2 Kings 18 (BOSCB)

1 Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo weJudha akatanga kutonga. 2 Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. 3 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. 4 Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.) 5 Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera. 6 Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha. 7 Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira. 8 Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo. 9 Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda. 10 Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri. 11 Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi. 12 Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita. 13 Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora. 14 Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarenda esirivha namatarenda egoridhe makumi matatu. 15 Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. 16 Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria. 17 Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. 18 Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari. 19 Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti:“ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii? 20 Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire? 21 Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari. 22 Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?” 23 “ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo! 24 Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza? 25 Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.’ ” 26 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.” 27 Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?” 28 Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria! 29 Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Haagoni kukudzikinurai kubva muruoko rwangu 30 Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’ 31 “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake, 32 kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu!“Musateerera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’ 33 Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria? 34 Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here? 35 Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?” 36 Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.” 37 Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavarwi.

In Other Versions

2 Kings 18 in the ANGEFD

2 Kings 18 in the ANTPNG2D

2 Kings 18 in the AS21

2 Kings 18 in the BAGH

2 Kings 18 in the BBPNG

2 Kings 18 in the BBT1E

2 Kings 18 in the BDS

2 Kings 18 in the BEV

2 Kings 18 in the BHAD

2 Kings 18 in the BIB

2 Kings 18 in the BLPT

2 Kings 18 in the BNT

2 Kings 18 in the BNTABOOT

2 Kings 18 in the BNTLV

2 Kings 18 in the BOATCB

2 Kings 18 in the BOATCB2

2 Kings 18 in the BOBCV

2 Kings 18 in the BOCNT

2 Kings 18 in the BOECS

2 Kings 18 in the BOGWICC

2 Kings 18 in the BOHCB

2 Kings 18 in the BOHCV

2 Kings 18 in the BOHLNT

2 Kings 18 in the BOHNTLTAL

2 Kings 18 in the BOICB

2 Kings 18 in the BOILNTAP

2 Kings 18 in the BOITCV

2 Kings 18 in the BOKCV

2 Kings 18 in the BOKCV2

2 Kings 18 in the BOKHWOG

2 Kings 18 in the BOKSSV

2 Kings 18 in the BOLCB

2 Kings 18 in the BOLCB2

2 Kings 18 in the BOMCV

2 Kings 18 in the BONAV

2 Kings 18 in the BONCB

2 Kings 18 in the BONLT

2 Kings 18 in the BONUT2

2 Kings 18 in the BOPLNT

2 Kings 18 in the BOSNC

2 Kings 18 in the BOTLNT

2 Kings 18 in the BOVCB

2 Kings 18 in the BOYCB

2 Kings 18 in the BPBB

2 Kings 18 in the BPH

2 Kings 18 in the BSB

2 Kings 18 in the CCB

2 Kings 18 in the CUV

2 Kings 18 in the CUVS

2 Kings 18 in the DBT

2 Kings 18 in the DGDNT

2 Kings 18 in the DHNT

2 Kings 18 in the DNT

2 Kings 18 in the ELBE

2 Kings 18 in the EMTV

2 Kings 18 in the ESV

2 Kings 18 in the FBV

2 Kings 18 in the FEB

2 Kings 18 in the GGMNT

2 Kings 18 in the GNT

2 Kings 18 in the HARY

2 Kings 18 in the HNT

2 Kings 18 in the IRVA

2 Kings 18 in the IRVB

2 Kings 18 in the IRVG

2 Kings 18 in the IRVH

2 Kings 18 in the IRVK

2 Kings 18 in the IRVM

2 Kings 18 in the IRVM2

2 Kings 18 in the IRVO

2 Kings 18 in the IRVP

2 Kings 18 in the IRVT

2 Kings 18 in the IRVT2

2 Kings 18 in the IRVU

2 Kings 18 in the ISVN

2 Kings 18 in the JSNT

2 Kings 18 in the KAPI

2 Kings 18 in the KBT1ETNIK

2 Kings 18 in the KBV

2 Kings 18 in the KJV

2 Kings 18 in the KNFD

2 Kings 18 in the LBA

2 Kings 18 in the LBLA

2 Kings 18 in the LNT

2 Kings 18 in the LSV

2 Kings 18 in the MAAL

2 Kings 18 in the MBV

2 Kings 18 in the MBV2

2 Kings 18 in the MHNT

2 Kings 18 in the MKNFD

2 Kings 18 in the MNG

2 Kings 18 in the MNT

2 Kings 18 in the MNT2

2 Kings 18 in the MRS1T

2 Kings 18 in the NAA

2 Kings 18 in the NASB

2 Kings 18 in the NBLA

2 Kings 18 in the NBS

2 Kings 18 in the NBVTP

2 Kings 18 in the NET2

2 Kings 18 in the NIV11

2 Kings 18 in the NNT

2 Kings 18 in the NNT2

2 Kings 18 in the NNT3

2 Kings 18 in the PDDPT

2 Kings 18 in the PFNT

2 Kings 18 in the RMNT

2 Kings 18 in the SBIAS

2 Kings 18 in the SBIBS

2 Kings 18 in the SBIBS2

2 Kings 18 in the SBICS

2 Kings 18 in the SBIDS

2 Kings 18 in the SBIGS

2 Kings 18 in the SBIHS

2 Kings 18 in the SBIIS

2 Kings 18 in the SBIIS2

2 Kings 18 in the SBIIS3

2 Kings 18 in the SBIKS

2 Kings 18 in the SBIKS2

2 Kings 18 in the SBIMS

2 Kings 18 in the SBIOS

2 Kings 18 in the SBIPS

2 Kings 18 in the SBISS

2 Kings 18 in the SBITS

2 Kings 18 in the SBITS2

2 Kings 18 in the SBITS3

2 Kings 18 in the SBITS4

2 Kings 18 in the SBIUS

2 Kings 18 in the SBIVS

2 Kings 18 in the SBT

2 Kings 18 in the SBT1E

2 Kings 18 in the SCHL

2 Kings 18 in the SNT

2 Kings 18 in the SUSU

2 Kings 18 in the SUSU2

2 Kings 18 in the SYNO

2 Kings 18 in the TBIAOTANT

2 Kings 18 in the TBT1E

2 Kings 18 in the TBT1E2

2 Kings 18 in the TFTIP

2 Kings 18 in the TFTU

2 Kings 18 in the TGNTATF3T

2 Kings 18 in the THAI

2 Kings 18 in the TNFD

2 Kings 18 in the TNT

2 Kings 18 in the TNTIK

2 Kings 18 in the TNTIL

2 Kings 18 in the TNTIN

2 Kings 18 in the TNTIP

2 Kings 18 in the TNTIZ

2 Kings 18 in the TOMA

2 Kings 18 in the TTENT

2 Kings 18 in the UBG

2 Kings 18 in the UGV

2 Kings 18 in the UGV2

2 Kings 18 in the UGV3

2 Kings 18 in the VBL

2 Kings 18 in the VDCC

2 Kings 18 in the YALU

2 Kings 18 in the YAPE

2 Kings 18 in the YBVTP

2 Kings 18 in the ZBP