Genesis 7 (BOSCB)
1 Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu. 2 Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo, 3 uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose. 4 Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.” 5 Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha. 6 Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika. 7 Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu. 8 Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, 9 mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa. 10 Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika. 11 Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa. 12 Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana. 13 Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka. 14 Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro. 15 Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka. 16 Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati. 17 Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika. 18 Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura. 19 Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa. 20 Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanu kudzika kubva pamusoro pawo. 21 Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu. 22 Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa. 23 Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka. 24 Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.
In Other Versions
Genesis 7 in the ANGEFD
Genesis 7 in the ANTPNG2D
Genesis 7 in the AS21
Genesis 7 in the BAGH
Genesis 7 in the BBPNG
Genesis 7 in the BBT1E
Genesis 7 in the BDS
Genesis 7 in the BEV
Genesis 7 in the BHAD
Genesis 7 in the BIB
Genesis 7 in the BLPT
Genesis 7 in the BNT
Genesis 7 in the BNTABOOT
Genesis 7 in the BNTLV
Genesis 7 in the BOATCB
Genesis 7 in the BOATCB2
Genesis 7 in the BOBCV
Genesis 7 in the BOCNT
Genesis 7 in the BOECS
Genesis 7 in the BOGWICC
Genesis 7 in the BOHCB
Genesis 7 in the BOHCV
Genesis 7 in the BOHLNT
Genesis 7 in the BOHNTLTAL
Genesis 7 in the BOICB
Genesis 7 in the BOILNTAP
Genesis 7 in the BOITCV
Genesis 7 in the BOKCV
Genesis 7 in the BOKCV2
Genesis 7 in the BOKHWOG
Genesis 7 in the BOKSSV
Genesis 7 in the BOLCB
Genesis 7 in the BOLCB2
Genesis 7 in the BOMCV
Genesis 7 in the BONAV
Genesis 7 in the BONCB
Genesis 7 in the BONLT
Genesis 7 in the BONUT2
Genesis 7 in the BOPLNT
Genesis 7 in the BOSNC
Genesis 7 in the BOTLNT
Genesis 7 in the BOVCB
Genesis 7 in the BOYCB
Genesis 7 in the BPBB
Genesis 7 in the BPH
Genesis 7 in the BSB
Genesis 7 in the CCB
Genesis 7 in the CUV
Genesis 7 in the CUVS
Genesis 7 in the DBT
Genesis 7 in the DGDNT
Genesis 7 in the DHNT
Genesis 7 in the DNT
Genesis 7 in the ELBE
Genesis 7 in the EMTV
Genesis 7 in the ESV
Genesis 7 in the FBV
Genesis 7 in the FEB
Genesis 7 in the GGMNT
Genesis 7 in the GNT
Genesis 7 in the HARY
Genesis 7 in the HNT
Genesis 7 in the IRVA
Genesis 7 in the IRVB
Genesis 7 in the IRVG
Genesis 7 in the IRVH
Genesis 7 in the IRVK
Genesis 7 in the IRVM
Genesis 7 in the IRVM2
Genesis 7 in the IRVO
Genesis 7 in the IRVP
Genesis 7 in the IRVT
Genesis 7 in the IRVT2
Genesis 7 in the IRVU
Genesis 7 in the ISVN
Genesis 7 in the JSNT
Genesis 7 in the KAPI
Genesis 7 in the KBT1ETNIK
Genesis 7 in the KBV
Genesis 7 in the KJV
Genesis 7 in the KNFD
Genesis 7 in the LBA
Genesis 7 in the LBLA
Genesis 7 in the LNT
Genesis 7 in the LSV
Genesis 7 in the MAAL
Genesis 7 in the MBV
Genesis 7 in the MBV2
Genesis 7 in the MHNT
Genesis 7 in the MKNFD
Genesis 7 in the MNG
Genesis 7 in the MNT
Genesis 7 in the MNT2
Genesis 7 in the MRS1T
Genesis 7 in the NAA
Genesis 7 in the NASB
Genesis 7 in the NBLA
Genesis 7 in the NBS
Genesis 7 in the NBVTP
Genesis 7 in the NET2
Genesis 7 in the NIV11
Genesis 7 in the NNT
Genesis 7 in the NNT2
Genesis 7 in the NNT3
Genesis 7 in the PDDPT
Genesis 7 in the PFNT
Genesis 7 in the RMNT
Genesis 7 in the SBIAS
Genesis 7 in the SBIBS
Genesis 7 in the SBIBS2
Genesis 7 in the SBICS
Genesis 7 in the SBIDS
Genesis 7 in the SBIGS
Genesis 7 in the SBIHS
Genesis 7 in the SBIIS
Genesis 7 in the SBIIS2
Genesis 7 in the SBIIS3
Genesis 7 in the SBIKS
Genesis 7 in the SBIKS2
Genesis 7 in the SBIMS
Genesis 7 in the SBIOS
Genesis 7 in the SBIPS
Genesis 7 in the SBISS
Genesis 7 in the SBITS
Genesis 7 in the SBITS2
Genesis 7 in the SBITS3
Genesis 7 in the SBITS4
Genesis 7 in the SBIUS
Genesis 7 in the SBIVS
Genesis 7 in the SBT
Genesis 7 in the SBT1E
Genesis 7 in the SCHL
Genesis 7 in the SNT
Genesis 7 in the SUSU
Genesis 7 in the SUSU2
Genesis 7 in the SYNO
Genesis 7 in the TBIAOTANT
Genesis 7 in the TBT1E
Genesis 7 in the TBT1E2
Genesis 7 in the TFTIP
Genesis 7 in the TFTU
Genesis 7 in the TGNTATF3T
Genesis 7 in the THAI
Genesis 7 in the TNFD
Genesis 7 in the TNT
Genesis 7 in the TNTIK
Genesis 7 in the TNTIL
Genesis 7 in the TNTIN
Genesis 7 in the TNTIP
Genesis 7 in the TNTIZ
Genesis 7 in the TOMA
Genesis 7 in the TTENT
Genesis 7 in the UBG
Genesis 7 in the UGV
Genesis 7 in the UGV2
Genesis 7 in the UGV3
Genesis 7 in the VBL
Genesis 7 in the VDCC
Genesis 7 in the YALU
Genesis 7 in the YAPE
Genesis 7 in the YBVTP
Genesis 7 in the ZBP