Ezra 9 (BOSCB)

1 Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori. 2 Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.” 3 Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika. 4 Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana. 5 Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu 6 ndikanyengetera, ndichiti:“Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye handisakafanira kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga. 7 Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi. 8 “Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu. 9 Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema. 10 “Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro 11 yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi. 12 Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’ 13 “Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai. 14 Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here? 15 Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”

In Other Versions

Ezra 9 in the ANGEFD

Ezra 9 in the ANTPNG2D

Ezra 9 in the AS21

Ezra 9 in the BAGH

Ezra 9 in the BBPNG

Ezra 9 in the BBT1E

Ezra 9 in the BDS

Ezra 9 in the BEV

Ezra 9 in the BHAD

Ezra 9 in the BIB

Ezra 9 in the BLPT

Ezra 9 in the BNT

Ezra 9 in the BNTABOOT

Ezra 9 in the BNTLV

Ezra 9 in the BOATCB

Ezra 9 in the BOATCB2

Ezra 9 in the BOBCV

Ezra 9 in the BOCNT

Ezra 9 in the BOECS

Ezra 9 in the BOGWICC

Ezra 9 in the BOHCB

Ezra 9 in the BOHCV

Ezra 9 in the BOHLNT

Ezra 9 in the BOHNTLTAL

Ezra 9 in the BOICB

Ezra 9 in the BOILNTAP

Ezra 9 in the BOITCV

Ezra 9 in the BOKCV

Ezra 9 in the BOKCV2

Ezra 9 in the BOKHWOG

Ezra 9 in the BOKSSV

Ezra 9 in the BOLCB

Ezra 9 in the BOLCB2

Ezra 9 in the BOMCV

Ezra 9 in the BONAV

Ezra 9 in the BONCB

Ezra 9 in the BONLT

Ezra 9 in the BONUT2

Ezra 9 in the BOPLNT

Ezra 9 in the BOSNC

Ezra 9 in the BOTLNT

Ezra 9 in the BOVCB

Ezra 9 in the BOYCB

Ezra 9 in the BPBB

Ezra 9 in the BPH

Ezra 9 in the BSB

Ezra 9 in the CCB

Ezra 9 in the CUV

Ezra 9 in the CUVS

Ezra 9 in the DBT

Ezra 9 in the DGDNT

Ezra 9 in the DHNT

Ezra 9 in the DNT

Ezra 9 in the ELBE

Ezra 9 in the EMTV

Ezra 9 in the ESV

Ezra 9 in the FBV

Ezra 9 in the FEB

Ezra 9 in the GGMNT

Ezra 9 in the GNT

Ezra 9 in the HARY

Ezra 9 in the HNT

Ezra 9 in the IRVA

Ezra 9 in the IRVB

Ezra 9 in the IRVG

Ezra 9 in the IRVH

Ezra 9 in the IRVK

Ezra 9 in the IRVM

Ezra 9 in the IRVM2

Ezra 9 in the IRVO

Ezra 9 in the IRVP

Ezra 9 in the IRVT

Ezra 9 in the IRVT2

Ezra 9 in the IRVU

Ezra 9 in the ISVN

Ezra 9 in the JSNT

Ezra 9 in the KAPI

Ezra 9 in the KBT1ETNIK

Ezra 9 in the KBV

Ezra 9 in the KJV

Ezra 9 in the KNFD

Ezra 9 in the LBA

Ezra 9 in the LBLA

Ezra 9 in the LNT

Ezra 9 in the LSV

Ezra 9 in the MAAL

Ezra 9 in the MBV

Ezra 9 in the MBV2

Ezra 9 in the MHNT

Ezra 9 in the MKNFD

Ezra 9 in the MNG

Ezra 9 in the MNT

Ezra 9 in the MNT2

Ezra 9 in the MRS1T

Ezra 9 in the NAA

Ezra 9 in the NASB

Ezra 9 in the NBLA

Ezra 9 in the NBS

Ezra 9 in the NBVTP

Ezra 9 in the NET2

Ezra 9 in the NIV11

Ezra 9 in the NNT

Ezra 9 in the NNT2

Ezra 9 in the NNT3

Ezra 9 in the PDDPT

Ezra 9 in the PFNT

Ezra 9 in the RMNT

Ezra 9 in the SBIAS

Ezra 9 in the SBIBS

Ezra 9 in the SBIBS2

Ezra 9 in the SBICS

Ezra 9 in the SBIDS

Ezra 9 in the SBIGS

Ezra 9 in the SBIHS

Ezra 9 in the SBIIS

Ezra 9 in the SBIIS2

Ezra 9 in the SBIIS3

Ezra 9 in the SBIKS

Ezra 9 in the SBIKS2

Ezra 9 in the SBIMS

Ezra 9 in the SBIOS

Ezra 9 in the SBIPS

Ezra 9 in the SBISS

Ezra 9 in the SBITS

Ezra 9 in the SBITS2

Ezra 9 in the SBITS3

Ezra 9 in the SBITS4

Ezra 9 in the SBIUS

Ezra 9 in the SBIVS

Ezra 9 in the SBT

Ezra 9 in the SBT1E

Ezra 9 in the SCHL

Ezra 9 in the SNT

Ezra 9 in the SUSU

Ezra 9 in the SUSU2

Ezra 9 in the SYNO

Ezra 9 in the TBIAOTANT

Ezra 9 in the TBT1E

Ezra 9 in the TBT1E2

Ezra 9 in the TFTIP

Ezra 9 in the TFTU

Ezra 9 in the TGNTATF3T

Ezra 9 in the THAI

Ezra 9 in the TNFD

Ezra 9 in the TNT

Ezra 9 in the TNTIK

Ezra 9 in the TNTIL

Ezra 9 in the TNTIN

Ezra 9 in the TNTIP

Ezra 9 in the TNTIZ

Ezra 9 in the TOMA

Ezra 9 in the TTENT

Ezra 9 in the UBG

Ezra 9 in the UGV

Ezra 9 in the UGV2

Ezra 9 in the UGV3

Ezra 9 in the VBL

Ezra 9 in the VDCC

Ezra 9 in the YALU

Ezra 9 in the YAPE

Ezra 9 in the YBVTP

Ezra 9 in the ZBP