1 Samuel 1 (BOSCB)

1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. 2 Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina. 3 Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha. 4 Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose. 5 Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake. 6 Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise. 7 Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya. 8 Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?” 9 Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha. 10 Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha. 11 Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.” 12 Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake. 13 Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa, 14 akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.” 15 Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha. 16 Musatora muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.” 17 Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.” 18 Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara. 19 Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira. 20 Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.” 21 Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake, 22 Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.” 23 Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura. 24 Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefa youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro. 25 Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri, 26 uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha. 27 Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira. 28 Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo.

In Other Versions

1 Samuel 1 in the ANGEFD

1 Samuel 1 in the ANTPNG2D

1 Samuel 1 in the AS21

1 Samuel 1 in the BAGH

1 Samuel 1 in the BBPNG

1 Samuel 1 in the BBT1E

1 Samuel 1 in the BDS

1 Samuel 1 in the BEV

1 Samuel 1 in the BHAD

1 Samuel 1 in the BIB

1 Samuel 1 in the BLPT

1 Samuel 1 in the BNT

1 Samuel 1 in the BNTABOOT

1 Samuel 1 in the BNTLV

1 Samuel 1 in the BOATCB

1 Samuel 1 in the BOATCB2

1 Samuel 1 in the BOBCV

1 Samuel 1 in the BOCNT

1 Samuel 1 in the BOECS

1 Samuel 1 in the BOGWICC

1 Samuel 1 in the BOHCB

1 Samuel 1 in the BOHCV

1 Samuel 1 in the BOHLNT

1 Samuel 1 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 1 in the BOICB

1 Samuel 1 in the BOILNTAP

1 Samuel 1 in the BOITCV

1 Samuel 1 in the BOKCV

1 Samuel 1 in the BOKCV2

1 Samuel 1 in the BOKHWOG

1 Samuel 1 in the BOKSSV

1 Samuel 1 in the BOLCB

1 Samuel 1 in the BOLCB2

1 Samuel 1 in the BOMCV

1 Samuel 1 in the BONAV

1 Samuel 1 in the BONCB

1 Samuel 1 in the BONLT

1 Samuel 1 in the BONUT2

1 Samuel 1 in the BOPLNT

1 Samuel 1 in the BOSNC

1 Samuel 1 in the BOTLNT

1 Samuel 1 in the BOVCB

1 Samuel 1 in the BOYCB

1 Samuel 1 in the BPBB

1 Samuel 1 in the BPH

1 Samuel 1 in the BSB

1 Samuel 1 in the CCB

1 Samuel 1 in the CUV

1 Samuel 1 in the CUVS

1 Samuel 1 in the DBT

1 Samuel 1 in the DGDNT

1 Samuel 1 in the DHNT

1 Samuel 1 in the DNT

1 Samuel 1 in the ELBE

1 Samuel 1 in the EMTV

1 Samuel 1 in the ESV

1 Samuel 1 in the FBV

1 Samuel 1 in the FEB

1 Samuel 1 in the GGMNT

1 Samuel 1 in the GNT

1 Samuel 1 in the HARY

1 Samuel 1 in the HNT

1 Samuel 1 in the IRVA

1 Samuel 1 in the IRVB

1 Samuel 1 in the IRVG

1 Samuel 1 in the IRVH

1 Samuel 1 in the IRVK

1 Samuel 1 in the IRVM

1 Samuel 1 in the IRVM2

1 Samuel 1 in the IRVO

1 Samuel 1 in the IRVP

1 Samuel 1 in the IRVT

1 Samuel 1 in the IRVT2

1 Samuel 1 in the IRVU

1 Samuel 1 in the ISVN

1 Samuel 1 in the JSNT

1 Samuel 1 in the KAPI

1 Samuel 1 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 1 in the KBV

1 Samuel 1 in the KJV

1 Samuel 1 in the KNFD

1 Samuel 1 in the LBA

1 Samuel 1 in the LBLA

1 Samuel 1 in the LNT

1 Samuel 1 in the LSV

1 Samuel 1 in the MAAL

1 Samuel 1 in the MBV

1 Samuel 1 in the MBV2

1 Samuel 1 in the MHNT

1 Samuel 1 in the MKNFD

1 Samuel 1 in the MNG

1 Samuel 1 in the MNT

1 Samuel 1 in the MNT2

1 Samuel 1 in the MRS1T

1 Samuel 1 in the NAA

1 Samuel 1 in the NASB

1 Samuel 1 in the NBLA

1 Samuel 1 in the NBS

1 Samuel 1 in the NBVTP

1 Samuel 1 in the NET2

1 Samuel 1 in the NIV11

1 Samuel 1 in the NNT

1 Samuel 1 in the NNT2

1 Samuel 1 in the NNT3

1 Samuel 1 in the PDDPT

1 Samuel 1 in the PFNT

1 Samuel 1 in the RMNT

1 Samuel 1 in the SBIAS

1 Samuel 1 in the SBIBS

1 Samuel 1 in the SBIBS2

1 Samuel 1 in the SBICS

1 Samuel 1 in the SBIDS

1 Samuel 1 in the SBIGS

1 Samuel 1 in the SBIHS

1 Samuel 1 in the SBIIS

1 Samuel 1 in the SBIIS2

1 Samuel 1 in the SBIIS3

1 Samuel 1 in the SBIKS

1 Samuel 1 in the SBIKS2

1 Samuel 1 in the SBIMS

1 Samuel 1 in the SBIOS

1 Samuel 1 in the SBIPS

1 Samuel 1 in the SBISS

1 Samuel 1 in the SBITS

1 Samuel 1 in the SBITS2

1 Samuel 1 in the SBITS3

1 Samuel 1 in the SBITS4

1 Samuel 1 in the SBIUS

1 Samuel 1 in the SBIVS

1 Samuel 1 in the SBT

1 Samuel 1 in the SBT1E

1 Samuel 1 in the SCHL

1 Samuel 1 in the SNT

1 Samuel 1 in the SUSU

1 Samuel 1 in the SUSU2

1 Samuel 1 in the SYNO

1 Samuel 1 in the TBIAOTANT

1 Samuel 1 in the TBT1E

1 Samuel 1 in the TBT1E2

1 Samuel 1 in the TFTIP

1 Samuel 1 in the TFTU

1 Samuel 1 in the TGNTATF3T

1 Samuel 1 in the THAI

1 Samuel 1 in the TNFD

1 Samuel 1 in the TNT

1 Samuel 1 in the TNTIK

1 Samuel 1 in the TNTIL

1 Samuel 1 in the TNTIN

1 Samuel 1 in the TNTIP

1 Samuel 1 in the TNTIZ

1 Samuel 1 in the TOMA

1 Samuel 1 in the TTENT

1 Samuel 1 in the UBG

1 Samuel 1 in the UGV

1 Samuel 1 in the UGV2

1 Samuel 1 in the UGV3

1 Samuel 1 in the VBL

1 Samuel 1 in the VDCC

1 Samuel 1 in the YALU

1 Samuel 1 in the YAPE

1 Samuel 1 in the YBVTP

1 Samuel 1 in the ZBP