Deuteronomy 7 (BOSCB)

1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuurai, 2 uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanira kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi. 3 Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo, 4 nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza. 5 Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo. 6 Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha. 7 Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma kwazvo pandudzi dzose. 8 Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti. 9 Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake. 10 Asivaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza;haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga. 11 Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi. 12 Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu. 13 Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai. 14 Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki. 15 Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai. 16 Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha Mwari wenyu. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri. 17 Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?” 18 Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose. 19 Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino. 20 Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa. 21 Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa. 22 Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi kubva pamberi penyu, zvishoma nezvishoma. Hamungatenderwi kuvaparadza vose kamwe chete, kuti zvikara zvesango zvirege kuwanda munzvimbo dzakakupoteredzai. 23 Asi Jehovha Mwari wenyu achavapa kwamuri, achivakanganisa zvikuru kusvikira vaparadzwa. 24 Achaisa madzimambo avo muruoko rwenyu, uye achabvisa mazita avo pasi pedenga. Hapana achagona kumira pamberi penyu; muchavaparadza. 25 Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe riri pazviri, uye musaritora kuti rive renyu, nokuti ringava musungo kwamuri, nokuti rinonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu. 26 Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa.

In Other Versions

Deuteronomy 7 in the ANGEFD

Deuteronomy 7 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 7 in the AS21

Deuteronomy 7 in the BAGH

Deuteronomy 7 in the BBPNG

Deuteronomy 7 in the BBT1E

Deuteronomy 7 in the BDS

Deuteronomy 7 in the BEV

Deuteronomy 7 in the BHAD

Deuteronomy 7 in the BIB

Deuteronomy 7 in the BLPT

Deuteronomy 7 in the BNT

Deuteronomy 7 in the BNTABOOT

Deuteronomy 7 in the BNTLV

Deuteronomy 7 in the BOATCB

Deuteronomy 7 in the BOATCB2

Deuteronomy 7 in the BOBCV

Deuteronomy 7 in the BOCNT

Deuteronomy 7 in the BOECS

Deuteronomy 7 in the BOGWICC

Deuteronomy 7 in the BOHCB

Deuteronomy 7 in the BOHCV

Deuteronomy 7 in the BOHLNT

Deuteronomy 7 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 7 in the BOICB

