Esther 1 (BOSCB)

1 Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: 2 Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani 3 uye mugore rake rechitatu akaitira makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo. 4 Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara. 5 Mazuva aya akati apera, mambo akaita mabiko akapedza mazuva manomwe, mumunhanga webindu romuzinda wamambo achiitira vanhu vose kubva kuvadiki kusvikira kuvakuru, vaigara munhare yeShushani. 6 Bindu raiva nezvakarembedzwa zvichena nezvebhuruu zvomucheka, zvakanga zvakasungirirwa nezvisungo zvomucheka muchena nowepepuru, kuzvikochekedzo zvesirivha pamusoro pembiru dzamatombo akanga akavezwa. Paiva nezvigaro zvegoridhe nezvesirivha pamusoro penzira yamatombo mashava, machena namamwewo anokosha. 7 Waini yaipiwa vanhu mumidziyo yegoridhe, yakasiyana-siyana, uye waini yamambo yakanga yakawanda, samambo, asingavanyimi napaduku. 8 Vakakokwa vakabvumirwa kunwa pamadiro, nokuti mambo akarayira vatariri vewaini vose kuti vagovere mumwe nomumwe sezvaaida. 9 VaHosi Vhashiti vakaitawo mabiko amadzimai mumuzinda waMambo Zekisesi. 10 Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi, 11 kuti vauye navaHosi Vhashiti, vakapfeka korona youmambo, kuti aratidze runako rwavo kuvanhu nokumakurukota, nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. 12 Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha. 13 Ipapo mambo akabvunza vachenjeri vaiziva murayiro uye vainzwisisa zvenguva sezvo yaiva tsika yamadzimambo kubvunza nyanzvi dzezvomurayiro nokururamisira, 14 uye vaiva pedyo kwazvo namambo vaiti: Kashena, Sheta, Adhumata, Tashishi, Meresi, Masena naMemukani, makurukota manomwe ePezhia neMedhia avo vaiva nekodzero yokupinda kuna mambo uye vaikudzwa muumambo. 15 Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.” 16 Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi. 17 Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’ 18 Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi. 19 “Naizvozvo, kana mambo achifara nazvo, ngaateme chirevo chamambo uye ngachinyorwe mumirayiro yavaPezhia navaMedhia, isingagoni kushandurwa kuti Vhashiti haachazosvikizve pamberi paMambo Zekisesi. Uyezve mambo ngaape chinzvimbo chake muumambo kuno mumwe ari nani kupinda iye. 20 Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.” 21 Mambo namakurukota ake vakafadzwa nezano iri, saka mambo akaita sezvakanga zvarehwa naMemukani. 22 Akatumira matsamba kumativi ose oumambo hwake, kunyika imwe neimwe norunyoro rwayo nokumunhu mumwe nomumwe nomutauro wake achizivisa norurimi rwavanhu kuti murume mumwe nomumwe ave nesimba pamusoro peimba yake.

