Leviticus 16 (BOSCB)

1 Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha. 2 Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paareka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha. 3 “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. 4 Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka. 5 Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. 6 “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. 7 Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. 8 Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. 9 Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. 10 Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa. 11 “Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi. 12 Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro. 13 Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa. 14 Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha. 15 “Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho. 16 Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo. 17 Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri. 18 “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari. 19 Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri. 20 “Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu. 21 Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. 22 Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje. 23 “Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya imomo. 24 Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu. 25 Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari. 26 “Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. 27 Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa. 28 Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. 29 “Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu, 30 nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose. 31 Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi. 32 Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene 33 agoyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano. 34 “Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.”Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

In Other Versions

Leviticus 16 in the ANGEFD

Leviticus 16 in the ANTPNG2D

Leviticus 16 in the AS21

Leviticus 16 in the BAGH

Leviticus 16 in the BBPNG

Leviticus 16 in the BBT1E

Leviticus 16 in the BDS

Leviticus 16 in the BEV

Leviticus 16 in the BHAD

Leviticus 16 in the BIB

Leviticus 16 in the BLPT

Leviticus 16 in the BNT

Leviticus 16 in the BNTABOOT

Leviticus 16 in the BNTLV

Leviticus 16 in the BOATCB

Leviticus 16 in the BOATCB2

Leviticus 16 in the BOBCV

Leviticus 16 in the BOCNT

Leviticus 16 in the BOECS

Leviticus 16 in the BOGWICC

Leviticus 16 in the BOHCB

Leviticus 16 in the BOHCV

Leviticus 16 in the BOHLNT

Leviticus 16 in the BOHNTLTAL

Leviticus 16 in the BOICB

Leviticus 16 in the BOILNTAP

Leviticus 16 in the BOITCV

Leviticus 16 in the BOKCV

Leviticus 16 in the BOKCV2

Leviticus 16 in the BOKHWOG

Leviticus 16 in the BOKSSV

Leviticus 16 in the BOLCB

Leviticus 16 in the BOLCB2

Leviticus 16 in the BOMCV

Leviticus 16 in the BONAV

Leviticus 16 in the BONCB

Leviticus 16 in the BONLT

Leviticus 16 in the BONUT2

Leviticus 16 in the BOPLNT

Leviticus 16 in the BOSNC

Leviticus 16 in the BOTLNT

Leviticus 16 in the BOVCB

Leviticus 16 in the BOYCB

Leviticus 16 in the BPBB

Leviticus 16 in the BPH

Leviticus 16 in the BSB

Leviticus 16 in the CCB

Leviticus 16 in the CUV

Leviticus 16 in the CUVS

Leviticus 16 in the DBT

Leviticus 16 in the DGDNT

Leviticus 16 in the DHNT

Leviticus 16 in the DNT

Leviticus 16 in the ELBE

Leviticus 16 in the EMTV

Leviticus 16 in the ESV

Leviticus 16 in the FBV

Leviticus 16 in the FEB

Leviticus 16 in the GGMNT

Leviticus 16 in the GNT

Leviticus 16 in the HARY

Leviticus 16 in the HNT

Leviticus 16 in the IRVA

Leviticus 16 in the IRVB

Leviticus 16 in the IRVG

Leviticus 16 in the IRVH

Leviticus 16 in the IRVK

Leviticus 16 in the IRVM

Leviticus 16 in the IRVM2

Leviticus 16 in the IRVO

Leviticus 16 in the IRVP

Leviticus 16 in the IRVT

Leviticus 16 in the IRVT2

Leviticus 16 in the IRVU

Leviticus 16 in the ISVN

Leviticus 16 in the JSNT

Leviticus 16 in the KAPI

Leviticus 16 in the KBT1ETNIK

Leviticus 16 in the KBV

Leviticus 16 in the KJV

Leviticus 16 in the KNFD

Leviticus 16 in the LBA

Leviticus 16 in the LBLA

Leviticus 16 in the LNT

Leviticus 16 in the LSV

Leviticus 16 in the MAAL

Leviticus 16 in the MBV

Leviticus 16 in the MBV2

Leviticus 16 in the MHNT

Leviticus 16 in the MKNFD

Leviticus 16 in the MNG

Leviticus 16 in the MNT

Leviticus 16 in the MNT2

Leviticus 16 in the MRS1T

Leviticus 16 in the NAA

Leviticus 16 in the NASB

Leviticus 16 in the NBLA

Leviticus 16 in the NBS

Leviticus 16 in the NBVTP

Leviticus 16 in the NET2

Leviticus 16 in the NIV11

Leviticus 16 in the NNT

Leviticus 16 in the NNT2

Leviticus 16 in the NNT3

Leviticus 16 in the PDDPT

Leviticus 16 in the PFNT

Leviticus 16 in the RMNT

Leviticus 16 in the SBIAS

Leviticus 16 in the SBIBS

Leviticus 16 in the SBIBS2

Leviticus 16 in the SBICS

Leviticus 16 in the SBIDS

Leviticus 16 in the SBIGS

Leviticus 16 in the SBIHS

Leviticus 16 in the SBIIS

Leviticus 16 in the SBIIS2

Leviticus 16 in the SBIIS3

Leviticus 16 in the SBIKS

Leviticus 16 in the SBIKS2

Leviticus 16 in the SBIMS

Leviticus 16 in the SBIOS

Leviticus 16 in the SBIPS

Leviticus 16 in the SBISS

Leviticus 16 in the SBITS

Leviticus 16 in the SBITS2

Leviticus 16 in the SBITS3

Leviticus 16 in the SBITS4

Leviticus 16 in the SBIUS

Leviticus 16 in the SBIVS

Leviticus 16 in the SBT

Leviticus 16 in the SBT1E

Leviticus 16 in the SCHL

Leviticus 16 in the SNT

Leviticus 16 in the SUSU

Leviticus 16 in the SUSU2

Leviticus 16 in the SYNO

Leviticus 16 in the TBIAOTANT

Leviticus 16 in the TBT1E

Leviticus 16 in the TBT1E2

Leviticus 16 in the TFTIP

Leviticus 16 in the TFTU

Leviticus 16 in the TGNTATF3T

Leviticus 16 in the THAI

Leviticus 16 in the TNFD

Leviticus 16 in the TNT

Leviticus 16 in the TNTIK

Leviticus 16 in the TNTIL

Leviticus 16 in the TNTIN

Leviticus 16 in the TNTIP

Leviticus 16 in the TNTIZ

Leviticus 16 in the TOMA

Leviticus 16 in the TTENT

Leviticus 16 in the UBG

Leviticus 16 in the UGV

Leviticus 16 in the UGV2

Leviticus 16 in the UGV3

Leviticus 16 in the VBL

Leviticus 16 in the VDCC

Leviticus 16 in the YALU

Leviticus 16 in the YAPE

Leviticus 16 in the YBVTP

Leviticus 16 in the ZBP