2 Samuel 14 (BOSCB)

1 Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akaziva kuti mwoyo wamambo wakanga woshuva Abhusaromu. 2 Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa. 3 Ipapo ugoenda kuna mambo undotaura mashoko aya kwaari.” Uye Joabhu akaisa mashoko mumuromo make. 4 Mukadzi akabva kuTekoa akati asvika kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, kuri kupa rukudzo, akati, “Ndibatsireiwo, nhai mambo!” 5 Mambo akamubvunza akati, “Watambudzwa neiko?”Iye akati, “Zvirokwazvo ndiri chirikadzi; murume wangu akafa. 6 Zvino ini muranda wenyu ndakanga ndina vanakomana vaviri. Vakarwa vari vaviri musango, uye hapana aivapo kuti avarandutsire. Mumwe akarova mumwe uye akamuuraya. 7 Zvino mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu. Vari kuti, ‘Tipei uyo akauraya mununʼuna wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomununʼuna wake waakauraya; kunyange tichizobvisa mudyi wenhaka zvakare.’ Saka vachadzima zimbe rangu rimwe ranga rasara, vakasasiyira murume wangu zita kana rudzi panyika.” 8 Mambo akati kumukadzi, “Enda hako kumba kwako, ini ndicharayira shoko pamusoro pako.” 9 Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.” 10 Mambo akapindura akati, “Kana munhu akataura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangozokunetsizve.” 11 Iye akati, “Naizvozvo mambo ngaataure naIshe Mwari wake kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, kuti mwanakomana wangu arege kuparadzwa.”Mambo akati, “NaJehovha mupenyu, hapana ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako ruchawira pasi.” 12 Ipapo mukadzi uya akati, “Tenderai muranda wenyu kuti ataure shoko kuna ishe mambo wangu.”Iye akati, “Taura hako.” 13 Mukadzi uya ndokuti, “Zvino seiko makarongera vanhu vaMwari zvakadai? Kana mambo vachitaura zvakadai, havasi kuzvipa mhosva here, nokuti mambo havana kudzosa mwanakomana uya akambenge adzingwa. 14 Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye. 15 “Zvino ini ndauya kuzotaura izvi kuna ishe mambo wangu nokuti vanhu vandityisidzira. Murandakadzi wenyu akafunga akati, ‘Rega ndinotaura namambo zvimwe vangaitira muranda wavo zvaanokumbira. 16 Zvimwe mambo vangabvuma kurwira murandakadzi wavo kubva paruoko rwomunhu anotsvaka kuparadza zvose ini nomwanakomana wangu kuti tirege kugara nhaka yatakapiwa naMwari.’ 17 “Zvino murandakadzi wenyu anoti, ‘Ndinokumbira kuti shoko rashe mambo wangu rindinyaradze, nokuti ishe wangu mambo akafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa. Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.’ ” 18 Ipapo mambo akati kumukadzi, “Usandivanzira hako shoko randichakubvunza.”Mukadzi akati, “Ishe mambo wangu ngavataure havo.” 19 Mambo akabvunza akati, “Ko, ruoko rwaJoabhu harusi kubatsirana newe pazvinhu zvose izvi here?”Mukadzi akapindura akati, “Noupenyu hwenyu, ishe wangu mambo, hapana munhu angatendeukira kurudyi kana kuruboshwe kubva pane zvinenge zvataurwa nashe mambo wangu. Ichokwadi, muranda wenyu Joabhu ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye aisa mashoko ose aya mumuromo womurandakadzi wenyu. 20 Muranda wenyu Joabhu akaita izvi kuti ashandure mamiriro ezvinhu. Ishe wangu ano uchenjeri sehwomutumwa waMwari, anoziva zvose zvinoitika panyika.” 21 Mambo akati kuna Joabhu, “Zvakanaka chose, ndichaita saizvozvo. Chienda, unouya nejaya Abhusaromu.” 22 Joabhu akawira pasi nechiso chake achipa rukudzo, uye akaropafadza mambo. Joabhu akati, “Nhasi muranda wenyu aziva kuti awana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo, nokuti mambo aita zvandakumbira ini muranda wake.” 23 Saka Joabhu akaenda kuGeshuri akandouya naAbhusaromu kuJerusarema. 24 Asi mambo akati, “Anofanira kuenda kuimba yake; haafaniri kuona chiso changu.” Saka Abhusaromu akaenda kumba kwake akasaona chiso chamambo. 25 MuIsraeri mose makanga musina murume airumbidzwa navanhu nokuda kworunako rwake saAbhusaromu. Kubva kumusoro wake kusvikira kutsoka dzake pakanga pasina panonzi apa pakaipa. 26 Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremu hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviri kana zvichierwa nechiereso chamambo. 27 Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe chete. Zita romwanasikana rainzi Tamari, uye akanga ari mukadzi akanaka pachiso. 28 Abhusaromu akagara kwamakore maviri muJerusarema asina kumboona chiso chamambo. 29 Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu kuti amutume kuna mambo, asi akaramba kuenda kwaari. Saka akatumazve shoko kechipiri, asi akaramba kuuya. 30 Ipapo akati kumuranda wake, “Onaka, munda waJoabhu wakaganhurana nowangu, uye ane bhari imomo. Enda unoupisa.” Naizvozvo varanda vaAbhusaromu vakapisa munda. 31 Ipapo Joabhu akaenda kumba kwaAbhusaromu akandoti kwaari, “Ko, varanda vako vapisirei munda wangu?” 32 Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira, ndakatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri? Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu!” ’ Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.” 33 Saka Joabhu akaenda kuna mambo akandotaura saizvozvo. Ipapo mambo akadana Abhusaromu, uye akauya akasvikokotamisa uso hwake pasi pamberi pamambo. Uye Mambo akatsvoda Abhusaromu.

