the BOECS

Deuteronomy 1 in the BOGWICC

Deuteronomy 1 in the BOHCB

Deuteronomy 1 in the BOHCV

Deuteronomy 1 in the BOHLNT

Deuteronomy 1 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 1 in the BOICB

Deuteronomy 1 in the BOILNTAP

Deuteronomy 1 in the BOITCV

Deuteronomy 1 in the BOKCV

Deuteronomy 1 in the BOKCV2

Deuteronomy 1 in the BOKHWOG

Deuteronomy 1 in the BOKSSV

Deuteronomy 1 in the BOLCB

Deuteronomy 1 in the BOLCB2

Deuteronomy 1 in the BOMCV

Deuteronomy 1 in the BONAV

Deuteronomy 1 in the BONCB

Deuteronomy 1 in the BONLT

Deuteronomy 1 in the BONUT2

Deuteronomy 1 in the BOPLNT

Deuteronomy 1 in the BOSNC

Deuteronomy 1 in the BOTLNT

Deuteronomy 1 in the BOVCB

Deuteronomy 1 in the BOYCB

Deuteronomy 1 in the BPBB

Deuteronomy 1 in the BPH

Deuteronomy 1 in the BSB

Deuteronomy 1 in the CCB

Deuteronomy 1 in the CUV

Deuteronomy 1 in the CUVS

Deuteronomy 1 in the DBT

Deuteronomy 1 in the DGDNT

Deuteronomy 1 in the DHNT

Deuteronomy 1 in the DNT

Deuteronomy 1 in the ELBE

Deuteronomy 1 in the EMTV

Deuteronomy 1 in the ESV

Deuteronomy 1 in the FBV

Deuteronomy 1 in the FEB

Deuteronomy 1 in the GGMNT

Deuteronomy 1 in the GNT

Deuteronomy 1 in the HARY

Deuteronomy 1 in the HNT

Deuteronomy 1 in the IRVA

Deuteronomy 1 in the IRVB

Deuteronomy 1 in the IRVG

Deuteronomy 1 in the IRVH

Deuteronomy 1 in the IRVK

Deuteronomy 1 in the IRVM

Deuteronomy 1 in the IRVM2

Deuteronomy 1 in the IRVO

Deuteronomy 1 in the IRVP

Deuteronomy 1 in the IRVT

Deuteronomy 1 in the IRVT2

Deuteronomy 1 in the IRVU

Deuteronomy 1 in the ISVN

Deuteronomy 1 in the JSNT

Deuteronomy 1 in the KAPI

Deuteronomy 1 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 1 in the KBV

Deuteronomy 1 in the KJV

Deuteronomy 1 in the KNFD

Deuteronomy 1 in the LBA

Deuteronomy 1 in the LBLA

Deuteronomy 1 in the LNT

Deuteronomy 1 in the LSV

Deuteronomy 1 in the MAAL

Deuteronomy 1 in the MBV

Deuteronomy 1 in the MBV2

Deuteronomy 1 in the MHNT

Deuteronomy 1 in the MKNFD

Deuteronomy 1 in the MNG

Deuteronomy 1 in the MNT

Deuteronomy 1 in the MNT2

Deuteronomy 1 in the MRS1T

Deuteronomy 1 in the NAA

Deuteronomy 1 in the NASB

Deuteronomy 1 in the NBLA

Deuteronomy 1 in the NBS

Deuteronomy 1 in the NBVTP

Deuteronomy 1 in the NET2

Deuteronomy 1 in the NIV11

Deuteronomy 1 in the NNT

Deuteronomy 1 in the NNT2

Deuteronomy 1 in the NNT3

Deuteronomy 1 in the PDDPT

Deuteronomy 1 in the PFNT

Deuteronomy 1 in the RMNT

Deuteronomy 1 in the SBIAS

Deuteronomy 1 in the SBIBS

Deuteronomy 1 in the SBIBS2

Deuteronomy 1 in the SBICS

Deuteronomy 1 in the SBIDS

Deuteronomy 1 in the SBIGS

Deuteronomy 1 in the SBIHS

Deuteronomy 1 in the SBIIS

Deuteronomy 1 in the SBIIS2

Deuteronomy 1 in the SBIIS3

Deuteronomy 1 in the SBIKS

Deuteronomy 1 in the SBIKS2

Deuteronomy 1 in the SBIMS

Deuteronomy 1 in the SBIOS

Deuteronomy 1 in the SBIPS

Deuteronomy 1 in the SBISS

Deuteronomy 1 in the SBITS

Deuteronomy 1 in the SBITS2

Deuteronomy 1 in the SBITS3

Deuteronomy 1 in the SBITS4

Deuteronomy 1 in the SBIUS

Deuteronomy 1 in the SBIVS

Deuteronomy 1 in the SBT

Deuteronomy 1 in the SBT1E

Deuteronomy 1 in the SCHL

Deuteronomy 1 in the SNT

Deuteronomy 1 in the SUSU

Deuteronomy 1 in the SUSU2

Deuteronomy 1 in the SYNO

Deuteronomy 1 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 1 in the TBT1E

Deuteronomy 1 in the TBT1E2

Deuteronomy 1 in the TFTIP

Deuteronomy 1 in the TFTU

Deuteronomy 1 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 1 in the THAI

Deuteronomy 1 in the TNFD

Deuteronomy 1 in the TNT

Deuteronomy 1 in the TNTIK

Deuteronomy 1 in the TNTIL

Deuteronomy 1 in the TNTIN

Deuteronomy 1 in the TNTIP

Deuteronomy 1 in the TNTIZ

Deuteronomy 1 in the TOMA

Deuteronomy 1 in the TTENT

Deuteronomy 1 in the UBG

Deuteronomy 1 in the UGV

Deuteronomy 1 in the UGV2

Deuteronomy 1 in the UGV3

Deuteronomy 1 in the VBL

Deuteronomy 1 in the VDCC

Deuteronomy 1 in the YALU

Deuteronomy 1 in the YAPE

Deuteronomy 1 in the YBVTP

Deuteronomy 1 in the ZBP