Judges 1 (BOSCB)

1 Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwidza kundorwa navaKenani?” 2 Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko ake.” 3 Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo. 4 Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki. 5 Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye. 6 Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo. 7 Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko. 8 Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa. 9 Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira. 10 Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Ahimani neTarimai. 11 Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.) 12 Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.” 13 Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye. 14 Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?” 15 Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi. 16 Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwidza vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi. 17 Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima. 18 Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro. 19 Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi. 20 Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki. 21 Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini. 22 Zvino veimba yaJosefa vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo. 23 Vakati vatuma vanhu kundosora Bheteri (rainzi Ruzi kare), 24 Vasori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.” 25 Saka akavaratidza, uye vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake. 26 Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi. 27 Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo. 28 VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose. 29 Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo. 30 NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana muNaharori, avo vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo. 31 Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi, 32 uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika. 33 Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo. 34 VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani. 35 Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo. 36 Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi.

In Other Versions

Judges 1 in the ANGEFD

Judges 1 in the ANTPNG2D

Judges 1 in the AS21

Judges 1 in the BAGH

Judges 1 in the BBPNG

Judges 1 in the BBT1E

Judges 1 in the BDS

Judges 1 in the BEV

Judges 1 in the BHAD

Judges 1 in the BIB

Judges 1 in the BLPT

Judges 1 in the BNT

Judges 1 in the BNTABOOT

Judges 1 in the BNTLV

Judges 1 in the BOATCB

Judges 1 in the BOATCB2

Judges 1 in the BOBCV

Judges 1 in the BOCNT

Judges 1 in the BOECS

Judges 1 in the BOGWICC

Judges 1 in the BOHCB

Judges 1 in the BOHCV

Judges 1 in the BOHLNT

Judges 1 in the BOHNTLTAL

Judges 1 in the BOICB

Judges 1 in the BOILNTAP

Judges 1 in the BOITCV

Judges 1 in the BOKCV

Judges 1 in the BOKCV2

Judges 1 in the BOKHWOG

Judges 1 in the BOKSSV

Judges 1 in the BOLCB

Judges 1 in the BOLCB2

Judges 1 in the BOMCV

Judges 1 in the BONAV

Judges 1 in the BONCB

Judges 1 in the BONLT

Judges 1 in the BONUT2

Judges 1 in the BOPLNT

Judges 1 in the BOSNC

Judges 1 in the BOTLNT

Judges 1 in the BOVCB

Judges 1 in the BOYCB

Judges 1 in the BPBB

Judges 1 in the BPH

Judges 1 in the BSB

Judges 1 in the CCB

Judges 1 in the CUV

Judges 1 in the CUVS

Judges 1 in the DBT

Judges 1 in the DGDNT

Judges 1 in the DHNT

Judges 1 in the DNT

Judges 1 in the ELBE

Judges 1 in the EMTV

Judges 1 in the ESV

Judges 1 in the FBV

Judges 1 in the FEB

Judges 1 in the GGMNT

Judges 1 in the GNT

Judges 1 in the HARY

Judges 1 in the HNT

Judges 1 in the IRVA

Judges 1 in the IRVB

Judges 1 in the IRVG

Judges 1 in the IRVH

Judges 1 in the IRVK

Judges 1 in the IRVM

Judges 1 in the IRVM2

Judges 1 in the IRVO

Judges 1 in the IRVP

Judges 1 in the IRVT

Judges 1 in the IRVT2

Judges 1 in the IRVU

Judges 1 in the ISVN

Judges 1 in the JSNT

Judges 1 in the KAPI

Judges 1 in the KBT1ETNIK

Judges 1 in the KBV

Judges 1 in the KJV

Judges 1 in the KNFD

Judges 1 in the LBA

Judges 1 in the LBLA

Judges 1 in the LNT

Judges 1 in the LSV

Judges 1 in the MAAL

Judges 1 in the MBV

Judges 1 in the MBV2

Judges 1 in the MHNT

Judges 1 in the MKNFD

Judges 1 in the MNG

Judges 1 in the MNT

Judges 1 in the MNT2

Judges 1 in the MRS1T

Judges 1 in the NAA

Judges 1 in the NASB

Judges 1 in the NBLA

Judges 1 in the NBS

Judges 1 in the NBVTP

Judges 1 in the NET2

Judges 1 in the NIV11

Judges 1 in the NNT

Judges 1 in the NNT2

Judges 1 in the NNT3

Judges 1 in the PDDPT

Judges 1 in the PFNT

Judges 1 in the RMNT

Judges 1 in the SBIAS

Judges 1 in the SBIBS

Judges 1 in the SBIBS2

Judges 1 in the SBICS

Judges 1 in the SBIDS

Judges 1 in the SBIGS

Judges 1 in the SBIHS

Judges 1 in the SBIIS

Judges 1 in the SBIIS2

Judges 1 in the SBIIS3

Judges 1 in the SBIKS

Judges 1 in the SBIKS2

Judges 1 in the SBIMS

Judges 1 in the SBIOS

Judges 1 in the SBIPS

Judges 1 in the SBISS

Judges 1 in the SBITS

Judges 1 in the SBITS2

Judges 1 in the SBITS3

Judges 1 in the SBITS4

Judges 1 in the SBIUS

Judges 1 in the SBIVS

Judges 1 in the SBT

Judges 1 in the SBT1E

Judges 1 in the SCHL

Judges 1 in the SNT

Judges 1 in the SUSU

Judges 1 in the SUSU2

Judges 1 in the SYNO

Judges 1 in the TBIAOTANT

Judges 1 in the TBT1E

Judges 1 in the TBT1E2

Judges 1 in the TFTIP

Judges 1 in the TFTU

Judges 1 in the TGNTATF3T

Judges 1 in the THAI

Judges 1 in the TNFD

Judges 1 in the TNT

Judges 1 in the TNTIK

Judges 1 in the TNTIL

Judges 1 in the TNTIN

Judges 1 in the TNTIP

Judges 1 in the TNTIZ

Judges 1 in the TOMA

Judges 1 in the TTENT

Judges 1 in the UBG

Judges 1 in the UGV

Judges 1 in the UGV2

Judges 1 in the UGV3

Judges 1 in the VBL

Judges 1 in the VDCC

Judges 1 in the YALU

Judges 1 in the YAPE

Judges 1 in the YBVTP

Judges 1 in the ZBP