In Other Versions

2 Samuel 14 in the ANGEFD

2 Samuel 14 in the ANTPNG2D

2 Samuel 14 in the AS21

2 Samuel 14 in the BAGH

2 Samuel 14 in the BBPNG

2 Samuel 14 in the BBT1E

2 Samuel 14 in the BDS

2 Samuel 14 in the BEV

2 Samuel 14 in the BHAD

2 Samuel 14 in the BIB

2 Samuel 14 in the BLPT

2 Samuel 14 in the BNT

2 Samuel 14 in the BNTABOOT

2 Samuel 14 in the BNTLV

2 Samuel 14 in the BOATCB

2 Samuel 14 in the BOATCB2

2 Samuel 14 in the BOBCV

2 Samuel 14 in the BOCNT

2 Samuel 14 in the BOECS

2 Samuel 14 in the BOGWICC

2 Samuel 14 in the BOHCB

2 Samuel 14 in the BOHCV

2 Samuel 14 in the BOHLNT

2 Samuel 14 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 14 in the BOICB

2 Samuel 14 in the BOILNTAP

2 Samuel 14 in the BOITCV

2 Samuel 14 in the BOKCV

2 Samuel 14 in the BOKCV2

2 Samuel 14 in the BOKHWOG

2 Samuel 14 in the BOKSSV

2 Samuel 14 in the BOLCB

2 Samuel 14 in the BOLCB2

2 Samuel 14 in the BOMCV

2 Samuel 14 in the BONAV

2 Samuel 14 in the BONCB

2 Samuel 14 in the BONLT

2 Samuel 14 in the BONUT2

2 Samuel 14 in the BOPLNT

2 Samuel 14 in the BOSNC

2 Samuel 14 in the BOTLNT

2 Samuel 14 in the BOVCB

2 Samuel 14 in the BOYCB

2 Samuel 14 in the BPBB

2 Samuel 14 in the BPH

2 Samuel 14 in the BSB

2 Samuel 14 in the CCB

2 Samuel 14 in the CUV

2 Samuel 14 in the CUVS

2 Samuel 14 in the DBT

2 Samuel 14 in the DGDNT

2 Samuel 14 in the DHNT

2 Samuel 14 in the DNT

2 Samuel 14 in the ELBE

2 Samuel 14 in the EMTV

2 Samuel 14 in the ESV

2 Samuel 14 in the FBV

2 Samuel 14 in the FEB

2 Samuel 14 in the GGMNT

2 Samuel 14 in the GNT

2 Samuel 14 in the HARY

2 Samuel 14 in the HNT

2 Samuel 14 in the IRVA

2 Samuel 14 in the IRVB

2 Samuel 14 in the IRVG

2 Samuel 14 in the IRVH

2 Samuel 14 in the IRVK

2 Samuel 14 in the IRVM

2 Samuel 14 in the IRVM2

2 Samuel 14 in the IRVO

2 Samuel 14 in the IRVP

2 Samuel 14 in the IRVT

2 Samuel 14 in the IRVT2

2 Samuel 14 in the IRVU

2 Samuel 14 in the ISVN

2 Samuel 14 in the JSNT

2 Samuel 14 in the KAPI

2 Samuel 14 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 14 in the KBV