Deuteronomy 7 in the BOILNTAP

Deuteronomy 7 in the BOITCV

Deuteronomy 7 in the BOKCV

Deuteronomy 7 in the BOKCV2

Deuteronomy 7 in the BOKHWOG

Deuteronomy 7 in the BOKSSV

Deuteronomy 7 in the BOLCB

Deuteronomy 7 in the BOLCB2

Deuteronomy 7 in the BOMCV

Deuteronomy 7 in the BONAV

Deuteronomy 7 in the BONCB

Deuteronomy 7 in the BONLT

Deuteronomy 7 in the BONUT2

Deuteronomy 7 in the BOPLNT

Deuteronomy 7 in the BOSNC

Deuteronomy 7 in the BOTLNT

Deuteronomy 7 in the BOVCB

Deuteronomy 7 in the BOYCB

Deuteronomy 7 in the BPBB

Deuteronomy 7 in the BPH

Deuteronomy 7 in the BSB

Deuteronomy 7 in the CCB

Deuteronomy 7 in the CUV

Deuteronomy 7 in the CUVS

Deuteronomy 7 in the DBT

Deuteronomy 7 in the DGDNT

Deuteronomy 7 in the DHNT

Deuteronomy 7 in the DNT

Deuteronomy 7 in the ELBE

Deuteronomy 7 in the EMTV

Deuteronomy 7 in the ESV

Deuteronomy 7 in the FBV

Deuteronomy 7 in the FEB

Deuteronomy 7 in the GGMNT

Deuteronomy 7 in the GNT

Deuteronomy 7 in the HARY

Deuteronomy 7 in the HNT

Deuteronomy 7 in the IRVA

Deuteronomy 7 in the IRVB

Deuteronomy 7 in the IRVG

Deuteronomy 7 in the IRVH

Deuteronomy 7 in the IRVK

Deuteronomy 7 in the IRVM

Deuteronomy 7 in the IRVM2

Deuteronomy 7 in the IRVO

Deuteronomy 7 in the IRVP

Deuteronomy 7 in the IRVT

Deuteronomy 7 in the IRVT2

Deuteronomy 7 in the IRVU

Deuteronomy 7 in the ISVN

Deuteronomy 7 in the JSNT

Deuteronomy 7 in the KAPI

Deuteronomy 7 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 7 in the KBV

Deuteronomy 7 in the KJV

Deuteronomy 7 in the KNFD

Deuteronomy 7 in the LBA

Deuteronomy 7 in the LBLA

Deuteronomy 7 in the LNT

Deuteronomy 7 in the LSV

Deuteronomy 7 in the MAAL

Deuteronomy 7 in the MBV

Deuteronomy 7 in the MBV2

Deuteronomy 7 in the MHNT

Deuteronomy 7 in the MKNFD

Deuteronomy 7 in the MNG

Deuteronomy 7 in the MNT

Deuteronomy 7 in the MNT2

Deuteronomy 7 in the MRS1T

Deuteronomy 7 in the NAA

Deuteronomy 7 in the NASB

Deuteronomy 7 in the NBLA

Deuteronomy 7 in the NBS

Deuteronomy 7 in the NBVTP

Deuteronomy 7 in the NET2

Deuteronomy 7 in the NIV11

Deuteronomy 7 in the NNT

Deuteronomy 7 in the NNT2

Deuteronomy 7 in the NNT3

Deuteronomy 7 in the PDDPT

Deuteronomy 7 in the PFNT

Deuteronomy 7 in the RMNT

Deuteronomy 7 in the SBIAS

Deuteronomy 7 in the SBIBS

Deuteronomy 7 in the SBIBS2

Deuteronomy 7 in the SBICS

Deuteronomy 7 in the SBIDS

Deuteronomy 7 in the SBIGS

Deuteronomy 7 in the SBIHS

Deuteronomy 7 in the SBIIS

Deuteronomy 7 in the SBIIS2

Deuteronomy 7 in the SBIIS3

Deuteronomy 7 in the SBIKS

Deuteronomy 7 in the SBIKS2

Deuteronomy 7 in the SBIMS

Deuteronomy 7 in the SBIOS

Deuteronomy 7 in the SBIPS

Deuteronomy 7 in the SBISS

Deuteronomy 7 in the SBITS

Deuteronomy 7 in the SBITS2

Deuteronomy 7 in the SBITS3

Deuteronomy 7 in the SBITS4

Deuteronomy 7 in the SBIUS

Deuteronomy 7 in the SBIVS

Deuteronomy 7 in the SBT

Deuteronomy 7 in the SBT1E

Deuteronomy 7 in the SCHL

Deuteronomy 7 in the SNT

Deuteronomy 7 in the SUSU

Deuteronomy 7 in the SUSU2

Deuteronomy 7 in the SYNO

Deuteronomy 7 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 7 in the TBT1E

Deuteronomy 7 in the TBT1E2

Deuteronomy 7 in the TFTIP

Deuteronomy 7 in the TFTU

Deuteronomy 7 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 7 in the THAI

Deuteronomy 7 in the TNFD

Deuteronomy 7 in the TNT

Deuteronomy 7 in the TNTIK

Deuteronomy 7 in the TNTIL

Deuteronomy 7 in the TNTIN

Deuteronomy 7 in the TNTIP

Deuteronomy 7 in the TNTIZ

Deuteronomy 7 in the TOMA

Deuteronomy 7 in the TTENT

Deuteronomy 7 in the UBG

Deuteronomy 7 in the UGV

Deuteronomy 7 in the UGV2

Deuteronomy 7 in the UGV3

Deuteronomy 7 in the VBL

Deuteronomy 7 in the VDCC

Deuteronomy 7 in the YALU

Deuteronomy 7 in the YAPE

Deuteronomy 7 in the YBVTP

Deuteronomy 7 in the ZBP