Exodus 12 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, 2 “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. 3 Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. 4 Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe. 5 Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi. 6 Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana. 7 Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari. 8 Usiku ihwohwo vanofanira kudya nyama yakagochwa pamoto, pamwe chete nemiriwo inovava, nechingwa chisina mbiriso. 9 Musadya nyama iri mbishi kana yakabikwa mumvura, asi mugoche pamoto, musoro, makumbo uye nezvomukati. 10 Musasiya kana chimwe charo kusvikira mangwanani; kana zvimwe zvikasara kusvikira mangwanani, munofanira kuzvipisa. 11 Aya ndiwo madyiro amunoriita: Majasi akasungwa nebhanhire, makapfeka shangu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo dzenyu dziri mumaoko enyu. Muridye nokukurumidza; ndiyo Pasika yaJehovha. 12 “Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha. 13 Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti. 14 “Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kuzvizvarwa zvinotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi. 15 Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. 16 Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita. 17 “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kuzvizvarwa zvinotevera. 18 Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe. 19 Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo. 20 Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” 21 Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika. 22 Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani. 23 Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei. 24 “Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. 25 Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. 26 Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ 27 Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. 28 VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. 29 Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. 30 Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa. 31 Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira. 32 Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.” 33 VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!” 34 Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka. 35 VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka. 36 Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita. 37 VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana. 38 Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe. 39 Vakabika makeke ezvingwa zvisina mbiriso nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya. 40 Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu. 41 Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti. 42 Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose. 43 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika:“Mutorwa haafaniri kuidya. 44 Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa, 45 asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya. 46 “Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa. 47 Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera. 48 “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya. 49 Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.” 50 VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. 51 Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.

In Other Versions

Exodus 12 in the ANGEFD

Exodus 12 in the ANTPNG2D

Exodus 12 in the AS21

Exodus 12 in the BAGH

Exodus 12 in the BBPNG

Exodus 12 in the BBT1E

Exodus 12 in the BDS

Exodus 12 in the BEV

Exodus 12 in the BHAD

Exodus 12 in the BIB

Exodus 12 in the BLPT

Exodus 12 in the BNT

Exodus 12 in the BNTABOOT

Exodus 12 in the BNTLV

Exodus 12 in the BOATCB

Exodus 12 in the BOATCB2

Exodus 12 in the BOBCV

Exodus 12 in the BOCNT

Exodus 12 in the BOECS

Exodus 12 in the BOGWICC

Exodus 12 in the BOHCB

Exodus 12 in the BOHCV

Exodus 12 in the BOHLNT

Exodus 12 in the BOHNTLTAL

Exodus 12 in the BOICB

Exodus 12 in the BOILNTAP

Exodus 12 in the BOITCV

Exodus 12 in the BOKCV

Exodus 12 in the BOKCV2

Exodus 12 in the BOKHWOG

Exodus 12 in the BOKSSV

Exodus 12 in the BOLCB

Exodus 12 in the BOLCB2

Exodus 12 in the BOMCV

Exodus 12 in the BONAV

Exodus 12 in the BONCB

Exodus 12 in the BONLT

Exodus 12 in the BONUT2

Exodus 12 in the BOPLNT

Exodus 12 in the BOSNC

Exodus 12 in the BOTLNT

Exodus 12 in the BOVCB

Exodus 12 in the BOYCB

Exodus 12 in the BPBB

Exodus 12 in the BPH

Exodus 12 in the BSB

Exodus 12 in the CCB

Exodus 12 in the CUV

Exodus 12 in the CUVS

Exodus 12 in the DBT

Exodus 12 in the DGDNT

Exodus 12 in the DHNT

Exodus 12 in the DNT

Exodus 12 in the ELBE

Exodus 12 in the EMTV

Exodus 12 in the ESV

Exodus 12 in the FBV

Exodus 12 in the FEB

Exodus 12 in the GGMNT

Exodus 12 in the GNT

Exodus 12 in the HARY

Exodus 12 in the HNT

Exodus 12 in the IRVA

Exodus 12 in the IRVB

Exodus 12 in the IRVG

Exodus 12 in the IRVH

Exodus 12 in the IRVK

Exodus 12 in the IRVM

Exodus 12 in the IRVM2

Exodus 12 in the IRVO

Exodus 12 in the IRVP

Exodus 12 in the IRVT

Exodus 12 in the IRVT2

Exodus 12 in the IRVU

Exodus 12 in the ISVN

Exodus 12 in the JSNT

Exodus 12 in the KAPI

Exodus 12 in the KBT1ETNIK

Exodus 12 in the KBV

Exodus 12 in the KJV

Exodus 12 in the KNFD

Exodus 12 in the LBA

Exodus 12 in the LBLA

Exodus 12 in the LNT

Exodus 12 in the LSV

Exodus 12 in the MAAL

Exodus 12 in the MBV

Exodus 12 in the MBV2

Exodus 12 in the MHNT

Exodus 12 in the MKNFD

Exodus 12 in the MNG

Exodus 12 in the MNT

Exodus 12 in the MNT2

Exodus 12 in the MRS1T

Exodus 12 in the NAA

Exodus 12 in the NASB

Exodus 12 in the NBLA

Exodus 12 in the NBS

Exodus 12 in the NBVTP

Exodus 12 in the NET2

Exodus 12 in the NIV11

Exodus 12 in the NNT

Exodus 12 in the NNT2

Exodus 12 in the NNT3

Exodus 12 in the PDDPT

Exodus 12 in the PFNT

Exodus 12 in the RMNT

Exodus 12 in the SBIAS

Exodus 12 in the SBIBS

Exodus 12 in the SBIBS2

Exodus 12 in the SBICS

Exodus 12 in the SBIDS

Exodus 12 in the SBIGS

Exodus 12 in the SBIHS

Exodus 12 in the SBIIS

Exodus 12 in the SBIIS2

Exodus 12 in the SBIIS3

Exodus 12 in the SBIKS

Exodus 12 in the SBIKS2

Exodus 12 in the SBIMS

Exodus 12 in the SBIOS

Exodus 12 in the SBIPS

Exodus 12 in the SBISS

Exodus 12 in the SBITS

Exodus 12 in the SBITS2

Exodus 12 in the SBITS3

Exodus 12 in the SBITS4

Exodus 12 in the SBIUS

Exodus 12 in the SBIVS

Exodus 12 in the SBT

Exodus 12 in the SBT1E

Exodus 12 in the SCHL

Exodus 12 in the SNT

Exodus 12 in the SUSU

Exodus 12 in the SUSU2

Exodus 12 in the SYNO

Exodus 12 in the TBIAOTANT

Exodus 12 in the TBT1E

Exodus 12 in the TBT1E2

Exodus 12 in the TFTIP

Exodus 12 in the TFTU

Exodus 12 in the TGNTATF3T

Exodus 12 in the THAI

Exodus 12 in the TNFD

Exodus 12 in the TNT

Exodus 12 in the TNTIK

Exodus 12 in the TNTIL

Exodus 12 in the TNTIN

Exodus 12 in the TNTIP

Exodus 12 in the TNTIZ

Exodus 12 in the TOMA

Exodus 12 in the TTENT

Exodus 12 in the UBG

Exodus 12 in the UGV

Exodus 12 in the UGV2

Exodus 12 in the UGV3

Exodus 12 in the VBL

Exodus 12 in the VDCC

Exodus 12 in the YALU

Exodus 12 in the YAPE

Exodus 12 in the YBVTP

Exodus 12 in the ZBP