2 Samuel 8 (BOSCB)

1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia. 2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chikamu chimwe chete kubva muzvitatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero. 3 Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi. 4 Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro. 5 Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo. 6 Akaisa mapoka avarwi munyika yavaAramu yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda. 7 Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzakanga dziri dzamakurukota aHadhadhezeri, akauya nadzo kuJerusarema. 8 Mambo Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo kubva paTebha neBherotai, maguta akanga ari aHadhadhezeri. 9 Zvino Tou mambo weHamati akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri, 10 akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza pamusoro pokukunda kwaakanga aita Hadhadhezeri pakurwa, uye akanga amborwisana naTou. Joramu akauya nemidziyo yesirivha neyegoridhe neyendarira. 11 Mambo Dhavhidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti: 12 Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha. 13 Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu. 14 Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda. 15 Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose. 16 Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo, 17 Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori; 18 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo.

In Other Versions

2 Samuel 8 in the ANGEFD

2 Samuel 8 in the ANTPNG2D

2 Samuel 8 in the AS21

2 Samuel 8 in the BAGH

2 Samuel 8 in the BBPNG

2 Samuel 8 in the BBT1E

2 Samuel 8 in the BDS

2 Samuel 8 in the BEV

2 Samuel 8 in the BHAD

2 Samuel 8 in the BIB

2 Samuel 8 in the BLPT

2 Samuel 8 in the BNT

2 Samuel 8 in the BNTABOOT

2 Samuel 8 in the BNTLV

2 Samuel 8 in the BOATCB

2 Samuel 8 in the BOATCB2

2 Samuel 8 in the BOBCV

2 Samuel 8 in the BOCNT

2 Samuel 8 in the BOECS

2 Samuel 8 in the BOGWICC

2 Samuel 8 in the BOHCB

2 Samuel 8 in the BOHCV

2 Samuel 8 in the BOHLNT

2 Samuel 8 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 8 in the BOICB

2 Samuel 8 in the BOILNTAP

2 Samuel 8 in the BOITCV

2 Samuel 8 in the BOKCV

2 Samuel 8 in the BOKCV2

2 Samuel 8 in the BOKHWOG

2 Samuel 8 in the BOKSSV

2 Samuel 8 in the BOLCB

2 Samuel 8 in the BOLCB2

2 Samuel 8 in the BOMCV

2 Samuel 8 in the BONAV

2 Samuel 8 in the BONCB

2 Samuel 8 in the BONLT

2 Samuel 8 in the BONUT2

2 Samuel 8 in the BOPLNT

2 Samuel 8 in the BOSNC

2 Samuel 8 in the BOTLNT

2 Samuel 8 in the BOVCB

2 Samuel 8 in the BOYCB

2 Samuel 8 in the BPBB

2 Samuel 8 in the BPH

2 Samuel 8 in the BSB

2 Samuel 8 in the CCB

2 Samuel 8 in the CUV

2 Samuel 8 in the CUVS

2 Samuel 8 in the DBT

2 Samuel 8 in the DGDNT

2 Samuel 8 in the DHNT

2 Samuel 8 in the DNT

2 Samuel 8 in the ELBE

2 Samuel 8 in the EMTV

2 Samuel 8 in the ESV

2 Samuel 8 in the FBV

2 Samuel 8 in the FEB

2 Samuel 8 in the GGMNT

2 Samuel 8 in the GNT

2 Samuel 8 in the HARY

2 Samuel 8 in the HNT

2 Samuel 8 in the IRVA

2 Samuel 8 in the IRVB

2 Samuel 8 in the IRVG

2 Samuel 8 in the IRVH

2 Samuel 8 in the IRVK

2 Samuel 8 in the IRVM

2 Samuel 8 in the IRVM2

2 Samuel 8 in the IRVO

2 Samuel 8 in the IRVP

2 Samuel 8 in the IRVT

2 Samuel 8 in the IRVT2

2 Samuel 8 in the IRVU

2 Samuel 8 in the ISVN

2 Samuel 8 in the JSNT

2 Samuel 8 in the KAPI

2 Samuel 8 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 8 in the KBV

2 Samuel 8 in the KJV

2 Samuel 8 in the KNFD

2 Samuel 8 in the LBA

2 Samuel 8 in the LBLA

2 Samuel 8 in the LNT

2 Samuel 8 in the LSV

2 Samuel 8 in the MAAL

2 Samuel 8 in the MBV

2 Samuel 8 in the MBV2

2 Samuel 8 in the MHNT

2 Samuel 8 in the MKNFD

2 Samuel 8 in the MNG

2 Samuel 8 in the MNT

2 Samuel 8 in the MNT2

2 Samuel 8 in the MRS1T

2 Samuel 8 in the NAA

2 Samuel 8 in the NASB

2 Samuel 8 in the NBLA

2 Samuel 8 in the NBS

2 Samuel 8 in the NBVTP

2 Samuel 8 in the NET2

2 Samuel 8 in the NIV11

2 Samuel 8 in the NNT

2 Samuel 8 in the NNT2

2 Samuel 8 in the NNT3

2 Samuel 8 in the PDDPT

2 Samuel 8 in the PFNT

2 Samuel 8 in the RMNT

2 Samuel 8 in the SBIAS

2 Samuel 8 in the SBIBS

2 Samuel 8 in the SBIBS2

2 Samuel 8 in the SBICS

2 Samuel 8 in the SBIDS

2 Samuel 8 in the SBIGS

2 Samuel 8 in the SBIHS

2 Samuel 8 in the SBIIS

2 Samuel 8 in the SBIIS2

2 Samuel 8 in the SBIIS3

2 Samuel 8 in the SBIKS

2 Samuel 8 in the SBIKS2

2 Samuel 8 in the SBIMS

2 Samuel 8 in the SBIOS

2 Samuel 8 in the SBIPS

2 Samuel 8 in the SBISS

2 Samuel 8 in the SBITS

2 Samuel 8 in the SBITS2

2 Samuel 8 in the SBITS3

2 Samuel 8 in the SBITS4

2 Samuel 8 in the SBIUS

2 Samuel 8 in the SBIVS

2 Samuel 8 in the SBT

2 Samuel 8 in the SBT1E

2 Samuel 8 in the SCHL

2 Samuel 8 in the SNT

2 Samuel 8 in the SUSU

2 Samuel 8 in the SUSU2

2 Samuel 8 in the SYNO

2 Samuel 8 in the TBIAOTANT

2 Samuel 8 in the TBT1E

2 Samuel 8 in the TBT1E2

2 Samuel 8 in the TFTIP

2 Samuel 8 in the TFTU

2 Samuel 8 in the TGNTATF3T

2 Samuel 8 in the THAI

2 Samuel 8 in the TNFD

2 Samuel 8 in the TNT

2 Samuel 8 in the TNTIK

2 Samuel 8 in the TNTIL

2 Samuel 8 in the TNTIN

2 Samuel 8 in the TNTIP

2 Samuel 8 in the TNTIZ

2 Samuel 8 in the TOMA

2 Samuel 8 in the TTENT

2 Samuel 8 in the UBG

2 Samuel 8 in the UGV

2 Samuel 8 in the UGV2

2 Samuel 8 in the UGV3

2 Samuel 8 in the VBL

2 Samuel 8 in the VDCC

2 Samuel 8 in the YALU

2 Samuel 8 in the YAPE

2 Samuel 8 in the YBVTP

2 Samuel 8 in the ZBP