1 Samuel 24 (BOSCB)
1 Shure kwokudzoka kwaSauro kundodzinganisa vaFiristia, akaudzwa kuti, “Dhavhidhi ari muRenje reEni Gedhi.” 2 Saka Sauro akatora zviuru zvavarume vakatsaurwa kubva muIsraeri yose akasimuka akaenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pedyo naMatombo eNgururu. 3 Akasvika pamatanga amakwai munzira iyoyo; pakanga pane bako, uye Sauro akapindamo kuti azorore. Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari mukati kati mebako. 4 Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro. 5 Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro. 6 Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.” 7 Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake. 8 Ipapo Dhavhidhi akabuda mubako akadanidzira kuna Sauro achiti, “Ishe wangu mambo!” Sauro akati acheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso chake. 9 Akati kuna Sauro, “Sei muchiteerera vanhu pavanoti, ‘Dhavhidhi anotsvaka kukukuvadzai?’ 10 Nhasi mazvionera nameso enyu kuti Jehovha akuisai sei mumaoko angu muri mubako. Vamwe vandikurudzira kuti ndikuurayei, asi ndakuregererai, ndikati, ‘Handingasimudzi ruoko rwangu pamusoro patenzi wangu, nokuti ndiye muzodziwa waJehovha.’ 11 Tarirai, baba vangu, tarirai benga renguo yenyu riri muruoko rwangu! Ndacheka kona yenguo yenyu asi handina kukuurayai. Zvino chinzwisisai muzive kuti handina mhosva yokukuitirai zvakaipa kana kukumukirai. Handina kukutadzirai, asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye. 12 Jehovha ngaatonge pakati penyu nemi. Uye Jehovha ngaatsive zvakaipa zvamakaita kwandiri, asi ruoko rwangu harungarwi nemi. 13 Sezvinoreva tsumo yekare ichiti, ‘Kuno wakaipa kunobuda mabasa akaipa,’ saizvozvo ruoko rwangu harungarwi nemi. 14 “Ko, mambo waIsraeri akabuda kuzorwa naaniko? Ndianiko wamunodzinganisa? Imbwa yakafa here? Nhata here? 15 Jehovha ngaave mutongi wedu uye aone pakati penyu neni. Ngaatsvake mhaka yangu aiwane; ngaandiruramisire nokundirwira kubva muruoko rwenyu.” 16 Dhavhidhi akati apedza kutaura mashoko aya, Sauro akabvunza akati, “Inzwi rako here, Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Ipapo akachema kwazvo. 17 Akati, “Iwe wakarurama kupfuureni. Iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa. 18 Uchangobva kundirondedzera iye zvino zvakanaka zvawakandiitira; Jehovha akandiisa mumaoko ako, asi hauna kundiuraya. 19 Kana munhu akawanikidza muvengi wake angamurega achienda asina vanga here? Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira. 20 Ndinoziva zvirokwazvo kuti iwe uchava mambo uye umambo hweIsraeri huchasimbiswa mumaoko ako. 21 Zvino pika kwandiri naJehovha kuti iwe hauchazoparadzi zvizvarwa zvangu kana kuparadza zita rangu kubva pamhuri yababa vangu.” 22 Saka Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Ipapo Sauro akadzokera kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
In Other Versions
1 Samuel 24 in the ANGEFD
1 Samuel 24 in the ANTPNG2D
1 Samuel 24 in the AS21
1 Samuel 24 in the BAGH
1 Samuel 24 in the BBPNG
1 Samuel 24 in the BBT1E
1 Samuel 24 in the BDS
1 Samuel 24 in the BEV
1 Samuel 24 in the BHAD
1 Samuel 24 in the BIB
1 Samuel 24 in the BLPT
1 Samuel 24 in the BNT
1 Samuel 24 in the BNTABOOT
1 Samuel 24 in the BNTLV
1 Samuel 24 in the BOATCB
1 Samuel 24 in the BOATCB2
1 Samuel 24 in the BOBCV
1 Samuel 24 in the BOCNT
1 Samuel 24 in the BOECS
1 Samuel 24 in the BOGWICC
1 Samuel 24 in the BOHCB
1 Samuel 24 in the BOHCV
