Genesis 41 (BOSCB)

1 Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paRwizi Nairi. 2 Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga. 3 Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muna Nairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi. 4 Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka. 5 Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe. 6 Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. 7 Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota. 8 Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kunʼanga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari. 9 Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu. 10 Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi. 11 Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako. 12 Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake. 13 Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.” 14 Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro. 15 Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” 16 Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.” 17 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi, 18 ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga. 19 Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti. 20 Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya. 21 Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka. 22 “Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete. 23 Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. 24 Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza nʼanga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.” 25 Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita. 26 Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana. 27 Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara. 28 “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita. 29 Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti, 30 asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika. 31 Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo. 32 Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza. 33 “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti. 34 Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze chikamu chimwe chete muzvishanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta. 35 Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya. 36 Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.” 37 Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose. 38 Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?” 39 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. 40 Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.” 41 Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.” 42 Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake. 43 Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamirira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose. 44 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.” 45 Faro akatumidza Josefa zita rokuti Zafenati-Panea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti. 46 Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro akafamba munyika yose yeIjipiti. 47 Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo. 48 Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza. 49 Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa. 50 Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni. 51 Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.” 52 Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.” 53 Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera, 54 uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya. 55 Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa muite zvaanokuudzai.” 56 Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti. 57 Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose.

In Other Versions

Genesis 41 in the ANGEFD

Genesis 41 in the ANTPNG2D

Genesis 41 in the AS21

Genesis 41 in the BAGH

Genesis 41 in the BBPNG

Genesis 41 in the BBT1E

Genesis 41 in the BDS

Genesis 41 in the BEV

Genesis 41 in the BHAD

Genesis 41 in the BIB

Genesis 41 in the BLPT

Genesis 41 in the BNT

Genesis 41 in the BNTABOOT

Genesis 41 in the BNTLV

Genesis 41 in the BOATCB

Genesis 41 in the BOATCB2

Genesis 41 in the BOBCV

Genesis 41 in the BOCNT

Genesis 41 in the BOECS

Genesis 41 in the BOGWICC

Genesis 41 in the BOHCB

Genesis 41 in the BOHCV

Genesis 41 in the BOHLNT

Genesis 41 in the BOHNTLTAL

Genesis 41 in the BOICB

Genesis 41 in the BOILNTAP

Genesis 41 in the BOITCV

Genesis 41 in the BOKCV

Genesis 41 in the BOKCV2

Genesis 41 in the BOKHWOG

Genesis 41 in the BOKSSV

Genesis 41 in the BOLCB

Genesis 41 in the BOLCB2

Genesis 41 in the BOMCV

Genesis 41 in the BONAV

Genesis 41 in the BONCB

Genesis 41 in the BONLT

Genesis 41 in the BONUT2

Genesis 41 in the BOPLNT

Genesis 41 in the BOSNC

Genesis 41 in the BOTLNT

Genesis 41 in the BOVCB

Genesis 41 in the BOYCB

Genesis 41 in the BPBB

Genesis 41 in the BPH

Genesis 41 in the BSB

Genesis 41 in the CCB

Genesis 41 in the CUV

Genesis 41 in the CUVS

Genesis 41 in the DBT

Genesis 41 in the DGDNT

Genesis 41 in the DHNT

Genesis 41 in the DNT

Genesis 41 in the ELBE

Genesis 41 in the EMTV

Genesis 41 in the ESV

Genesis 41 in the FBV

Genesis 41 in the FEB

Genesis 41 in the GGMNT

Genesis 41 in the GNT

Genesis 41 in the HARY

Genesis 41 in the HNT

Genesis 41 in the IRVA

Genesis 41 in the IRVB

Genesis 41 in the IRVG

Genesis 41 in the IRVH

Genesis 41 in the IRVK

Genesis 41 in the IRVM

Genesis 41 in the IRVM2

Genesis 41 in the IRVO

Genesis 41 in the IRVP

Genesis 41 in the IRVT

Genesis 41 in the IRVT2

Genesis 41 in the IRVU

Genesis 41 in the ISVN

Genesis 41 in the JSNT

Genesis 41 in the KAPI

Genesis 41 in the KBT1ETNIK

Genesis 41 in the KBV

Genesis 41 in the KJV

Genesis 41 in the KNFD

Genesis 41 in the LBA

Genesis 41 in the LBLA

Genesis 41 in the LNT

Genesis 41 in the LSV

Genesis 41 in the MAAL

Genesis 41 in the MBV

Genesis 41 in the MBV2

Genesis 41 in the MHNT

Genesis 41 in the MKNFD

Genesis 41 in the MNG

Genesis 41 in the MNT

Genesis 41 in the MNT2

Genesis 41 in the MRS1T

Genesis 41 in the NAA

Genesis 41 in the NASB

Genesis 41 in the NBLA

Genesis 41 in the NBS

Genesis 41 in the NBVTP

Genesis 41 in the NET2

Genesis 41 in the NIV11

Genesis 41 in the NNT

Genesis 41 in the NNT2

Genesis 41 in the NNT3

Genesis 41 in the PDDPT

Genesis 41 in the PFNT

Genesis 41 in the RMNT

Genesis 41 in the SBIAS

Genesis 41 in the SBIBS

Genesis 41 in the SBIBS2

Genesis 41 in the SBICS

Genesis 41 in the SBIDS

Genesis 41 in the SBIGS

Genesis 41 in the SBIHS

Genesis 41 in the SBIIS

Genesis 41 in the SBIIS2

Genesis 41 in the SBIIS3

Genesis 41 in the SBIKS

Genesis 41 in the SBIKS2

Genesis 41 in the SBIMS

Genesis 41 in the SBIOS

Genesis 41 in the SBIPS

Genesis 41 in the SBISS

Genesis 41 in the SBITS

Genesis 41 in the SBITS2

Genesis 41 in the SBITS3

Genesis 41 in the SBITS4

Genesis 41 in the SBIUS

Genesis 41 in the SBIVS

Genesis 41 in the SBT

Genesis 41 in the SBT1E

Genesis 41 in the SCHL

Genesis 41 in the SNT

Genesis 41 in the SUSU

Genesis 41 in the SUSU2

Genesis 41 in the SYNO

Genesis 41 in the TBIAOTANT

Genesis 41 in the TBT1E

Genesis 41 in the TBT1E2

Genesis 41 in the TFTIP

Genesis 41 in the TFTU

Genesis 41 in the TGNTATF3T

Genesis 41 in the THAI

Genesis 41 in the TNFD

Genesis 41 in the TNT

Genesis 41 in the TNTIK

Genesis 41 in the TNTIL

Genesis 41 in the TNTIN

Genesis 41 in the TNTIP

Genesis 41 in the TNTIZ

Genesis 41 in the TOMA

Genesis 41 in the TTENT

Genesis 41 in the UBG

Genesis 41 in the UGV

Genesis 41 in the UGV2

Genesis 41 in the UGV3

Genesis 41 in the VBL

Genesis 41 in the VDCC

Genesis 41 in the YALU

Genesis 41 in the YAPE

Genesis 41 in the YBVTP

Genesis 41 in the ZBP