Numbers 29 (BOSCB)

1 “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda. 2 Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha. 3 Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 4 pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire. 6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza. 7 “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa. 8 Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara. 9 Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. 12 “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe. 13 Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara. 14 Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi, 15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi. 16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa. 17 “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara. 18 Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 19 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. 20 “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 21 Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 22 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. 23 “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 24 Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 25 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa. 26 “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 27 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 28 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. 29 “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara. 30 Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 31 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. 32 “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 33 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 34 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa. 35 “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose. 36 Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 37 Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa. 38 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. 39 “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ” 40 Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.

In Other Versions

Numbers 29 in the ANGEFD

Numbers 29 in the ANTPNG2D

Numbers 29 in the AS21

Numbers 29 in the BAGH

Numbers 29 in the BBPNG

Numbers 29 in the BBT1E

Numbers 29 in the BDS

Numbers 29 in the BEV

Numbers 29 in the BHAD

Numbers 29 in the BIB

Numbers 29 in the BLPT

Numbers 29 in the BNT

Numbers 29 in the BNTABOOT

Numbers 29 in the BNTLV

Numbers 29 in the BOATCB

Numbers 29 in the BOATCB2

Numbers 29 in the BOBCV

Numbers 29 in the BOCNT

Numbers 29 in the BOECS

Numbers 29 in the BOGWICC

Numbers 29 in the BOHCB

Numbers 29 in the BOHCV

Numbers 29 in the BOHLNT

Numbers 29 in the BOHNTLTAL

Numbers 29 in the BOICB

Numbers 29 in the BOILNTAP

Numbers 29 in the BOITCV

Numbers 29 in the BOKCV

Numbers 29 in the BOKCV2

Numbers 29 in the BOKHWOG

Numbers 29 in the BOKSSV

Numbers 29 in the BOLCB

Numbers 29 in the BOLCB2

Numbers 29 in the BOMCV

Numbers 29 in the BONAV

Numbers 29 in the BONCB

Numbers 29 in the BONLT

Numbers 29 in the BONUT2

Numbers 29 in the BOPLNT

Numbers 29 in the BOSNC

Numbers 29 in the BOTLNT

Numbers 29 in the BOVCB

Numbers 29 in the BOYCB

Numbers 29 in the BPBB

Numbers 29 in the BPH

Numbers 29 in the BSB

Numbers 29 in the CCB

Numbers 29 in the CUV

Numbers 29 in the CUVS

Numbers 29 in the DBT

Numbers 29 in the DGDNT

Numbers 29 in the DHNT

Numbers 29 in the DNT

Numbers 29 in the ELBE

Numbers 29 in the EMTV

Numbers 29 in the ESV

Numbers 29 in the FBV

Numbers 29 in the FEB

Numbers 29 in the GGMNT

Numbers 29 in the GNT

Numbers 29 in the HARY

Numbers 29 in the HNT

Numbers 29 in the IRVA

Numbers 29 in the IRVB

Numbers 29 in the IRVG

Numbers 29 in the IRVH

Numbers 29 in the IRVK

Numbers 29 in the IRVM

Numbers 29 in the IRVM2

Numbers 29 in the IRVO

Numbers 29 in the IRVP

Numbers 29 in the IRVT

Numbers 29 in the IRVT2

Numbers 29 in the IRVU

Numbers 29 in the ISVN

Numbers 29 in the JSNT

Numbers 29 in the KAPI

Numbers 29 in the KBT1ETNIK

Numbers 29 in the KBV

Numbers 29 in the KJV

Numbers 29 in the KNFD

Numbers 29 in the LBA

Numbers 29 in the LBLA

Numbers 29 in the LNT

Numbers 29 in the LSV

Numbers 29 in the MAAL

Numbers 29 in the MBV

Numbers 29 in the MBV2

Numbers 29 in the MHNT

Numbers 29 in the MKNFD

Numbers 29 in the MNG

Numbers 29 in the MNT

Numbers 29 in the MNT2

Numbers 29 in the MRS1T

Numbers 29 in the NAA

Numbers 29 in the NASB

Numbers 29 in the NBLA

Numbers 29 in the NBS

Numbers 29 in the NBVTP

Numbers 29 in the NET2

Numbers 29 in the NIV11

Numbers 29 in the NNT

Numbers 29 in the NNT2

Numbers 29 in the NNT3

Numbers 29 in the PDDPT

Numbers 29 in the PFNT

Numbers 29 in the RMNT

Numbers 29 in the SBIAS

Numbers 29 in the SBIBS

Numbers 29 in the SBIBS2

Numbers 29 in the SBICS

Numbers 29 in the SBIDS

Numbers 29 in the SBIGS

Numbers 29 in the SBIHS

Numbers 29 in the SBIIS

Numbers 29 in the SBIIS2

Numbers 29 in the SBIIS3

Numbers 29 in the SBIKS

Numbers 29 in the SBIKS2

Numbers 29 in the SBIMS

Numbers 29 in the SBIOS

Numbers 29 in the SBIPS

Numbers 29 in the SBISS

Numbers 29 in the SBITS

Numbers 29 in the SBITS2

Numbers 29 in the SBITS3

Numbers 29 in the SBITS4

Numbers 29 in the SBIUS

Numbers 29 in the SBIVS

Numbers 29 in the SBT

Numbers 29 in the SBT1E

Numbers 29 in the SCHL

Numbers 29 in the SNT

Numbers 29 in the SUSU

Numbers 29 in the SUSU2

Numbers 29 in the SYNO

Numbers 29 in the TBIAOTANT

Numbers 29 in the TBT1E

Numbers 29 in the TBT1E2

Numbers 29 in the TFTIP

Numbers 29 in the TFTU

Numbers 29 in the TGNTATF3T

Numbers 29 in the THAI

Numbers 29 in the TNFD

Numbers 29 in the TNT

Numbers 29 in the TNTIK

Numbers 29 in the TNTIL

Numbers 29 in the TNTIN

Numbers 29 in the TNTIP

Numbers 29 in the TNTIZ

Numbers 29 in the TOMA

Numbers 29 in the TTENT

Numbers 29 in the UBG

Numbers 29 in the UGV

Numbers 29 in the UGV2

Numbers 29 in the UGV3

Numbers 29 in the VBL

Numbers 29 in the VDCC

Numbers 29 in the YALU

Numbers 29 in the YAPE

Numbers 29 in the YBVTP

Numbers 29 in the ZBP