Genesis 30 (BOSCB)

1 Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!” 2 Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?” 3 Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.” 4 Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye, 5 akava nemimba akamuberekera mwanakomana. 6 Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani. 7 Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. 8 Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari. 9 Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake. 10 Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana. 11 Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi. 12 Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. 13 Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri. 14 Panguva yokuchekwa kwegorosi, Rubheni akabuda akaenda musango akandowana mamandiraki, akauya nawo kuna mai vake Rea, Rakeri akati kuna Rea, “Ndapota dondipawo mamwe mamandiraki omwanakomana wako.” 15 Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?”Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.” 16 Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo. 17 Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu. 18 Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari. 19 Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu. 20 Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni. 21 Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina. 22 Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake. 23 Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.” 24 Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.” 25 Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu. 26 Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.” 27 Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.” 28 Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.” 29 Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei. 30 Zvishoma zvamaiva nazvo kare ndisati ndauya zvawanda, uye Jehovha akakuropafadzai kwose kwandakanga ndiri. Asi zvino, ndichaitirawo mhuri yangu chinhu riniko?” 31 Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?”Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta: 32 Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu. 33 Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.” 34 Rabhani akati, “Ndizvozvo. Ngazvive sezvawataura.” 35 Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake. 36 Ipapo akaisa nhambwe yorwendo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho, asi Jakobho akaramba achifudza makwai akanga asara aRabhani. 37 Kunyange zvakadaro, Jakobho akatora matavi akatemwa kubva pamupopura, muarimondi nomuti womupureni uye akasvuura mitsetse michena pairi achibvisa gwati kuti kuchena kwedanda kwomukati kuonekwe. 38 Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura, 39 zvaisangana pamberi pamatanda. Uye zvaibereka vana vane mitsetse kana vane mavara kana makwapa. 40 Jakobho aitsaura mbudzana kana makwayana oga, asi aiita kuti akasara atarisane nezvipfuwo zvine mitsetse nezvipfuwo zvitema zvakanga zviri zvaRabhani. Nokudaro akaparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani. 41 Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda, 42 asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho. 43 Nenzira iyi murume uyu akapfuma kwazvo uye akava namapoka akawanda amakwai, navarandakadzi navarandarume, uye ngamera nembongoro.