2 Samuel 14 in the KJV

2 Samuel 14 in the KNFD

2 Samuel 14 in the LBA

2 Samuel 14 in the LBLA

2 Samuel 14 in the LNT

2 Samuel 14 in the LSV

2 Samuel 14 in the MAAL

2 Samuel 14 in the MBV

2 Samuel 14 in the MBV2

2 Samuel 14 in the MHNT

2 Samuel 14 in the MKNFD

2 Samuel 14 in the MNG

2 Samuel 14 in the MNT

2 Samuel 14 in the MNT2

2 Samuel 14 in the MRS1T

2 Samuel 14 in the NAA

2 Samuel 14 in the NASB

2 Samuel 14 in the NBLA

2 Samuel 14 in the NBS

2 Samuel 14 in the NBVTP

2 Samuel 14 in the NET2

2 Samuel 14 in the NIV11

2 Samuel 14 in the NNT

2 Samuel 14 in the NNT2

2 Samuel 14 in the NNT3

2 Samuel 14 in the PDDPT

2 Samuel 14 in the PFNT

2 Samuel 14 in the RMNT

2 Samuel 14 in the SBIAS

2 Samuel 14 in the SBIBS

2 Samuel 14 in the SBIBS2

2 Samuel 14 in the SBICS

2 Samuel 14 in the SBIDS

2 Samuel 14 in the SBIGS

2 Samuel 14 in the SBIHS

2 Samuel 14 in the SBIIS

2 Samuel 14 in the SBIIS2

2 Samuel 14 in the SBIIS3

2 Samuel 14 in the SBIKS

2 Samuel 14 in the SBIKS2

2 Samuel 14 in the SBIMS

2 Samuel 14 in the SBIOS

2 Samuel 14 in the SBIPS

2 Samuel 14 in the SBISS

2 Samuel 14 in the SBITS

2 Samuel 14 in the SBITS2

2 Samuel 14 in the SBITS3

2 Samuel 14 in the SBITS4

2 Samuel 14 in the SBIUS

2 Samuel 14 in the SBIVS

2 Samuel 14 in the SBT

2 Samuel 14 in the SBT1E

2 Samuel 14 in the SCHL

2 Samuel 14 in the SNT

2 Samuel 14 in the SUSU

2 Samuel 14 in the SUSU2

2 Samuel 14 in the SYNO

2 Samuel 14 in the TBIAOTANT

2 Samuel 14 in the TBT1E

2 Samuel 14 in the TBT1E2

2 Samuel 14 in the TFTIP

2 Samuel 14 in the TFTU

2 Samuel 14 in the TGNTATF3T

2 Samuel 14 in the THAI

2 Samuel 14 in the TNFD

2 Samuel 14 in the TNT

2 Samuel 14 in the TNTIK

2 Samuel 14 in the TNTIL

2 Samuel 14 in the TNTIN

2 Samuel 14 in the TNTIP

2 Samuel 14 in the TNTIZ

2 Samuel 14 in the TOMA

2 Samuel 14 in the TTENT

2 Samuel 14 in the UBG

2 Samuel 14 in the UGV

2 Samuel 14 in the UGV2

2 Samuel 14 in the UGV3

2 Samuel 14 in the VBL

2 Samuel 14 in the VDCC

2 Samuel 14 in the YALU

2 Samuel 14 in the YAPE

2 Samuel 14 in the YBVTP

2 Samuel 14 in the ZBP