1 Samuel 23 (BOSCB)

1 Dhavhidhi akati audzwa kuti, “Tarirai, vaFiristia vari kurwa neKeira uye vari kupamba zvirimwa pamapuriro,” 2 akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwa navaFiristia ava?”Jehovha akamupindura akati, “Enda, urwise vaFiristia ugoponesa Keira.” 3 Asi vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, “Isu vokuno kuJudha tinotya. Zvino, zvikuru sei kana tikaenda kuKeira kundorwa navarwi vavaFiristia!” 4 Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha, Jehovha akamupindura akati, “Buruka uende kuKeira, nokuti ndichaisa vaFiristia muruoko rwako.” 5 Saka Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kuKeira, vakarwa navaFiristia uye akavatorera zvipfuwo zvavo. Akauraya vaFiristia vakawanda kwazvo akaponesa vanhu vokuKeira. 6 (Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki akanga auya neefodhi paakatiza achidzika kuna Dhavhidhi kuKeira.) 7 Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga aenda kuKeira, ndokuti, “Mwari amuisa muruoko rwangu, nokuti Dhavhidhi azvipfigira zvaapinda muguta rina masuo namazariro.” 8 Uye Sauro akadana varwi vake vose kuhondo, kuti vaburuke vaende kuKeira kundokomba Dhavhidhi navanhu vake. 9 Dhavhidhi akati anzwa kuti Sauro akanga ari kuita rangano yakaipa pamusoro pake, akati kuna Abhiatari muprista, “Uya neefodhi.” 10 Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu anzwa zvechokwadi kuti Sauro ari kuronga kuti auye kuKeira kuti aparadze guta iri nokuda kwangu. 11 Ko, vanhu veKeira vachandiisa kwaari here? Ko, Sauro achaburuka here, sokunzwa kwaita muranda wenyu? Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, zivisai muranda wenyu.”Uye Jehovha akati, “Achauya.” 12 Dhavhidhi akatizve, “Ko, vanhu veKeira vachaisa ini navanhu vangu kuna Sauro here?”Uye Jehovha akati, “Vachaita saizvozvo.” 13 Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako. 14 Dhavhidhi akagara munhare dzomurenje uye nomuzvikomo zvomuRenje reZifi. Zuva nezuva Sauro akamutsvaka, asi Mwari haana kuisa Dhavhidhi mumaoko ake. 15 Dhavhidhi paakanga ari paHoreshi muRenje reZifi, akanzwa kuti Sauro akanga auya kuzomuuraya. 16 Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari. 17 Akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.” 18 Vaviri ava vakaita sungano pamberi paJehovha. Ipapo Jonatani akaenda kumba asi Dhavhidhi akasara paHoreshi. 19 VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda here pakati pedu munhare yapaHoreshi, pachikomo cheHakira, zasi kweJeshimoni? 20 Zvino, imi mambo, burukai pamunodira kuita izvozvo, uye richava basa redu isu kumuisa kwamuri imi mambo.” 21 Sauro akapindura akati, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuda kwehanya yamunayo pamusoro pangu. 22 Endai mundonyatsogadzirira. Mutsvakisise muone kunogaroenda Dhavhidhi uye kuti ndiani akamuonako. Ivo vanondiudza kuti iye munhu ano unyengeri kwazvo. 23 Mutsvakisisei pamusoro penzvimbo dzose dzokuvanda dzaanovanda mugodzoka kwandiri neshoko rakananga. Ipapo ndichaenda nemi; kana ari munharaunda, ndichamutsvakisisa pakati pedzimba dzaJudha.” 24 Saka vakasimuka vakaenda kuZifi pamberi paSauro. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari muRenje reMaoni, muArabha zasi kweJeshimoni. 25 Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi. 26 Sauro akaenda ari kuno rumwe rutivi rwegomo, uye Dhavhidhi navanhu vake vakaenda nokuno rumwe rutivi, vachikurumidza kuti vatize kubva kuna Sauro. Sauro navarwi vake paakanga ava pedyo naDhavhidhi navanhu vake kuti avabate, 27 nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Uyai nokukurumidza! VaFiristia vava kupamba nyika.” 28 Ipapo Sauro akarega kudzinganisa Dhavhidhi akaenda kundosangana navaFiristia. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyi kuti Sera Hamarekoti. 29 Zvino Dhavhidhi akakwidza kubva ipapo akandogara munhare dzeEni Gedhi.