In Other Versions

Genesis 30 in the ANGEFD

Genesis 30 in the ANTPNG2D

Genesis 30 in the AS21

Genesis 30 in the BAGH

Genesis 30 in the BBPNG

Genesis 30 in the BBT1E

Genesis 30 in the BDS

Genesis 30 in the BEV

Genesis 30 in the BHAD

Genesis 30 in the BIB

Genesis 30 in the BLPT

Genesis 30 in the BNT

Genesis 30 in the BNTABOOT

Genesis 30 in the BNTLV

Genesis 30 in the BOATCB

Genesis 30 in the BOATCB2

Genesis 30 in the BOBCV

Genesis 30 in the BOCNT

Genesis 30 in the BOECS

Genesis 30 in the BOGWICC

Genesis 30 in the BOHCB

Genesis 30 in the BOHCV

Genesis 30 in the BOHLNT

Genesis 30 in the BOHNTLTAL

Genesis 30 in the BOICB

Genesis 30 in the BOILNTAP

Genesis 30 in the BOITCV

Genesis 30 in the BOKCV

Genesis 30 in the BOKCV2

Genesis 30 in the BOKHWOG

Genesis 30 in the BOKSSV

Genesis 30 in the BOLCB

Genesis 30 in the BOLCB2

Genesis 30 in the BOMCV

Genesis 30 in the BONAV

Genesis 30 in the BONCB

Genesis 30 in the BONLT

Genesis 30 in the BONUT2

Genesis 30 in the BOPLNT

Genesis 30 in the BOSNC

Genesis 30 in the BOTLNT

Genesis 30 in the BOVCB

Genesis 30 in the BOYCB

Genesis 30 in the BPBB

Genesis 30 in the BPH

Genesis 30 in the BSB

Genesis 30 in the CCB

Genesis 30 in the CUV

Genesis 30 in the CUVS

Genesis 30 in the DBT

Genesis 30 in the DGDNT

Genesis 30 in the DHNT

Genesis 30 in the DNT

Genesis 30 in the ELBE

Genesis 30 in the EMTV

Genesis 30 in the ESV

Genesis 30 in the FBV

Genesis 30 in the FEB

Genesis 30 in the GGMNT

Genesis 30 in the GNT

Genesis 30 in the HARY

Genesis 30 in the HNT

Genesis 30 in the IRVA

Genesis 30 in the IRVB

Genesis 30 in the IRVG

Genesis 30 in the IRVH

Genesis 30 in the IRVK

Genesis 30 in the IRVM

Genesis 30 in the IRVM2

Genesis 30 in the IRVO

Genesis 30 in the IRVP

Genesis 30 in the IRVT

Genesis 30 in the IRVT2

Genesis 30 in the IRVU

Genesis 30 in the ISVN

Genesis 30 in the JSNT

Genesis 30 in the KAPI

Genesis 30 in the KBT1ETNIK

Genesis 30 in the KBV

Genesis 30 in the KJV

Genesis 30 in the KNFD

Genesis 30 in the LBA

Genesis 30 in the LBLA

Genesis 30 in the LNT

Genesis 30 in the LSV

Genesis 30 in the MAAL

Genesis 30 in the MBV

Genesis 30 in the MBV2

Genesis 30 in the MHNT

Genesis 30 in the MKNFD

Genesis 30 in the MNG

Genesis 30 in the MNT

Genesis 30 in the MNT2

Genesis 30 in the MRS1T

Genesis 30 in the NAA

Genesis 30 in the NASB

Genesis 30 in the NBLA

Genesis 30 in the NBS

Genesis 30 in the NBVTP

Genesis 30 in the NET2

Genesis 30 in the NIV11

Genesis 30 in the NNT

Genesis 30 in the NNT2

Genesis 30 in the NNT3

Genesis 30 in the PDDPT

Genesis 30 in the PFNT

Genesis 30 in the RMNT

Genesis 30 in the SBIAS

Genesis 30 in the SBIBS

Genesis 30 in the SBIBS2

Genesis 30 in the SBICS

Genesis 30 in the SBIDS

Genesis 30 in the SBIGS

Genesis 30 in the SBIHS

Genesis 30 in the SBIIS

Genesis 30 in the SBIIS2

Genesis 30 in the SBIIS3

Genesis 30 in the SBIKS

Genesis 30 in the SBIKS2

Genesis 30 in the SBIMS

Genesis 30 in the SBIOS

Genesis 30 in the SBIPS

Genesis 30 in the SBISS

Genesis 30 in the SBITS

Genesis 30 in the SBITS2

Genesis 30 in the SBITS3

Genesis 30 in the SBITS4

Genesis 30 in the SBIUS

Genesis 30 in the SBIVS

Genesis 30 in the SBT

Genesis 30 in the SBT1E

Genesis 30 in the SCHL

Genesis 30 in the SNT

Genesis 30 in the SUSU

Genesis 30 in the SUSU2

Genesis 30 in the SYNO

Genesis 30 in the TBIAOTANT

Genesis 30 in the TBT1E

Genesis 30 in the TBT1E2

Genesis 30 in the TFTIP

Genesis 30 in the TFTU

Genesis 30 in the TGNTATF3T

Genesis 30 in the THAI

Genesis 30 in the TNFD

Genesis 30 in the TNT

Genesis 30 in the TNTIK

Genesis 30 in the TNTIL

Genesis 30 in the TNTIN

Genesis 30 in the TNTIP

Genesis 30 in the TNTIZ

Genesis 30 in the TOMA

Genesis 30 in the TTENT

Genesis 30 in the UBG

Genesis 30 in the UGV

Genesis 30 in the UGV2

Genesis 30 in the UGV3

Genesis 30 in the VBL

Genesis 30 in the VDCC

Genesis 30 in the YALU

Genesis 30 in the YAPE

Genesis 30 in the YBVTP

Genesis 30 in the ZBP