Esther 4 (BOSCB)
1 Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazvizora madota, akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. 2 Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. 3 Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota. 4 Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira. 5 Ipapo Esteri akatuma Hataki, mumwe wavaranda vamambo vaimushandira, akamurayira kuti atsvake kuti dambudziko raModhekai raiva rei uye kuti rakanga ravapo nokuda kwei. 6 Saka Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai pachivara cheguta pamberi pesuo ramambo. 7 Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. 8 Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari. 9 Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. 10 Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, 11 “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.” 12 Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, 13 iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. 14 Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” 15 Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, 16 “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.” 17 Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri.
In Other Versions
Esther 4 in the ANGEFD
Esther 4 in the ANTPNG2D
Esther 4 in the AS21
Esther 4 in the BAGH
Esther 4 in the BBPNG
Esther 4 in the BBT1E
Esther 4 in the BDS
Esther 4 in the BEV
Esther 4 in the BHAD
Esther 4 in the BIB
Esther 4 in the BLPT
Esther 4 in the BNT
Esther 4 in the BNTABOOT
Esther 4 in the BNTLV
Esther 4 in the BOATCB
Esther 4 in the BOATCB2
Esther 4 in the BOBCV
Esther 4 in the BOCNT
Esther 4 in the BOECS
Esther 4 in the BOGWICC
Esther 4 in the BOHCB
Esther 4 in the BOHCV
Esther 4 in the BOHLNT
Esther 4 in the BOHNTLTAL
Esther 4 in the BOICB
Esther 4 in the BOILNTAP
Esther 4 in the BOITCV
Esther 4 in the BOKCV
Esther 4 in the BOKCV2
Esther 4 in the BOKHWOG
Esther 4 in the BOKSSV
Esther 4 in the BOLCB
Esther 4 in the BOLCB2
Esther 4 in the BOMCV
Esther 4 in the BONAV
Esther 4 in the BONCB
Esther 4 in the BONLT
Esther 4 in the BONUT2
Esther 4 in the BOPLNT
Esther 4 in the BOSNC
Esther 4 in the BOTLNT
Esther 4 in the BOVCB
Esther 4 in the BOYCB
Esther 4 in the BPBB
Esther 4 in the BPH
Esther 4 in the BSB
Esther 4 in the CCB
Esther 4 in the CUV
Esther 4 in the CUVS
Esther 4 in the DBT
Esther 4 in the DGDNT
Esther 4 in the DHNT
Esther 4 in the DNT
Esther 4 in the ELBE
Esther 4 in the EMTV
Esther 4 in the ESV
Esther 4 in the FBV
Esther 4 in the FEB
Esther 4 in the GGMNT
Esther 4 in the GNT
Esther 4 in the HARY
Esther 4 in the HNT
Esther 4 in the IRVA
Esther 4 in the IRVB
Esther 4 in the IRVG
Esther 4 in the IRVH
Esther 4 in the IRVK
Esther 4 in the IRVM
Esther 4 in the IRVM2
Esther 4 in the IRVO
Esther 4 in the IRVP
Esther 4 in the IRVT
Esther 4 in the IRVT2
Esther 4 in the IRVU
Esther 4 in the ISVN
Esther 4 in the JSNT
Esther 4 in the KAPI
Esther 4 in the KBT1ETNIK
Esther 4 in the KBV
Esther 4 in the KJV
Esther 4 in the KNFD
Esther 4 in the LBA
Esther 4 in the LBLA
Esther 4 in the LNT
Esther 4 in the LSV
Esther 4 in the MAAL
Esther 4 in the MBV
Esther 4 in the MBV2
Esther 4 in the MHNT
Esther 4 in the MKNFD
Esther 4 in the MNG
Esther 4 in the MNT
Esther 4 in the MNT2
Esther 4 in the MRS1T
Esther 4 in the NAA
Esther 4 in the NASB
Esther 4 in the NBLA
Esther 4 in the NBS
Esther 4 in the NBVTP
Esther 4 in the NET2
Esther 4 in the NIV11
Esther 4 in the NNT
Esther 4 in the NNT2
Esther 4 in the NNT3
Esther 4 in the PDDPT
Esther 4 in the PFNT
Esther 4 in the RMNT
Esther 4 in the SBIAS
Esther 4 in the SBIBS
Esther 4 in the SBIBS2
Esther 4 in the SBICS
Esther 4 in the SBIDS
Esther 4 in the SBIGS
Esther 4 in the SBIHS
Esther 4 in the SBIIS
Esther 4 in the SBIIS2
Esther 4 in the SBIIS3
Esther 4 in the SBIKS
Esther 4 in the SBIKS2
Esther 4 in the SBIMS
Esther 4 in the SBIOS
Esther 4 in the SBIPS
Esther 4 in the SBISS
Esther 4 in the SBITS
Esther 4 in the SBITS2
Esther 4 in the SBITS3
Esther 4 in the SBITS4
Esther 4 in the SBIUS
Esther 4 in the SBIVS
Esther 4 in the SBT
Esther 4 in the SBT1E
Esther 4 in the SCHL
Esther 4 in the SNT
Esther 4 in the SUSU
Esther 4 in the SUSU2
Esther 4 in the SYNO
Esther 4 in the TBIAOTANT
Esther 4 in the TBT1E
Esther 4 in the TBT1E2
Esther 4 in the TFTIP
Esther 4 in the TFTU
Esther 4 in the TGNTATF3T
Esther 4 in the THAI
Esther 4 in the TNFD
Esther 4 in the TNT
Esther 4 in the TNTIK
Esther 4 in the TNTIL
Esther 4 in the TNTIN
Esther 4 in the TNTIP
Esther 4 in the TNTIZ
Esther 4 in the TOMA
Esther 4 in the TTENT
Esther 4 in the UBG
Esther 4 in the UGV
Esther 4 in the UGV2
Esther 4 in the UGV3
Esther 4 in the VBL
Esther 4 in the VDCC
Esther 4 in the YALU
Esther 4 in the YAPE
Esther 4 in the YBVTP
Esther 4 in the ZBP