In Other Versions

Esther 1 in the ANGEFD

Esther 1 in the ANTPNG2D

Esther 1 in the AS21

Esther 1 in the BAGH

Esther 1 in the BBPNG

Esther 1 in the BBT1E

Esther 1 in the BDS

Esther 1 in the BEV

Esther 1 in the BHAD

Esther 1 in the BIB

Esther 1 in the BLPT

Esther 1 in the BNT

Esther 1 in the BNTABOOT

Esther 1 in the BNTLV

Esther 1 in the BOATCB

Esther 1 in the BOATCB2

Esther 1 in the BOBCV

Esther 1 in the BOCNT

Esther 1 in the BOECS

Esther 1 in the BOGWICC

Esther 1 in the BOHCB

Esther 1 in the BOHCV

Esther 1 in the BOHLNT

Esther 1 in the BOHNTLTAL

Esther 1 in the BOICB

Esther 1 in the BOILNTAP

Esther 1 in the BOITCV

Esther 1 in the BOKCV

Esther 1 in the BOKCV2

Esther 1 in the BOKHWOG

Esther 1 in the BOKSSV

Esther 1 in the BOLCB

Esther 1 in the BOLCB2

Esther 1 in the BOMCV

Esther 1 in the BONAV

Esther 1 in the BONCB

Esther 1 in the BONLT

Esther 1 in the BONUT2

Esther 1 in the BOPLNT

Esther 1 in the BOSNC

Esther 1 in the BOTLNT

Esther 1 in the BOVCB

Esther 1 in the BOYCB

Esther 1 in the BPBB

Esther 1 in the BPH

Esther 1 in the BSB

Esther 1 in the CCB

Esther 1 in the CUV

Esther 1 in the CUVS

Esther 1 in the DBT

Esther 1 in the DGDNT

Esther 1 in the DHNT

Esther 1 in the DNT

Esther 1 in the ELBE

Esther 1 in the EMTV

Esther 1 in the ESV

Esther 1 in the FBV

Esther 1 in the FEB

Esther 1 in the GGMNT

Esther 1 in the GNT

Esther 1 in the HARY

Esther 1 in the HNT

Esther 1 in the IRVA

Esther 1 in the IRVB

Esther 1 in the IRVG

Esther 1 in the IRVH

Esther 1 in the IRVK

Esther 1 in the IRVM

Esther 1 in the IRVM2

Esther 1 in the IRVO

Esther 1 in the IRVP

Esther 1 in the IRVT

Esther 1 in the IRVT2

Esther 1 in the IRVU

Esther 1 in the ISVN

Esther 1 in the JSNT

Esther 1 in the KAPI

Esther 1 in the KBT1ETNIK

Esther 1 in the KBV

Esther 1 in the KJV

Esther 1 in the KNFD

Esther 1 in the LBA

Esther 1 in the LBLA

Esther 1 in the LNT

Esther 1 in the LSV

Esther 1 in the MAAL

Esther 1 in the MBV

Esther 1 in the MBV2

Esther 1 in the MHNT

Esther 1 in the MKNFD

Esther 1 in the MNG

Esther 1 in the MNT

Esther 1 in the MNT2

Esther 1 in the MRS1T

Esther 1 in the NAA

Esther 1 in the NASB

Esther 1 in the NBLA

Esther 1 in the NBS

Esther 1 in the NBVTP

Esther 1 in the NET2

Esther 1 in the NIV11

Esther 1 in the NNT

Esther 1 in the NNT2

Esther 1 in the NNT3

Esther 1 in the PDDPT

Esther 1 in the PFNT

Esther 1 in the RMNT

Esther 1 in the SBIAS

Esther 1 in the SBIBS

Esther 1 in the SBIBS2

Esther 1 in the SBICS

Esther 1 in the SBIDS

Esther 1 in the SBIGS

Esther 1 in the SBIHS

Esther 1 in the SBIIS

Esther 1 in the SBIIS2

Esther 1 in the SBIIS3

Esther 1 in the SBIKS

Esther 1 in the SBIKS2

Esther 1 in the SBIMS

Esther 1 in the SBIOS

Esther 1 in the SBIPS

Esther 1 in the SBISS

Esther 1 in the SBITS

Esther 1 in the SBITS2

Esther 1 in the SBITS3

Esther 1 in the SBITS4

Esther 1 in the SBIUS

Esther 1 in the SBIVS

Esther 1 in the SBT

Esther 1 in the SBT1E

Esther 1 in the SCHL

Esther 1 in the SNT

Esther 1 in the SUSU

Esther 1 in the SUSU2

Esther 1 in the SYNO

Esther 1 in the TBIAOTANT

Esther 1 in the TBT1E

Esther 1 in the TBT1E2

Esther 1 in the TFTIP

Esther 1 in the TFTU

Esther 1 in the TGNTATF3T

Esther 1 in the THAI

Esther 1 in the TNFD

Esther 1 in the TNT

Esther 1 in the TNTIK

Esther 1 in the TNTIL

Esther 1 in the TNTIN

Esther 1 in the TNTIP

Esther 1 in the TNTIZ

Esther 1 in the TOMA

Esther 1 in the TTENT

Esther 1 in the UBG

Esther 1 in the UGV

Esther 1 in the UGV2

Esther 1 in the UGV3

Esther 1 in the VBL

Esther 1 in the VDCC

Esther 1 in the YALU

Esther 1 in the YAPE

Esther 1 in the YBVTP

Esther 1 in the ZBP