Deuteronomy 4 (BOSCB)

1 Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 2 Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai. 3 Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori. 4 Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi. 5 Tarirai, ndakudzidzisai mitemo nemirayiro sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti muitevere munyika yamuri kupinda kuti muitore ive yenyu. 6 Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.” 7 Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari? 8 Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi? 9 Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu. 10 Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhi, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.” 11 Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru. 12 Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi chete asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga. 13 Akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, yaakakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe. 14 Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. 15 Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhi ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, 16 kuitira kuti murege kuzvisvibisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingava chakaitwa somurume kana somukadzi, 17 kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga, 18 kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura. 19 Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga. 20 Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi. 21 Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. 22 Ini ndichafira munyika ino; handichayambuki Jorodhani; asi imi mava kuzoyambuka nokutora nyika yakanaka. 23 Muzvichenjerere kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi; musazviitira chifananidzo chorudzi rwechinhu chipi zvakadziviswa naJehovha Mwari wenyu. 24 Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo. 25 Mushure mokunge mava navana navazukuru uye magara nguva refu munyika, kana mukazvishatisa nokugadzira chifananidzo chorudzi rupi zvarwo, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimuita kuti atsamwe, 26 ndinodana denga napasi sezvapupu pamusoro penyu nhasi, kuti muchakurumidza kuparara kubva panyika yamuri kuyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Hamungagarimo nguva refu asi muchaparadzwa zvirokwazvo. 27 Jehovha achakuparadzirai pakati pamarudzi, uye vashoma venyu chete ndivo vachapona pakati pendudzi uko kwamuchadzingirwa naJehovha. 28 Ikoko muchanamata vamwari vakaitwa navanhu, vamatanda navamabwe, vasingagoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza. 29 Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose. 30 Kana muchinge matambudzika uye zvinhu zvose izvi zvaitika kwamuri, ipapo pamazuva achatevera muchadzoka kuna Jehovha Mwari wenyu mugomuteerera. 31 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni, haangakusiyei kana kukuparadzai, kana kukanganwa sungano yamadzibaba enyu, yaakasimbisa kwavari nemhiko. 32 Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika? 33 Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama? 34 Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti? 35 Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe. 36 Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto. 37 Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru, 38 kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi. 39 Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe. 40 Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi. 41 Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu kumabvazuva mhiri kwaJorodhani, 42 uko ani naani anenge auraya munhu aitizira kana achinge auraya muvakidzani wake asingaiti nobwoni uye asingazvifungiri. Aigona kutizira mune rimwe ramaguta aya kuti ararame. 43 Maguta aya aiti: Bhezeri mudunhu rakakwirira rokurenje raiva ravaRubheni; Ramoti paGireadhi, raiva ravaGadhi; neGorani paBhashani, raiva ravaManase. 44 Uyu ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavaIsraeri: 45 Izvi ndizvo zvakataurwa naMozisi, mitemo nemirayiro yaakavapa pavakabuda kubva muIjipiti 46 uye vari kumabvazuva kwaJorodhani mumupata uri pedyo neBheti Peori, munyika yaSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni uyo akakundwa navaIsraeri pavakabuda muIjipiti. 47 Vakatora nyika yake nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri avaAmori aiva kumabvazuva kweJorodhani. 48 Nyika iyi yaibva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni kusvika pagomo reSioni (ndiro Herimoni), 49 uye kusanganisira Arabha yose kumabvazuva kwaJorodhani, kusvikira kuGungwa reArabha, mujinga memateru ePisiga.

In Other Versions

Deuteronomy 4 in the ANGEFD

Deuteronomy 4 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 4 in the AS21

Deuteronomy 4 in the BAGH

Deuteronomy 4 in the BBPNG

Deuteronomy 4 in the BBT1E

Deuteronomy 4 in the BDS

Deuteronomy 4 in the BEV

Deuteronomy 4 in the BHAD

Deuteronomy 4 in the BIB

Deuteronomy 4 in the BLPT

Deuteronomy 4 in the BNT

Deuteronomy 4 in the BNTABOOT

Deuteronomy 4 in the BNTLV

Deuteronomy 4 in the BOATCB

Deuteronomy 4 in the BOATCB2

Deuteronomy 4 in the BOBCV

Deuteronomy 4 in the BOCNT

Deuteronomy 4 in the BOECS

Deuteronomy 4 in the BOGWICC

Deuteronomy 4 in the BOHCB

Deuteronomy 4 in the BOHCV

Deuteronomy 4 in the BOHLNT

Deuteronomy 4 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 4 in the BOICB

