Exodus 8 (BOSCB)

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. 2 Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya. 3 Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye nomuzvoto zvako nepokukanyira chingwa. 4 Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ” 5 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ” 6 Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika. 7 Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti. 8 Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.” 9 Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muna Nairi chete.” 10 Faro akati, “Mangwana.”Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu. 11 Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, kumachinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.” 12 Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro. 13 Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda. 14 Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo. 15 Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 16 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.” 17 Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu. 18 Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. 19 Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 20 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. 21 Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire. 22 “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno. 23 Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ” 24 Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi. 25 Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.” 26 Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here? 27 Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.” 28 Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.” 29 Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.” 30 Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha, 31 uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara. 32 Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.

In Other Versions

Exodus 8 in the ANGEFD

Exodus 8 in the ANTPNG2D

Exodus 8 in the AS21

Exodus 8 in the BAGH

Exodus 8 in the BBPNG

Exodus 8 in the BBT1E

Exodus 8 in the BDS

Exodus 8 in the BEV

Exodus 8 in the BHAD

Exodus 8 in the BIB

Exodus 8 in the BLPT

Exodus 8 in the BNT

Exodus 8 in the BNTABOOT

Exodus 8 in the BNTLV

Exodus 8 in the BOATCB

Exodus 8 in the BOATCB2

Exodus 8 in the BOBCV

Exodus 8 in the BOCNT

Exodus 8 in the BOECS

Exodus 8 in the BOGWICC

Exodus 8 in the BOHCB

Exodus 8 in the BOHCV

Exodus 8 in the BOHLNT

Exodus 8 in the BOHNTLTAL

Exodus 8 in the BOICB

Exodus 8 in the BOILNTAP

Exodus 8 in the BOITCV

Exodus 8 in the BOKCV

Exodus 8 in the BOKCV2

Exodus 8 in the BOKHWOG

Exodus 8 in the BOKSSV

Exodus 8 in the BOLCB

Exodus 8 in the BOLCB2

Exodus 8 in the BOMCV

Exodus 8 in the BONAV

Exodus 8 in the BONCB

Exodus 8 in the BONLT

Exodus 8 in the BONUT2

Exodus 8 in the BOPLNT

Exodus 8 in the BOSNC

Exodus 8 in the BOTLNT

Exodus 8 in the BOVCB

Exodus 8 in the BOYCB

Exodus 8 in the BPBB

Exodus 8 in the BPH

Exodus 8 in the BSB

Exodus 8 in the CCB

Exodus 8 in the CUV

Exodus 8 in the CUVS

Exodus 8 in the DBT

Exodus 8 in the DGDNT

Exodus 8 in the DHNT

Exodus 8 in the DNT

Exodus 8 in the ELBE

Exodus 8 in the EMTV

Exodus 8 in the ESV

Exodus 8 in the FBV

Exodus 8 in the FEB

Exodus 8 in the GGMNT

Exodus 8 in the GNT

Exodus 8 in the HARY

Exodus 8 in the HNT

Exodus 8 in the IRVA

Exodus 8 in the IRVB

Exodus 8 in the IRVG

Exodus 8 in the IRVH

Exodus 8 in the IRVK

Exodus 8 in the IRVM

Exodus 8 in the IRVM2

Exodus 8 in the IRVO

Exodus 8 in the IRVP

Exodus 8 in the IRVT

Exodus 8 in the IRVT2

Exodus 8 in the IRVU

Exodus 8 in the ISVN

Exodus 8 in the JSNT

Exodus 8 in the KAPI

Exodus 8 in the KBT1ETNIK

Exodus 8 in the KBV

Exodus 8 in the KJV

Exodus 8 in the KNFD

Exodus 8 in the LBA

Exodus 8 in the LBLA

Exodus 8 in the LNT

Exodus 8 in the LSV

Exodus 8 in the MAAL

Exodus 8 in the MBV

Exodus 8 in the MBV2

Exodus 8 in the MHNT

Exodus 8 in the MKNFD

Exodus 8 in the MNG

Exodus 8 in the MNT

Exodus 8 in the MNT2

Exodus 8 in the MRS1T

Exodus 8 in the NAA

Exodus 8 in the NASB

Exodus 8 in the NBLA

Exodus 8 in the NBS

Exodus 8 in the NBVTP

Exodus 8 in the NET2

Exodus 8 in the NIV11

Exodus 8 in the NNT

Exodus 8 in the NNT2

Exodus 8 in the NNT3

Exodus 8 in the PDDPT

Exodus 8 in the PFNT

Exodus 8 in the RMNT

Exodus 8 in the SBIAS

Exodus 8 in the SBIBS

Exodus 8 in the SBIBS2

Exodus 8 in the SBICS

Exodus 8 in the SBIDS

Exodus 8 in the SBIGS

Exodus 8 in the SBIHS

Exodus 8 in the SBIIS

Exodus 8 in the SBIIS2

Exodus 8 in the SBIIS3

Exodus 8 in the SBIKS

Exodus 8 in the SBIKS2

Exodus 8 in the SBIMS

Exodus 8 in the SBIOS

Exodus 8 in the SBIPS

Exodus 8 in the SBISS

Exodus 8 in the SBITS

Exodus 8 in the SBITS2

Exodus 8 in the SBITS3

Exodus 8 in the SBITS4

Exodus 8 in the SBIUS

Exodus 8 in the SBIVS

Exodus 8 in the SBT

Exodus 8 in the SBT1E

Exodus 8 in the SCHL

Exodus 8 in the SNT

Exodus 8 in the SUSU

Exodus 8 in the SUSU2

Exodus 8 in the SYNO

Exodus 8 in the TBIAOTANT

Exodus 8 in the TBT1E

Exodus 8 in the TBT1E2

Exodus 8 in the TFTIP

Exodus 8 in the TFTU

Exodus 8 in the TGNTATF3T

Exodus 8 in the THAI

Exodus 8 in the TNFD

Exodus 8 in the TNT

Exodus 8 in the TNTIK

Exodus 8 in the TNTIL

Exodus 8 in the TNTIN

Exodus 8 in the TNTIP

Exodus 8 in the TNTIZ

Exodus 8 in the TOMA

Exodus 8 in the TTENT

Exodus 8 in the UBG

Exodus 8 in the UGV

Exodus 8 in the UGV2

Exodus 8 in the UGV3

Exodus 8 in the VBL

Exodus 8 in the VDCC

Exodus 8 in the YALU

Exodus 8 in the YAPE

Exodus 8 in the YBVTP

Exodus 8 in the ZBP