1 Samuel 17 (BOSCB)

1 Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka. 2 Sauro navaIsraeri vakaungana vakadzika musasa mumupata weEra, vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia. 3 VaFiristia vakatora chimwe chikomo, vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata. 4 Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatu. 5 Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanu; 6 pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake. 7 Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatu. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake. 8 Goriati akamira akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handisi muFiristia, uye imi hamusi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri. 9 Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.” 10 Ipapo muFiristia akati, “Nhasi ndiri kudenha hondo dzavaIsraeri! Ndipei murume kuti tirwe.” 11 Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya. 12 Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana womuEfurata ainzi Jese, uyo akanga achibva kuBheterehema reJudha. Jese akanga ana vanakomana vasere, uye pamazuva aSauro akanga ava mutana, akwegura, ava namakore mazhinji. 13 Vanakomana vaJese vakuru vatatu vakanga vatevera Sauro kuhondo: Wokutanga akanga ari Eriabhi; wechipiri, Abhinadhabhi; uye wechitatu, Shama. 14 Dhavhidhi ndiye akanga ari muduku kuna vose. Vakuru vatatu ava vakatevera Sauro, 15 Asi Dhavhidhi aimbobva kuna Sauro achidzokera kundofudza makwai ababa vake kuBheterehema. 16 Kwamazuva makumi mana, muFiristia akauya pamberi mangwanani oga oga namadekwana akamira. 17 Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efa iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo. 18 Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari. 19 Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.” 20 Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo, 21 VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana. 22 Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake. 23 Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa. 24 VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru. 25 Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.” 26 Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu agobvisa chinyadziso ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?” 27 Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vachitaura vakati kwaari, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.” 28 Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.” 29 Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” 30 Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. 31 Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana. 32 Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.” 33 Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.” 34 Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, 35 ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. 36 Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. 37 Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.”Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” 38 Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. 39 Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira.Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. 40 Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia. 41 Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. 42 Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. 43 Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri nezvimiti?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. 44 Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!” 45 Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. 46 Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. 47 Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.” 48 MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. 49 Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake. 50 Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake. 51 Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo.VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza. 52 Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakaenda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi. 53 VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo. 54 Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake. 55 Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?”Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.” 56 Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?” 57 Dhavhidhi akati achangobva kundouraya muFiristia, Abhineri akamutora akamuendesa pamberi paSauro, Dhavhidhi achakangobata musoro womuFiristia. 58 Sauro akamubvunza akati, “Uri mwanakomana waaniko, nhai mujaya?”Dhavhidhi akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese wokuBheterehema.”