In Other Versions

1 Samuel 23 in the ANGEFD

1 Samuel 23 in the ANTPNG2D

1 Samuel 23 in the AS21

1 Samuel 23 in the BAGH

1 Samuel 23 in the BBPNG

1 Samuel 23 in the BBT1E

1 Samuel 23 in the BDS

1 Samuel 23 in the BEV

1 Samuel 23 in the BHAD

1 Samuel 23 in the BIB

1 Samuel 23 in the BLPT

1 Samuel 23 in the BNT

1 Samuel 23 in the BNTABOOT

1 Samuel 23 in the BNTLV

1 Samuel 23 in the BOATCB

1 Samuel 23 in the BOATCB2

1 Samuel 23 in the BOBCV

1 Samuel 23 in the BOCNT

1 Samuel 23 in the BOECS

1 Samuel 23 in the BOGWICC

1 Samuel 23 in the BOHCB

1 Samuel 23 in the BOHCV

1 Samuel 23 in the BOHLNT

1 Samuel 23 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 23 in the BOICB

1 Samuel 23 in the BOILNTAP

1 Samuel 23 in the BOITCV

1 Samuel 23 in the BOKCV

1 Samuel 23 in the BOKCV2

1 Samuel 23 in the BOKHWOG

1 Samuel 23 in the BOKSSV

1 Samuel 23 in the BOLCB

1 Samuel 23 in the BOLCB2

1 Samuel 23 in the BOMCV

1 Samuel 23 in the BONAV

1 Samuel 23 in the BONCB

1 Samuel 23 in the BONLT

1 Samuel 23 in the BONUT2

1 Samuel 23 in the BOPLNT

1 Samuel 23 in the BOSNC

1 Samuel 23 in the BOTLNT

1 Samuel 23 in the BOVCB

1 Samuel 23 in the BOYCB

1 Samuel 23 in the BPBB

1 Samuel 23 in the BPH

1 Samuel 23 in the BSB

1 Samuel 23 in the CCB

1 Samuel 23 in the CUV

1 Samuel 23 in the CUVS

1 Samuel 23 in the DBT

1 Samuel 23 in the DGDNT

1 Samuel 23 in the DHNT

1 Samuel 23 in the DNT

1 Samuel 23 in the ELBE

1 Samuel 23 in the EMTV

1 Samuel 23 in the ESV

1 Samuel 23 in the FBV

1 Samuel 23 in the FEB

1 Samuel 23 in the GGMNT

1 Samuel 23 in the GNT

1 Samuel 23 in the HARY

1 Samuel 23 in the HNT

1 Samuel 23 in the IRVA

1 Samuel 23 in the IRVB

1 Samuel 23 in the IRVG

1 Samuel 23 in the IRVH

1 Samuel 23 in the IRVK

1 Samuel 23 in the IRVM

1 Samuel 23 in the IRVM2

1 Samuel 23 in the IRVO

1 Samuel 23 in the IRVP

1 Samuel 23 in the IRVT

1 Samuel 23 in the IRVT2

1 Samuel 23 in the IRVU

1 Samuel 23 in the ISVN

1 Samuel 23 in the JSNT

1 Samuel 23 in the KAPI

1 Samuel 23 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 23 in the KBV

1 Samuel 23 in the KJV

1 Samuel 23 in the KNFD

1 Samuel 23 in the LBA

1 Samuel 23 in the LBLA

1 Samuel 23 in the LNT

1 Samuel 23 in the LSV

1 Samuel 23 in the MAAL

1 Samuel 23 in the MBV

1 Samuel 23 in the MBV2

1 Samuel 23 in the MHNT

1 Samuel 23 in the MKNFD

1 Samuel 23 in the MNG

1 Samuel 23 in the MNT

1 Samuel 23 in the MNT2

1 Samuel 23 in the MRS1T

1 Samuel 23 in the NAA

1 Samuel 23 in the NASB

1 Samuel 23 in the NBLA

1 Samuel 23 in the NBS

1 Samuel 23 in the NBVTP

1 Samuel 23 in the NET2

1 Samuel 23 in the NIV11

1 Samuel 23 in the NNT

1 Samuel 23 in the NNT2

1 Samuel 23 in the NNT3

1 Samuel 23 in the PDDPT

1 Samuel 23 in the PFNT

1 Samuel 23 in the RMNT

1 Samuel 23 in the SBIAS

1 Samuel 23 in the SBIBS

1 Samuel 23 in the SBIBS2

1 Samuel 23 in the SBICS

1 Samuel 23 in the SBIDS

1 Samuel 23 in the SBIGS

1 Samuel 23 in the SBIHS

1 Samuel 23 in the SBIIS

1 Samuel 23 in the SBIIS2

1 Samuel 23 in the SBIIS3

1 Samuel 23 in the SBIKS

1 Samuel 23 in the SBIKS2

1 Samuel 23 in the SBIMS

1 Samuel 23 in the SBIOS

1 Samuel 23 in the SBIPS

1 Samuel 23 in the SBISS

1 Samuel 23 in the SBITS

1 Samuel 23 in the SBITS2

1 Samuel 23 in the SBITS3

1 Samuel 23 in the SBITS4

1 Samuel 23 in the SBIUS

1 Samuel 23 in the SBIVS

1 Samuel 23 in the SBT

1 Samuel 23 in the SBT1E

1 Samuel 23 in the SCHL

1 Samuel 23 in the SNT

1 Samuel 23 in the SUSU

1 Samuel 23 in the SUSU2

1 Samuel 23 in the SYNO

1 Samuel 23 in the TBIAOTANT

1 Samuel 23 in the TBT1E

1 Samuel 23 in the TBT1E2

1 Samuel 23 in the TFTIP

1 Samuel 23 in the TFTU

1 Samuel 23 in the TGNTATF3T

1 Samuel 23 in the THAI

1 Samuel 23 in the TNFD

1 Samuel 23 in the TNT

1 Samuel 23 in the TNTIK

1 Samuel 23 in the TNTIL

1 Samuel 23 in the TNTIN

1 Samuel 23 in the TNTIP

1 Samuel 23 in the TNTIZ

1 Samuel 23 in the TOMA

1 Samuel 23 in the TTENT

1 Samuel 23 in the UBG

1 Samuel 23 in the UGV

1 Samuel 23 in the UGV2

1 Samuel 23 in the UGV3

1 Samuel 23 in the VBL

1 Samuel 23 in the VDCC

1 Samuel 23 in the YALU

1 Samuel 23 in the YAPE

1 Samuel 23 in the YBVTP

1 Samuel 23 in the ZBP