Ezra 8 (BOSCB)

1 Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi: 2 kuzvizvarwa zvaFinehasi,Gerishomi;kuzvizvarwa zvaItamari,Dhanieri;kuzvizvarwa zvaDhavhidhi,Hatushi 3 akabva kuzvizvarwa zvaShekania;kuzvizvarwa zvaParoshi,Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu; 4 kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu,Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri; 5 kuzvizvarwa zvaZatu,Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu; 6 kuzvizvarwa zvaAdhini,Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu; 7 kuzvizvarwa zvaEramu,Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe; 8 kuzvizvarwa zvaShefatia,Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere; 9 kuzvizvarwa zvaJoabhu,Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere; 10 kuzvizvarwa zvaBhani,Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu; 11 kuzvizvarwa zvaBhebhai,Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere; 12 kuzvizvarwa zvaAzigadhi,Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi; 13 kuzvizvarwa zvaAdhonikami,ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu; 14 kuzvizvarwa zvaBhigivhai,Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe. 15 Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo. 16 Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza, 17 uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri. 18 Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aiva nounyanzvi, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere, 19 uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri. 20 Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo. 21 Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose. 22 Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.” 23 Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu. 24 Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi, 25 uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose. 26 Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanu esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zana, namatarenda zana egoridhe, 27 mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chete, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe. 28 Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 29 Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.” 30 Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema. 31 Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira. 32 Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu. 33 Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui. 34 Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo. 35 Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondobwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha. 36 Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari.

In Other Versions

Ezra 8 in the ANGEFD

Ezra 8 in the ANTPNG2D

Ezra 8 in the AS21

Ezra 8 in the BAGH

Ezra 8 in the BBPNG

Ezra 8 in the BBT1E

Ezra 8 in the BDS

Ezra 8 in the BEV

Ezra 8 in the BHAD

Ezra 8 in the BIB

Ezra 8 in the BLPT

Ezra 8 in the BNT

Ezra 8 in the BNTABOOT

Ezra 8 in the BNTLV

Ezra 8 in the BOATCB

Ezra 8 in the BOATCB2

Ezra 8 in the BOBCV

Ezra 8 in the BOCNT

Ezra 8 in the BOECS

Ezra 8 in the BOGWICC

Ezra 8 in the BOHCB

Ezra 8 in the BOHCV

Ezra 8 in the BOHLNT

Ezra 8 in the BOHNTLTAL

Ezra 8 in the BOICB

Ezra 8 in the BOILNTAP

Ezra 8 in the BOITCV

Ezra 8 in the BOKCV

Ezra 8 in the BOKCV2

Ezra 8 in the BOKHWOG

Ezra 8 in the BOKSSV

Ezra 8 in the BOLCB

Ezra 8 in the BOLCB2

Ezra 8 in the BOMCV

Ezra 8 in the BONAV

Ezra 8 in the BONCB

Ezra 8 in the BONLT

Ezra 8 in the BONUT2

Ezra 8 in the BOPLNT

Ezra 8 in the BOSNC

Ezra 8 in the BOTLNT

Ezra 8 in the BOVCB

Ezra 8 in the BOYCB

Ezra 8 in the BPBB

Ezra 8 in the BPH

Ezra 8 in the BSB

Ezra 8 in the CCB

Ezra 8 in the CUV

Ezra 8 in the CUVS

Ezra 8 in the DBT

Ezra 8 in the DGDNT

Ezra 8 in the DHNT

Ezra 8 in the DNT

Ezra 8 in the ELBE

Ezra 8 in the EMTV

Ezra 8 in the ESV

Ezra 8 in the FBV

Ezra 8 in the FEB

Ezra 8 in the GGMNT

Ezra 8 in the GNT

Ezra 8 in the HARY

Ezra 8 in the HNT

Ezra 8 in the IRVA

Ezra 8 in the IRVB

Ezra 8 in the IRVG

Ezra 8 in the IRVH

Ezra 8 in the IRVK

Ezra 8 in the IRVM

Ezra 8 in the IRVM2

Ezra 8 in the IRVO

Ezra 8 in the IRVP

Ezra 8 in the IRVT

Ezra 8 in the IRVT2

Ezra 8 in the IRVU

Ezra 8 in the ISVN

Ezra 8 in the JSNT

Ezra 8 in the KAPI

Ezra 8 in the KBT1ETNIK

Ezra 8 in the KBV

Ezra 8 in the KJV

Ezra 8 in the KNFD

Ezra 8 in the LBA

Ezra 8 in the LBLA

Ezra 8 in the LNT

Ezra 8 in the LSV

Ezra 8 in the MAAL

Ezra 8 in the MBV

Ezra 8 in the MBV2

Ezra 8 in the MHNT

Ezra 8 in the MKNFD

Ezra 8 in the MNG

Ezra 8 in the MNT

Ezra 8 in the MNT2

Ezra 8 in the MRS1T

Ezra 8 in the NAA

Ezra 8 in the NASB

Ezra 8 in the NBLA

Ezra 8 in the NBS

Ezra 8 in the NBVTP

Ezra 8 in the NET2

Ezra 8 in the NIV11

Ezra 8 in the NNT

Ezra 8 in the NNT2

Ezra 8 in the NNT3

Ezra 8 in the PDDPT

Ezra 8 in the PFNT

Ezra 8 in the RMNT

Ezra 8 in the SBIAS

Ezra 8 in the SBIBS

Ezra 8 in the SBIBS2

Ezra 8 in the SBICS

Ezra 8 in the SBIDS

Ezra 8 in the SBIGS

Ezra 8 in the SBIHS

Ezra 8 in the SBIIS

Ezra 8 in the SBIIS2

Ezra 8 in the SBIIS3

Ezra 8 in the SBIKS

Ezra 8 in the SBIKS2

Ezra 8 in the SBIMS

Ezra 8 in the SBIOS

Ezra 8 in the SBIPS

Ezra 8 in the SBISS

Ezra 8 in the SBITS

Ezra 8 in the SBITS2

Ezra 8 in the SBITS3

Ezra 8 in the SBITS4

Ezra 8 in the SBIUS

Ezra 8 in the SBIVS

Ezra 8 in the SBT

Ezra 8 in the SBT1E

Ezra 8 in the SCHL

Ezra 8 in the SNT

Ezra 8 in the SUSU

Ezra 8 in the SUSU2

Ezra 8 in the SYNO

Ezra 8 in the TBIAOTANT

Ezra 8 in the TBT1E

Ezra 8 in the TBT1E2

Ezra 8 in the TFTIP

Ezra 8 in the TFTU

Ezra 8 in the TGNTATF3T

Ezra 8 in the THAI

Ezra 8 in the TNFD

Ezra 8 in the TNT

Ezra 8 in the TNTIK

Ezra 8 in the TNTIL

Ezra 8 in the TNTIN

Ezra 8 in the TNTIP

Ezra 8 in the TNTIZ

Ezra 8 in the TOMA

Ezra 8 in the TTENT

Ezra 8 in the UBG

Ezra 8 in the UGV

Ezra 8 in the UGV2

Ezra 8 in the UGV3

Ezra 8 in the VBL

Ezra 8 in the VDCC

Ezra 8 in the YALU

Ezra 8 in the YAPE

Ezra 8 in the YBVTP

Ezra 8 in the ZBP