In Other Versions

1 Samuel 17 in the ANGEFD

1 Samuel 17 in the ANTPNG2D

1 Samuel 17 in the AS21

1 Samuel 17 in the BAGH

1 Samuel 17 in the BBPNG

1 Samuel 17 in the BBT1E

1 Samuel 17 in the BDS

1 Samuel 17 in the BEV

1 Samuel 17 in the BHAD

1 Samuel 17 in the BIB

1 Samuel 17 in the BLPT

1 Samuel 17 in the BNT

1 Samuel 17 in the BNTABOOT

1 Samuel 17 in the BNTLV

1 Samuel 17 in the BOATCB

1 Samuel 17 in the BOATCB2

1 Samuel 17 in the BOBCV

1 Samuel 17 in the BOCNT

1 Samuel 17 in the BOECS

1 Samuel 17 in the BOGWICC

1 Samuel 17 in the BOHCB

1 Samuel 17 in the BOHCV

1 Samuel 17 in the BOHLNT

1 Samuel 17 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 17 in the BOICB

1 Samuel 17 in the BOILNTAP

1 Samuel 17 in the BOITCV

1 Samuel 17 in the BOKCV

1 Samuel 17 in the BOKCV2

1 Samuel 17 in the BOKHWOG

1 Samuel 17 in the BOKSSV

1 Samuel 17 in the BOLCB

1 Samuel 17 in the BOLCB2

1 Samuel 17 in the BOMCV

1 Samuel 17 in the BONAV

1 Samuel 17 in the BONCB

1 Samuel 17 in the BONLT

1 Samuel 17 in the BONUT2

1 Samuel 17 in the BOPLNT

1 Samuel 17 in the BOSNC

1 Samuel 17 in the BOTLNT

1 Samuel 17 in the BOVCB

1 Samuel 17 in the BOYCB

1 Samuel 17 in the BPBB

1 Samuel 17 in the BPH

1 Samuel 17 in the BSB

1 Samuel 17 in the CCB

1 Samuel 17 in the CUV

1 Samuel 17 in the CUVS

1 Samuel 17 in the DBT

1 Samuel 17 in the DGDNT

1 Samuel 17 in the DHNT

1 Samuel 17 in the DNT

1 Samuel 17 in the ELBE

1 Samuel 17 in the EMTV

1 Samuel 17 in the ESV

1 Samuel 17 in the FBV

1 Samuel 17 in the FEB

1 Samuel 17 in the GGMNT

1 Samuel 17 in the GNT

1 Samuel 17 in the HARY

1 Samuel 17 in the HNT

1 Samuel 17 in the IRVA

1 Samuel 17 in the IRVB

1 Samuel 17 in the IRVG

1 Samuel 17 in the IRVH

1 Samuel 17 in the IRVK

1 Samuel 17 in the IRVM

1 Samuel 17 in the IRVM2

1 Samuel 17 in the IRVO

1 Samuel 17 in the IRVP

1 Samuel 17 in the IRVT

1 Samuel 17 in the IRVT2

1 Samuel 17 in the IRVU

1 Samuel 17 in the ISVN

1 Samuel 17 in the JSNT

1 Samuel 17 in the KAPI

1 Samuel 17 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 17 in the KBV

1 Samuel 17 in the KJV

1 Samuel 17 in the KNFD

1 Samuel 17 in the LBA

1 Samuel 17 in the LBLA

1 Samuel 17 in the LNT

1 Samuel 17 in the LSV

1 Samuel 17 in the MAAL

1 Samuel 17 in the MBV

1 Samuel 17 in the MBV2

1 Samuel 17 in the MHNT

1 Samuel 17 in the MKNFD

1 Samuel 17 in the MNG

1 Samuel 17 in the MNT

1 Samuel 17 in the MNT2

1 Samuel 17 in the MRS1T

1 Samuel 17 in the NAA

1 Samuel 17 in the NASB

1 Samuel 17 in the NBLA

1 Samuel 17 in the NBS

1 Samuel 17 in the NBVTP

1 Samuel 17 in the NET2

1 Samuel 17 in the NIV11

1 Samuel 17 in the NNT

1 Samuel 17 in the NNT2

1 Samuel 17 in the NNT3

1 Samuel 17 in the PDDPT

1 Samuel 17 in the PFNT

1 Samuel 17 in the RMNT

1 Samuel 17 in the SBIAS

1 Samuel 17 in the SBIBS

1 Samuel 17 in the SBIBS2

1 Samuel 17 in the SBICS

1 Samuel 17 in the SBIDS

1 Samuel 17 in the SBIGS

1 Samuel 17 in the SBIHS

1 Samuel 17 in the SBIIS

1 Samuel 17 in the SBIIS2

1 Samuel 17 in the SBIIS3

1 Samuel 17 in the SBIKS

1 Samuel 17 in the SBIKS2

1 Samuel 17 in the SBIMS

1 Samuel 17 in the SBIOS

1 Samuel 17 in the SBIPS

1 Samuel 17 in the SBISS

1 Samuel 17 in the SBITS

1 Samuel 17 in the SBITS2

1 Samuel 17 in the SBITS3

1 Samuel 17 in the SBITS4

1 Samuel 17 in the SBIUS

1 Samuel 17 in the SBIVS

1 Samuel 17 in the SBT

1 Samuel 17 in the SBT1E

1 Samuel 17 in the SCHL

1 Samuel 17 in the SNT

1 Samuel 17 in the SUSU

1 Samuel 17 in the SUSU2

1 Samuel 17 in the SYNO

1 Samuel 17 in the TBIAOTANT

1 Samuel 17 in the TBT1E

1 Samuel 17 in the TBT1E2

1 Samuel 17 in the TFTIP

1 Samuel 17 in the TFTU

1 Samuel 17 in the TGNTATF3T

1 Samuel 17 in the THAI

1 Samuel 17 in the TNFD

1 Samuel 17 in the TNT

1 Samuel 17 in the TNTIK

1 Samuel 17 in the TNTIL

1 Samuel 17 in the TNTIN

1 Samuel 17 in the TNTIP

1 Samuel 17 in the TNTIZ

1 Samuel 17 in the TOMA

1 Samuel 17 in the TTENT

1 Samuel 17 in the UBG

1 Samuel 17 in the UGV

1 Samuel 17 in the UGV2

1 Samuel 17 in the UGV3

1 Samuel 17 in the VBL

1 Samuel 17 in the VDCC

1 Samuel 17 in the YALU

1 Samuel 17 in the YAPE

1 Samuel 17 in the YBVTP

1 Samuel 17 in the ZBP