Deuteronomy 20 (BOSCB)
1 Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi. 2 Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi. 3 Achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo. 4 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei.” 5 Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza. 6 Pane akarima munda womuzambiringa here uye asati atanga kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazodya michero yawo. 7 Pane akatsidzirana nomusikana here uye asati amuwana? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazomuwana.” 8 Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.” 9 Kana vakuru vachinge vapedza kutaura kuvarwi, vanofanira kugadza vatungamiri vehondo. 10 Pamunofamba muchinorwisa guta, munofanira kuriparidzira rugare. 11 Kana varugamuchira vakazarura masuo avo, vanhu vose vomo vanofanira kumanikidzwa kushanda uye vanofanira kukushandirai. 12 Kana vakaramba rugare uye vakarwa nemi, munofanira kukomba guta iroro. 13 Kana Jehovha Mwari wenyu achinge ariisa mumaoko enyu, muuraye varume vose vari mariri. 14 Asi kana vari vakadzi, navana nezvipfuwo uye nezvimwe zvose zviri muguta, munogona kuzvitora sezvakapambwa. Uye mungashandisa zvenyu zvakapambwa izvi zvamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kubva kuvavengi venyu. 15 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kumaguta ose ari chinhambwe kubva kwamuri uye asiri maguta endudzi dziri pedyo. 16 Asi, mumaguta endudzi amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, musasiya chinhu chipi zvacho chipenyu. 17 Vaparadzei zvachose, ivo vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi, sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. 18 Nokuti vangazokudzidzisai tsika dzavo dzinonyangadza dzavanoita vachinamata vamwari wavo, mugotadzira Jehovha Mwari wenyu. 19 Kana mukakomba guta kwenguva refu, muchirirwisa kuti muripambe, musaparadza miti yaro nokuitema nokuti munogona kudya michero yayo. Musaitema. Ko, miti yomusango vanhu here, zvokuti mungaikomba? 20 Zvisinei, mungatema zvenyu miti yamunoziva kuti haisi miti yemichero mugoshandisa pakukomba kusvikira makunda guta ramuri kurwa naro.
In Other Versions
Deuteronomy 20 in the ANGEFD
Deuteronomy 20 in the ANTPNG2D
Deuteronomy 20 in the AS21
Deuteronomy 20 in the BAGH
Deuteronomy 20 in the BBPNG
Deuteronomy 20 in the BBT1E
Deuteronomy 20 in the BDS
Deuteronomy 20 in the BEV
Deuteronomy 20 in the BHAD
Deuteronomy 20 in the BIB
Deuteronomy 20 in the BLPT
Deuteronomy 20 in the BNT
Deuteronomy 20 in the BNTABOOT
Deuteronomy 20 in the BNTLV
Deuteronomy 20 in the BOATCB
Deuteronomy 20 in the BOATCB2
Deuteronomy 20 in the BOBCV
Deuteronomy 20 in the BOCNT
Deuteronomy 20 in the BOECS
Deuteronomy 20 in the BOGWICC
Deuteronomy 20 in the BOHCB
Deuteronomy 20 in the BOHCV
Deuteronomy 20 in the BOHLNT
Deuteronomy 20 in the BOHNTLTAL
Deuteronomy 20 in the BOICB
Deuteronomy 20 in the BOILNTAP
Deuteronomy 20 in the BOITCV
Deuteronomy 20 in the BOKCV
Deuteronomy 20 in the BOKCV2
Deuteronomy 20 in the BOKHWOG
Deuteronomy 20 in the BOKSSV
Deuteronomy 20 in the BOLCB
Deuteronomy 20 in the BOLCB2
Deuteronomy 20 in the BOMCV
Deuteronomy 20 in the BONAV
Deuteronomy 20 in the BONCB
Deuteronomy 20 in the BONLT
Deuteronomy 20 in the BONUT2
Deuteronomy 20 in the BOPLNT
Deuteronomy 20 in the BOSNC
