Ezra 6 (BOSCB)

1 Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi. 2 Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri:Chiziviso: 3 Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatu paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi, 4 ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo. 5 Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari. 6 Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi. 7 Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo. 8 Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari:Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira. 9 Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondobwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki, 10 kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake. 11 Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara. 12 Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema.Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka. 13 Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa. 14 Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZekaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia. 15 Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi. 16 Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro. 17 Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondobwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri. 18 Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi. 19 Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika. 20 Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene. 21 Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vokune dzimwe ndudzi, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri. 22 Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri.

In Other Versions

Ezra 6 in the ANGEFD

Ezra 6 in the ANTPNG2D

Ezra 6 in the AS21

Ezra 6 in the BAGH

Ezra 6 in the BBPNG

Ezra 6 in the BBT1E

Ezra 6 in the BDS

Ezra 6 in the BEV

Ezra 6 in the BHAD

Ezra 6 in the BIB

Ezra 6 in the BLPT

Ezra 6 in the BNT

Ezra 6 in the BNTABOOT

Ezra 6 in the BNTLV

Ezra 6 in the BOATCB

Ezra 6 in the BOATCB2

Ezra 6 in the BOBCV

Ezra 6 in the BOCNT

Ezra 6 in the BOECS

Ezra 6 in the BOGWICC

Ezra 6 in the BOHCB

Ezra 6 in the BOHCV

Ezra 6 in the BOHLNT

Ezra 6 in the BOHNTLTAL

Ezra 6 in the BOICB

Ezra 6 in the BOILNTAP

Ezra 6 in the BOITCV

Ezra 6 in the BOKCV

Ezra 6 in the BOKCV2

Ezra 6 in the BOKHWOG

Ezra 6 in the BOKSSV

Ezra 6 in the BOLCB

Ezra 6 in the BOLCB2

Ezra 6 in the BOMCV

Ezra 6 in the BONAV

Ezra 6 in the BONCB

Ezra 6 in the BONLT

Ezra 6 in the BONUT2

Ezra 6 in the BOPLNT

Ezra 6 in the BOSNC

Ezra 6 in the BOTLNT

Ezra 6 in the BOVCB

Ezra 6 in the BOYCB

Ezra 6 in the BPBB

Ezra 6 in the BPH

Ezra 6 in the BSB

Ezra 6 in the CCB

Ezra 6 in the CUV

Ezra 6 in the CUVS

Ezra 6 in the DBT

Ezra 6 in the DGDNT

Ezra 6 in the DHNT

Ezra 6 in the DNT

Ezra 6 in the ELBE

Ezra 6 in the EMTV

Ezra 6 in the ESV

Ezra 6 in the FBV

Ezra 6 in the FEB

Ezra 6 in the GGMNT

Ezra 6 in the GNT

Ezra 6 in the HARY

Ezra 6 in the HNT

Ezra 6 in the IRVA

Ezra 6 in the IRVB

Ezra 6 in the IRVG

Ezra 6 in the IRVH

Ezra 6 in the IRVK

Ezra 6 in the IRVM

Ezra 6 in the IRVM2

Ezra 6 in the IRVO

Ezra 6 in the IRVP

Ezra 6 in the IRVT

Ezra 6 in the IRVT2

Ezra 6 in the IRVU

Ezra 6 in the ISVN

Ezra 6 in the JSNT

Ezra 6 in the KAPI

Ezra 6 in the KBT1ETNIK

Ezra 6 in the KBV

Ezra 6 in the KJV

Ezra 6 in the KNFD

Ezra 6 in the LBA

Ezra 6 in the LBLA

Ezra 6 in the LNT

Ezra 6 in the LSV

Ezra 6 in the MAAL

Ezra 6 in the MBV

Ezra 6 in the MBV2

Ezra 6 in the MHNT

Ezra 6 in the MKNFD

Ezra 6 in the MNG

Ezra 6 in the MNT

Ezra 6 in the MNT2

Ezra 6 in the MRS1T

Ezra 6 in the NAA

Ezra 6 in the NASB

Ezra 6 in the NBLA

Ezra 6 in the NBS

Ezra 6 in the NBVTP

Ezra 6 in the NET2

Ezra 6 in the NIV11

Ezra 6 in the NNT

Ezra 6 in the NNT2

Ezra 6 in the NNT3

Ezra 6 in the PDDPT

Ezra 6 in the PFNT

Ezra 6 in the RMNT

Ezra 6 in the SBIAS

Ezra 6 in the SBIBS

Ezra 6 in the SBIBS2

Ezra 6 in the SBICS

Ezra 6 in the SBIDS

Ezra 6 in the SBIGS

Ezra 6 in the SBIHS

Ezra 6 in the SBIIS

Ezra 6 in the SBIIS2

Ezra 6 in the SBIIS3

Ezra 6 in the SBIKS

Ezra 6 in the SBIKS2

Ezra 6 in the SBIMS

Ezra 6 in the SBIOS

Ezra 6 in the SBIPS

Ezra 6 in the SBISS

Ezra 6 in the SBITS

Ezra 6 in the SBITS2

Ezra 6 in the SBITS3

Ezra 6 in the SBITS4

Ezra 6 in the SBIUS

Ezra 6 in the SBIVS

Ezra 6 in the SBT

Ezra 6 in the SBT1E

Ezra 6 in the SCHL

Ezra 6 in the SNT

Ezra 6 in the SUSU

Ezra 6 in the SUSU2

Ezra 6 in the SYNO

Ezra 6 in the TBIAOTANT

Ezra 6 in the TBT1E

Ezra 6 in the TBT1E2

Ezra 6 in the TFTIP

Ezra 6 in the TFTU

Ezra 6 in the TGNTATF3T

Ezra 6 in the THAI

Ezra 6 in the TNFD

Ezra 6 in the TNT

Ezra 6 in the TNTIK

Ezra 6 in the TNTIL

Ezra 6 in the TNTIN

Ezra 6 in the TNTIP

Ezra 6 in the TNTIZ

Ezra 6 in the TOMA

Ezra 6 in the TTENT

Ezra 6 in the UBG

Ezra 6 in the UGV

Ezra 6 in the UGV2

Ezra 6 in the UGV3

Ezra 6 in the VBL

Ezra 6 in the VDCC

Ezra 6 in the YALU

Ezra 6 in the YAPE

Ezra 6 in the YBVTP

Ezra 6 in the ZBP