Psalms 112 (BOSCB)
1 Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,anofarira mirayiro yake zvikuru. 2 Vana vake vachava nesimba panyika;zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa. 3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama. 5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinjiuye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira. 6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi. 7 Haangatyi mashoko akaipa;mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha. 8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake. 9 Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,kururama kwake kunogara nokusingaperi;runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa. 10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa,acharumanya meno ake uye achaonda;kushuva kwowakaipa kuchava pasina.