1 Samuel 24 in the BOHLNT
1 Samuel 24 in the BOHNTLTAL
1 Samuel 24 in the BOICB
1 Samuel 24 in the BOILNTAP
1 Samuel 24 in the BOITCV
1 Samuel 24 in the BOKCV
1 Samuel 24 in the BOKCV2
1 Samuel 24 in the BOKHWOG
1 Samuel 24 in the BOKSSV
1 Samuel 24 in the BOLCB
1 Samuel 24 in the BOLCB2
1 Samuel 24 in the BOMCV
1 Samuel 24 in the BONAV
1 Samuel 24 in the BONCB
1 Samuel 24 in the BONLT
1 Samuel 24 in the BONUT2
1 Samuel 24 in the BOPLNT
1 Samuel 24 in the BOSNC
1 Samuel 24 in the BOTLNT
1 Samuel 24 in the BOVCB
1 Samuel 24 in the BOYCB
1 Samuel 24 in the BPBB
1 Samuel 24 in the BPH
1 Samuel 24 in the BSB
1 Samuel 24 in the CCB
1 Samuel 24 in the CUV
1 Samuel 24 in the CUVS
1 Samuel 24 in the DBT
1 Samuel 24 in the DGDNT
1 Samuel 24 in the DHNT
1 Samuel 24 in the DNT
1 Samuel 24 in the ELBE
1 Samuel 24 in the EMTV
1 Samuel 24 in the ESV
1 Samuel 24 in the FBV
1 Samuel 24 in the FEB
1 Samuel 24 in the GGMNT
1 Samuel 24 in the GNT
1 Samuel 24 in the HARY
1 Samuel 24 in the HNT
1 Samuel 24 in the IRVA
1 Samuel 24 in the IRVB
1 Samuel 24 in the IRVG
1 Samuel 24 in the IRVH
1 Samuel 24 in the IRVK
1 Samuel 24 in the IRVM
1 Samuel 24 in the IRVM2
1 Samuel 24 in the IRVO
1 Samuel 24 in the IRVP
1 Samuel 24 in the IRVT
1 Samuel 24 in the IRVT2
1 Samuel 24 in the IRVU
1 Samuel 24 in the ISVN
1 Samuel 24 in the JSNT
1 Samuel 24 in the KAPI
1 Samuel 24 in the KBT1ETNIK
1 Samuel 24 in the KBV
1 Samuel 24 in the KJV
1 Samuel 24 in the KNFD
1 Samuel 24 in the LBA
1 Samuel 24 in the LBLA
1 Samuel 24 in the LNT
1 Samuel 24 in the LSV
1 Samuel 24 in the MAAL
1 Samuel 24 in the MBV
1 Samuel 24 in the MBV2
1 Samuel 24 in the MHNT
1 Samuel 24 in the MKNFD
1 Samuel 24 in the MNG
1 Samuel 24 in the MNT
1 Samuel 24 in the MNT2
1 Samuel 24 in the MRS1T
1 Samuel 24 in the NAA
1 Samuel 24 in the NASB
1 Samuel 24 in the NBLA
1 Samuel 24 in the NBS
1 Samuel 24 in the NBVTP
1 Samuel 24 in the NET2
1 Samuel 24 in the NIV11
1 Samuel 24 in the NNT
1 Samuel 24 in the NNT2
1 Samuel 24 in the NNT3
1 Samuel 24 in the PDDPT
1 Samuel 24 in the PFNT
1 Samuel 24 in the RMNT
1 Samuel 24 in the SBIAS
1 Samuel 24 in the SBIBS
1 Samuel 24 in the SBIBS2
1 Samuel 24 in the SBICS
1 Samuel 24 in the SBIDS
1 Samuel 24 in the SBIGS
1 Samuel 24 in the SBIHS
1 Samuel 24 in the SBIIS
1 Samuel 24 in the SBIIS2
1 Samuel 24 in the SBIIS3
1 Samuel 24 in the SBIKS
1 Samuel 24 in the SBIKS2
1 Samuel 24 in the SBIMS
1 Samuel 24 in the SBIOS
1 Samuel 24 in the SBIPS
1 Samuel 24 in the SBISS
1 Samuel 24 in the SBITS
1 Samuel 24 in the SBITS2
1 Samuel 24 in the SBITS3
1 Samuel 24 in the SBITS4
1 Samuel 24 in the SBIUS
1 Samuel 24 in the SBIVS
1 Samuel 24 in the SBT
1 Samuel 24 in the SBT1E
1 Samuel 24 in the SCHL
1 Samuel 24 in the SNT
1 Samuel 24 in the SUSU
1 Samuel 24 in the SUSU2
1 Samuel 24 in the SYNO
1 Samuel 24 in the TBIAOTANT
1 Samuel 24 in the TBT1E
1 Samuel 24 in the TBT1E2
1 Samuel 24 in the TFTIP
1 Samuel 24 in the TFTU
1 Samuel 24 in the TGNTATF3T
1 Samuel 24 in the THAI
1 Samuel 24 in the TNFD
1 Samuel 24 in the TNT
1 Samuel 24 in the TNTIK
1 Samuel 24 in the TNTIL
1 Samuel 24 in the TNTIN
1 Samuel 24 in the TNTIP
1 Samuel 24 in the TNTIZ
1 Samuel 24 in the TOMA
1 Samuel 24 in the TTENT
1 Samuel 24 in the UBG
1 Samuel 24 in the UGV
1 Samuel 24 in the UGV2
1 Samuel 24 in the UGV3
1 Samuel 24 in the VBL
1 Samuel 24 in the VDCC
1 Samuel 24 in the YALU
1 Samuel 24 in the YAPE
1 Samuel 24 in the YBVTP
1 Samuel 24 in the ZBP