Deuteronomy 20 in the BOTLNT
Deuteronomy 20 in the BOVCB
Deuteronomy 20 in the BOYCB
Deuteronomy 20 in the BPBB
Deuteronomy 20 in the BPH
Deuteronomy 20 in the BSB
Deuteronomy 20 in the CCB
Deuteronomy 20 in the CUV
Deuteronomy 20 in the CUVS
Deuteronomy 20 in the DBT
Deuteronomy 20 in the DGDNT
Deuteronomy 20 in the DHNT
Deuteronomy 20 in the DNT
Deuteronomy 20 in the ELBE
Deuteronomy 20 in the EMTV
Deuteronomy 20 in the ESV
Deuteronomy 20 in the FBV
Deuteronomy 20 in the FEB
Deuteronomy 20 in the GGMNT
Deuteronomy 20 in the GNT
Deuteronomy 20 in the HARY
Deuteronomy 20 in the HNT
Deuteronomy 20 in the IRVA
Deuteronomy 20 in the IRVB
Deuteronomy 20 in the IRVG
Deuteronomy 20 in the IRVH
Deuteronomy 20 in the IRVK
Deuteronomy 20 in the IRVM
Deuteronomy 20 in the IRVM2
Deuteronomy 20 in the IRVO
Deuteronomy 20 in the IRVP
Deuteronomy 20 in the IRVT
Deuteronomy 20 in the IRVT2
Deuteronomy 20 in the IRVU
Deuteronomy 20 in the ISVN
Deuteronomy 20 in the JSNT
Deuteronomy 20 in the KAPI
Deuteronomy 20 in the KBT1ETNIK
Deuteronomy 20 in the KBV
Deuteronomy 20 in the KJV
Deuteronomy 20 in the KNFD
Deuteronomy 20 in the LBA
Deuteronomy 20 in the LBLA
Deuteronomy 20 in the LNT
Deuteronomy 20 in the LSV
Deuteronomy 20 in the MAAL
Deuteronomy 20 in the MBV
Deuteronomy 20 in the MBV2
Deuteronomy 20 in the MHNT
Deuteronomy 20 in the MKNFD
Deuteronomy 20 in the MNG
Deuteronomy 20 in the MNT
Deuteronomy 20 in the MNT2
Deuteronomy 20 in the MRS1T
Deuteronomy 20 in the NAA
Deuteronomy 20 in the NASB
Deuteronomy 20 in the NBLA
Deuteronomy 20 in the NBS
Deuteronomy 20 in the NBVTP
Deuteronomy 20 in the NET2
Deuteronomy 20 in the NIV11
Deuteronomy 20 in the NNT
Deuteronomy 20 in the NNT2
Deuteronomy 20 in the NNT3
Deuteronomy 20 in the PDDPT
Deuteronomy 20 in the PFNT
Deuteronomy 20 in the RMNT
Deuteronomy 20 in the SBIAS
Deuteronomy 20 in the SBIBS
Deuteronomy 20 in the SBIBS2
Deuteronomy 20 in the SBICS
Deuteronomy 20 in the SBIDS
Deuteronomy 20 in the SBIGS
Deuteronomy 20 in the SBIHS
Deuteronomy 20 in the SBIIS
Deuteronomy 20 in the SBIIS2
Deuteronomy 20 in the SBIIS3
Deuteronomy 20 in the SBIKS
Deuteronomy 20 in the SBIKS2
Deuteronomy 20 in the SBIMS
Deuteronomy 20 in the SBIOS
Deuteronomy 20 in the SBIPS
Deuteronomy 20 in the SBISS
Deuteronomy 20 in the SBITS
Deuteronomy 20 in the SBITS2
Deuteronomy 20 in the SBITS3
Deuteronomy 20 in the SBITS4
Deuteronomy 20 in the SBIUS
Deuteronomy 20 in the SBIVS
Deuteronomy 20 in the SBT
Deuteronomy 20 in the SBT1E
Deuteronomy 20 in the SCHL
Deuteronomy 20 in the SNT
Deuteronomy 20 in the SUSU
Deuteronomy 20 in the SUSU2
Deuteronomy 20 in the SYNO
Deuteronomy 20 in the TBIAOTANT
Deuteronomy 20 in the TBT1E
Deuteronomy 20 in the TBT1E2
Deuteronomy 20 in the TFTIP
Deuteronomy 20 in the TFTU
Deuteronomy 20 in the TGNTATF3T
Deuteronomy 20 in the THAI
Deuteronomy 20 in the TNFD
Deuteronomy 20 in the TNT
Deuteronomy 20 in the TNTIK
Deuteronomy 20 in the TNTIL
Deuteronomy 20 in the TNTIN
Deuteronomy 20 in the TNTIP
Deuteronomy 20 in the TNTIZ
Deuteronomy 20 in the TOMA
Deuteronomy 20 in the TTENT
Deuteronomy 20 in the UBG
Deuteronomy 20 in the UGV
Deuteronomy 20 in the UGV2
Deuteronomy 20 in the UGV3
Deuteronomy 20 in the VBL
Deuteronomy 20 in the VDCC
Deuteronomy 20 in the YALU
Deuteronomy 20 in the YAPE
Deuteronomy 20 in the YBVTP
Deuteronomy 20 in the ZBP