Psalms 4 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndipindurei pandinodana kwamuri,imi Mwari wangu makarurama.Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu. 2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera 3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari. 4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;pamunenge muri pamibhedha yenyu,nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera 5 Ipai zvibayiro zvakaruramauye muvimbe naJehovha. 6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha. 7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukurukupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda. 8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,nokuti imi moga, Jehovha,munoita kuti ndigare pakasimba.