Judges 6 (BOSCB)

1 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe. 2 Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyirira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare. 3 VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nyika yavo. 4 Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro. 5 Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze. 6 VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire. 7 VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani, 8 Akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa. 9 Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo. 10 Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.” 11 Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani. 12 Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” 13 Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.” 14 Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?” 15 Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” 16 Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.” 17 Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. 18 Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.”Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.” 19 Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki. 20 Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo. 21 Mutumwa waJehovha akagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika. 22 Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!” 23 Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.” 24 Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri. 25 Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. 26 Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.” 27 Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati. 28 Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa! 29 Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?”Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.” 30 Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.” 31 Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.” 32 Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.” 33 Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. 34 Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. 35 Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo. 36 Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, 37 tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” 38 Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura. 39 Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” 40 Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.

In Other Versions

Judges 6 in the ANGEFD

Judges 6 in the ANTPNG2D

Judges 6 in the AS21

Judges 6 in the BAGH

Judges 6 in the BBPNG

Judges 6 in the BBT1E

Judges 6 in the BDS

Judges 6 in the BEV

Judges 6 in the BHAD

Judges 6 in the BIB

Judges 6 in the BLPT

Judges 6 in the BNT

Judges 6 in the BNTABOOT

Judges 6 in the BNTLV

Judges 6 in the BOATCB

Judges 6 in the BOATCB2

Judges 6 in the BOBCV

Judges 6 in the BOCNT

Judges 6 in the BOECS

Judges 6 in the BOGWICC

Judges 6 in the BOHCB

Judges 6 in the BOHCV

Judges 6 in the BOHLNT

Judges 6 in the BOHNTLTAL

Judges 6 in the BOICB

Judges 6 in the BOILNTAP

Judges 6 in the BOITCV

Judges 6 in the BOKCV

Judges 6 in the BOKCV2

Judges 6 in the BOKHWOG

Judges 6 in the BOKSSV

Judges 6 in the BOLCB

Judges 6 in the BOLCB2

Judges 6 in the BOMCV

Judges 6 in the BONAV

Judges 6 in the BONCB

Judges 6 in the BONLT

Judges 6 in the BONUT2

Judges 6 in the BOPLNT

Judges 6 in the BOSNC

Judges 6 in the BOTLNT

Judges 6 in the BOVCB

Judges 6 in the BOYCB

Judges 6 in the BPBB

Judges 6 in the BPH

Judges 6 in the BSB

Judges 6 in the CCB

Judges 6 in the CUV

Judges 6 in the CUVS

Judges 6 in the DBT

Judges 6 in the DGDNT

Judges 6 in the DHNT

Judges 6 in the DNT

Judges 6 in the ELBE

Judges 6 in the EMTV

Judges 6 in the ESV

Judges 6 in the FBV

Judges 6 in the FEB

Judges 6 in the GGMNT

Judges 6 in the GNT

Judges 6 in the HARY

Judges 6 in the HNT

Judges 6 in the IRVA

Judges 6 in the IRVB

Judges 6 in the IRVG

Judges 6 in the IRVH

Judges 6 in the IRVK

Judges 6 in the IRVM

Judges 6 in the IRVM2

Judges 6 in the IRVO

Judges 6 in the IRVP

Judges 6 in the IRVT

Judges 6 in the IRVT2

Judges 6 in the IRVU

Judges 6 in the ISVN

Judges 6 in the JSNT

Judges 6 in the KAPI

Judges 6 in the KBT1ETNIK

Judges 6 in the KBV

Judges 6 in the KJV

Judges 6 in the KNFD

Judges 6 in the LBA

Judges 6 in the LBLA

Judges 6 in the LNT

Judges 6 in the LSV

Judges 6 in the MAAL

Judges 6 in the MBV

Judges 6 in the MBV2

Judges 6 in the MHNT

Judges 6 in the MKNFD

Judges 6 in the MNG

Judges 6 in the MNT

Judges 6 in the MNT2

Judges 6 in the MRS1T

Judges 6 in the NAA

Judges 6 in the NASB

Judges 6 in the NBLA

Judges 6 in the NBS

Judges 6 in the NBVTP

Judges 6 in the NET2

Judges 6 in the NIV11

Judges 6 in the NNT

Judges 6 in the NNT2

Judges 6 in the NNT3

Judges 6 in the PDDPT

Judges 6 in the PFNT

Judges 6 in the RMNT

Judges 6 in the SBIAS

Judges 6 in the SBIBS

Judges 6 in the SBIBS2

Judges 6 in the SBICS

Judges 6 in the SBIDS

Judges 6 in the SBIGS

Judges 6 in the SBIHS

Judges 6 in the SBIIS

Judges 6 in the SBIIS2

Judges 6 in the SBIIS3

Judges 6 in the SBIKS

Judges 6 in the SBIKS2

Judges 6 in the SBIMS

Judges 6 in the SBIOS

Judges 6 in the SBIPS

Judges 6 in the SBISS

Judges 6 in the SBITS

Judges 6 in the SBITS2

Judges 6 in the SBITS3

Judges 6 in the SBITS4

Judges 6 in the SBIUS

Judges 6 in the SBIVS

Judges 6 in the SBT

Judges 6 in the SBT1E

Judges 6 in the SCHL

Judges 6 in the SNT

Judges 6 in the SUSU

Judges 6 in the SUSU2

Judges 6 in the SYNO

Judges 6 in the TBIAOTANT

Judges 6 in the TBT1E

Judges 6 in the TBT1E2

Judges 6 in the TFTIP

Judges 6 in the TFTU

Judges 6 in the TGNTATF3T

Judges 6 in the THAI

Judges 6 in the TNFD

Judges 6 in the TNT

Judges 6 in the TNTIK

Judges 6 in the TNTIL

Judges 6 in the TNTIN

Judges 6 in the TNTIP

Judges 6 in the TNTIZ

Judges 6 in the TOMA

Judges 6 in the TTENT

Judges 6 in the UBG

Judges 6 in the UGV

Judges 6 in the UGV2

Judges 6 in the UGV3

Judges 6 in the VBL

Judges 6 in the VDCC

Judges 6 in the YALU

Judges 6 in the YAPE

Judges 6 in the YBVTP

Judges 6 in the ZBP