Deuteronomy 4 in the BOILNTAP

Deuteronomy 4 in the BOITCV

Deuteronomy 4 in the BOKCV

Deuteronomy 4 in the BOKCV2

Deuteronomy 4 in the BOKHWOG

Deuteronomy 4 in the BOKSSV

Deuteronomy 4 in the BOLCB

Deuteronomy 4 in the BOLCB2

Deuteronomy 4 in the BOMCV

Deuteronomy 4 in the BONAV

Deuteronomy 4 in the BONCB

Deuteronomy 4 in the BONLT

Deuteronomy 4 in the BONUT2

Deuteronomy 4 in the BOPLNT

Deuteronomy 4 in the BOSNC

Deuteronomy 4 in the BOTLNT

Deuteronomy 4 in the BOVCB

Deuteronomy 4 in the BOYCB

Deuteronomy 4 in the BPBB

Deuteronomy 4 in the BPH

Deuteronomy 4 in the BSB

Deuteronomy 4 in the CCB

Deuteronomy 4 in the CUV

Deuteronomy 4 in the CUVS

Deuteronomy 4 in the DBT

Deuteronomy 4 in the DGDNT

Deuteronomy 4 in the DHNT

Deuteronomy 4 in the DNT

Deuteronomy 4 in the ELBE

Deuteronomy 4 in the EMTV

Deuteronomy 4 in the ESV

Deuteronomy 4 in the FBV

Deuteronomy 4 in the FEB

Deuteronomy 4 in the GGMNT

Deuteronomy 4 in the GNT

Deuteronomy 4 in the HARY

Deuteronomy 4 in the HNT

Deuteronomy 4 in the IRVA

Deuteronomy 4 in the IRVB

Deuteronomy 4 in the IRVG

Deuteronomy 4 in the IRVH

Deuteronomy 4 in the IRVK

Deuteronomy 4 in the IRVM

Deuteronomy 4 in the IRVM2

Deuteronomy 4 in the IRVO

Deuteronomy 4 in the IRVP

Deuteronomy 4 in the IRVT

Deuteronomy 4 in the IRVT2

Deuteronomy 4 in the IRVU

Deuteronomy 4 in the ISVN

Deuteronomy 4 in the JSNT

Deuteronomy 4 in the KAPI

Deuteronomy 4 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 4 in the KBV

Deuteronomy 4 in the KJV

Deuteronomy 4 in the KNFD

Deuteronomy 4 in the LBA

Deuteronomy 4 in the LBLA

Deuteronomy 4 in the LNT

Deuteronomy 4 in the LSV

Deuteronomy 4 in the MAAL

Deuteronomy 4 in the MBV

Deuteronomy 4 in the MBV2

Deuteronomy 4 in the MHNT

Deuteronomy 4 in the MKNFD

Deuteronomy 4 in the MNG

Deuteronomy 4 in the MNT

Deuteronomy 4 in the MNT2

Deuteronomy 4 in the MRS1T

Deuteronomy 4 in the NAA

Deuteronomy 4 in the NASB

Deuteronomy 4 in the NBLA

Deuteronomy 4 in the NBS

Deuteronomy 4 in the NBVTP

Deuteronomy 4 in the NET2

Deuteronomy 4 in the NIV11

Deuteronomy 4 in the NNT

Deuteronomy 4 in the NNT2

Deuteronomy 4 in the NNT3

Deuteronomy 4 in the PDDPT

Deuteronomy 4 in the PFNT

Deuteronomy 4 in the RMNT

Deuteronomy 4 in the SBIAS

Deuteronomy 4 in the SBIBS

Deuteronomy 4 in the SBIBS2

Deuteronomy 4 in the SBICS

Deuteronomy 4 in the SBIDS

Deuteronomy 4 in the SBIGS

Deuteronomy 4 in the SBIHS

Deuteronomy 4 in the SBIIS

Deuteronomy 4 in the SBIIS2

Deuteronomy 4 in the SBIIS3

Deuteronomy 4 in the SBIKS

Deuteronomy 4 in the SBIKS2

Deuteronomy 4 in the SBIMS

Deuteronomy 4 in the SBIOS

Deuteronomy 4 in the SBIPS

Deuteronomy 4 in the SBISS

Deuteronomy 4 in the SBITS

Deuteronomy 4 in the SBITS2

Deuteronomy 4 in the SBITS3

Deuteronomy 4 in the SBITS4

Deuteronomy 4 in the SBIUS

Deuteronomy 4 in the SBIVS

Deuteronomy 4 in the SBT

Deuteronomy 4 in the SBT1E

Deuteronomy 4 in the SCHL

Deuteronomy 4 in the SNT

Deuteronomy 4 in the SUSU

Deuteronomy 4 in the SUSU2

Deuteronomy 4 in the SYNO

Deuteronomy 4 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 4 in the TBT1E

Deuteronomy 4 in the TBT1E2

Deuteronomy 4 in the TFTIP

Deuteronomy 4 in the TFTU

Deuteronomy 4 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 4 in the THAI

Deuteronomy 4 in the TNFD

Deuteronomy 4 in the TNT

Deuteronomy 4 in the TNTIK

Deuteronomy 4 in the TNTIL

Deuteronomy 4 in the TNTIN

Deuteronomy 4 in the TNTIP

Deuteronomy 4 in the TNTIZ

Deuteronomy 4 in the TOMA

Deuteronomy 4 in the TTENT

Deuteronomy 4 in the UBG

Deuteronomy 4 in the UGV

Deuteronomy 4 in the UGV2

Deuteronomy 4 in the UGV3

Deuteronomy 4 in the VBL

Deuteronomy 4 in the VDCC

Deuteronomy 4 in the YALU

Deuteronomy 4 in the YAPE

Deuteronomy 4 in the YBVTP

Deuteronomy 4 in the ZBP