Amos 7 (BOSCB)

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda. 2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” 3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.” 4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika. 5 Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” 6 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.” 7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake. 8 Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.”Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve. 9 “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa,uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo;ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.” 10 Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose. 11 Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi:“ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo,uye Israeri ichaenda kuutapwa,zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ” 12 Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko. 13 Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.” 14 Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. 15 Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ 16 Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti,“Usaprofita pamusoro paIsraeri,uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.” 17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha:“ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta,uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo.Nyika yako ichayerwa igoganhurwa,uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi,Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa,kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

In Other Versions

Amos 7 in the ANGEFD

Amos 7 in the ANTPNG2D

Amos 7 in the AS21

Amos 7 in the BAGH

Amos 7 in the BBPNG

Amos 7 in the BBT1E

Amos 7 in the BDS

Amos 7 in the BEV

Amos 7 in the BHAD

Amos 7 in the BIB

Amos 7 in the BLPT

Amos 7 in the BNT

Amos 7 in the BNTABOOT

Amos 7 in the BNTLV

Amos 7 in the BOATCB

Amos 7 in the BOATCB2

Amos 7 in the BOBCV

Amos 7 in the BOCNT

Amos 7 in the BOECS

Amos 7 in the BOGWICC

Amos 7 in the BOHCB

Amos 7 in the BOHCV

Amos 7 in the BOHLNT

Amos 7 in the BOHNTLTAL

Amos 7 in the BOICB

Amos 7 in the BOILNTAP

Amos 7 in the BOITCV

Amos 7 in the BOKCV

Amos 7 in the BOKCV2

Amos 7 in the BOKHWOG

Amos 7 in the BOKSSV

Amos 7 in the BOLCB

Amos 7 in the BOLCB2

Amos 7 in the BOMCV

Amos 7 in the BONAV

Amos 7 in the BONCB

Amos 7 in the BONLT

Amos 7 in the BONUT2

Amos 7 in the BOPLNT

Amos 7 in the BOSNC

Amos 7 in the BOTLNT

Amos 7 in the BOVCB

Amos 7 in the BOYCB

Amos 7 in the BPBB

Amos 7 in the BPH

Amos 7 in the BSB

Amos 7 in the CCB

Amos 7 in the CUV

Amos 7 in the CUVS

Amos 7 in the DBT

Amos 7 in the DGDNT

Amos 7 in the DHNT

Amos 7 in the DNT

Amos 7 in the ELBE

Amos 7 in the EMTV

Amos 7 in the ESV

Amos 7 in the FBV

Amos 7 in the FEB

Amos 7 in the GGMNT

Amos 7 in the GNT

Amos 7 in the HARY

Amos 7 in the HNT

Amos 7 in the IRVA

Amos 7 in the IRVB

Amos 7 in the IRVG

Amos 7 in the IRVH

Amos 7 in the IRVK

Amos 7 in the IRVM

Amos 7 in the IRVM2

Amos 7 in the IRVO

Amos 7 in the IRVP

Amos 7 in the IRVT

Amos 7 in the IRVT2

Amos 7 in the IRVU

Amos 7 in the ISVN

Amos 7 in the JSNT

Amos 7 in the KAPI

Amos 7 in the KBT1ETNIK

Amos 7 in the KBV

Amos 7 in the KJV

Amos 7 in the KNFD

Amos 7 in the LBA

Amos 7 in the LBLA

Amos 7 in the LNT

Amos 7 in the LSV

Amos 7 in the MAAL

Amos 7 in the MBV

Amos 7 in the MBV2

Amos 7 in the MHNT

Amos 7 in the MKNFD

Amos 7 in the MNG

Amos 7 in the MNT

Amos 7 in the MNT2

Amos 7 in the MRS1T

Amos 7 in the NAA

Amos 7 in the NASB

Amos 7 in the NBLA

Amos 7 in the NBS

Amos 7 in the NBVTP

Amos 7 in the NET2

Amos 7 in the NIV11

Amos 7 in the NNT

Amos 7 in the NNT2

Amos 7 in the NNT3

Amos 7 in the PDDPT

Amos 7 in the PFNT

Amos 7 in the RMNT

Amos 7 in the SBIAS

Amos 7 in the SBIBS

Amos 7 in the SBIBS2

Amos 7 in the SBICS

Amos 7 in the SBIDS

Amos 7 in the SBIGS

Amos 7 in the SBIHS

Amos 7 in the SBIIS

Amos 7 in the SBIIS2

Amos 7 in the SBIIS3

Amos 7 in the SBIKS

Amos 7 in the SBIKS2

Amos 7 in the SBIMS

Amos 7 in the SBIOS

Amos 7 in the SBIPS

Amos 7 in the SBISS

Amos 7 in the SBITS

Amos 7 in the SBITS2

Amos 7 in the SBITS3

Amos 7 in the SBITS4

Amos 7 in the SBIUS

Amos 7 in the SBIVS

Amos 7 in the SBT

Amos 7 in the SBT1E

Amos 7 in the SCHL

Amos 7 in the SNT

Amos 7 in the SUSU

Amos 7 in the SUSU2

Amos 7 in the SYNO

Amos 7 in the TBIAOTANT

Amos 7 in the TBT1E

Amos 7 in the TBT1E2

Amos 7 in the TFTIP

Amos 7 in the TFTU

Amos 7 in the TGNTATF3T

Amos 7 in the THAI

Amos 7 in the TNFD

Amos 7 in the TNT

Amos 7 in the TNTIK

Amos 7 in the TNTIL

Amos 7 in the TNTIN

Amos 7 in the TNTIP

Amos 7 in the TNTIZ

Amos 7 in the TOMA

Amos 7 in the TTENT

Amos 7 in the UBG

Amos 7 in the UGV

Amos 7 in the UGV2

Amos 7 in the UGV3

Amos 7 in the VBL

Amos 7 in the VDCC

Amos 7 in the YALU

Amos 7 in the YAPE

Amos 7 in the YBVTP

Amos 7 in the ZBP