Esther 9 (BOSCB)

1 Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga. 2 VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo. 3 Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai. 4 Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura. 5 VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga. 6 VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani. 7 Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata, 8 Porata, Adharia, Aridhata, 9 Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata, 10 vanakomana gumi vaHamani, mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa. 11 Vakaurayiwa munhare yeShushani vakaziviswa kuna mambo zuva iroro. 12 Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya uye vaparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.” 13 Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.” 14 Saka mambo akarayira kuti izvi zviitwe. Chirevo chakapiwa muShushani, ndokubva vasungirira vanakomana gumi vaHamani. 15 VaJudha vaiva muShushani vakaungana pamwe chete pazuva regumi namana romwedzi waAdhari, uye vakauraya mazana matatu avarume muShushani, asi havana kubata zvakapambwa. 16 Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa. 17 Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro. 18 Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro. 19 Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo. 20 Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure, 21 achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari, 22 senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo. 23 Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai. 24 Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe uye vaparadzwe zvachose. 25 Asi shoko iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. 26 (Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari, 27 vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa. 28 Mazuva aya anofanira kurangarirwa agocherechedzwa, murudzi rumwe norumwe, mumhuri imwe neimwe, munyika imwe neimwe uye nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo. 29 Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu. 30 Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi, 31 kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema. 32 Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku.

In Other Versions

Esther 9 in the ANGEFD

Esther 9 in the ANTPNG2D

Esther 9 in the AS21

Esther 9 in the BAGH

Esther 9 in the BBPNG

Esther 9 in the BBT1E

Esther 9 in the BDS

Esther 9 in the BEV

Esther 9 in the BHAD

Esther 9 in the BIB

Esther 9 in the BLPT

Esther 9 in the BNT

Esther 9 in the BNTABOOT

Esther 9 in the BNTLV

Esther 9 in the BOATCB

Esther 9 in the BOATCB2

Esther 9 in the BOBCV

Esther 9 in the BOCNT

Esther 9 in the BOECS

Esther 9 in the BOGWICC

Esther 9 in the BOHCB

Esther 9 in the BOHCV

Esther 9 in the BOHLNT

Esther 9 in the BOHNTLTAL

Esther 9 in the BOICB

Esther 9 in the BOILNTAP

Esther 9 in the BOITCV

Esther 9 in the BOKCV

Esther 9 in the BOKCV2

Esther 9 in the BOKHWOG

Esther 9 in the BOKSSV

Esther 9 in the BOLCB

Esther 9 in the BOLCB2

Esther 9 in the BOMCV

Esther 9 in the BONAV

Esther 9 in the BONCB

Esther 9 in the BONLT

Esther 9 in the BONUT2

Esther 9 in the BOPLNT

Esther 9 in the BOSNC

Esther 9 in the BOTLNT

Esther 9 in the BOVCB

Esther 9 in the BOYCB

Esther 9 in the BPBB

Esther 9 in the BPH

Esther 9 in the BSB

Esther 9 in the CCB

Esther 9 in the CUV

Esther 9 in the CUVS

Esther 9 in the DBT

Esther 9 in the DGDNT

Esther 9 in the DHNT

Esther 9 in the DNT

Esther 9 in the ELBE

Esther 9 in the EMTV

Esther 9 in the ESV

Esther 9 in the FBV

Esther 9 in the FEB

Esther 9 in the GGMNT

Esther 9 in the GNT

Esther 9 in the HARY

Esther 9 in the HNT

Esther 9 in the IRVA

Esther 9 in the IRVB

Esther 9 in the IRVG

Esther 9 in the IRVH

Esther 9 in the IRVK

Esther 9 in the IRVM

Esther 9 in the IRVM2

Esther 9 in the IRVO

Esther 9 in the IRVP

Esther 9 in the IRVT

Esther 9 in the IRVT2

Esther 9 in the IRVU

Esther 9 in the ISVN

Esther 9 in the JSNT

Esther 9 in the KAPI

Esther 9 in the KBT1ETNIK

Esther 9 in the KBV

Esther 9 in the KJV

Esther 9 in the KNFD

Esther 9 in the LBA

Esther 9 in the LBLA

Esther 9 in the LNT

Esther 9 in the LSV

Esther 9 in the MAAL

Esther 9 in the MBV

Esther 9 in the MBV2

Esther 9 in the MHNT

Esther 9 in the MKNFD

Esther 9 in the MNG

Esther 9 in the MNT

Esther 9 in the MNT2

Esther 9 in the MRS1T

Esther 9 in the NAA

Esther 9 in the NASB

Esther 9 in the NBLA

Esther 9 in the NBS

Esther 9 in the NBVTP

Esther 9 in the NET2

Esther 9 in the NIV11

Esther 9 in the NNT

Esther 9 in the NNT2

Esther 9 in the NNT3

Esther 9 in the PDDPT

Esther 9 in the PFNT

Esther 9 in the RMNT

Esther 9 in the SBIAS

Esther 9 in the SBIBS

Esther 9 in the SBIBS2

Esther 9 in the SBICS

Esther 9 in the SBIDS

Esther 9 in the SBIGS

Esther 9 in the SBIHS

Esther 9 in the SBIIS

Esther 9 in the SBIIS2

Esther 9 in the SBIIS3

Esther 9 in the SBIKS

Esther 9 in the SBIKS2

Esther 9 in the SBIMS

Esther 9 in the SBIOS

Esther 9 in the SBIPS

Esther 9 in the SBISS

Esther 9 in the SBITS

Esther 9 in the SBITS2

Esther 9 in the SBITS3

Esther 9 in the SBITS4

Esther 9 in the SBIUS

Esther 9 in the SBIVS

Esther 9 in the SBT

Esther 9 in the SBT1E

Esther 9 in the SCHL

Esther 9 in the SNT

Esther 9 in the SUSU

Esther 9 in the SUSU2

Esther 9 in the SYNO

Esther 9 in the TBIAOTANT

Esther 9 in the TBT1E

Esther 9 in the TBT1E2

Esther 9 in the TFTIP

Esther 9 in the TFTU

Esther 9 in the TGNTATF3T

Esther 9 in the THAI

Esther 9 in the TNFD

Esther 9 in the TNT

Esther 9 in the TNTIK

Esther 9 in the TNTIL

Esther 9 in the TNTIN

Esther 9 in the TNTIP

Esther 9 in the TNTIZ

Esther 9 in the TOMA

Esther 9 in the TTENT

Esther 9 in the UBG

Esther 9 in the UGV

Esther 9 in the UGV2

Esther 9 in the UGV3

Esther 9 in the VBL

Esther 9 in the VDCC

Esther 9 in the YALU

Esther 9 in the YAPE

Esther 9 in the YBVTP

Esther 9 in the ZBP