Judges 8 (BOSCB)

1 Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru. 2 Asi akavapindura akati, “Ko, chii chandaita kuti ndizvienzanise nemi? Handiti zvakanongwa zvamazambiringa aEfuremu zviri nani kupfuura mukohwo uzere wamazambiringa aAbhiezeri? 3 Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera. 4 Gidheoni navanhu vake mazana matatu, vakaramba vachingotevera, vakasvika kurwizi Jorodhani uye vakaruyambuka havo, asi vakanga vaneta kwazvo. 5 Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu mauto angu chingwa; vaneta, uye ndichiri kutevera Zebha naZarumuna, madzimambo eMidhiani.” 6 Asi machinda eSukoti akati, “Matova namaoko aZebha naZarumuna mumaoko enyu here? Ko, tingapirei chingwa kumauto enyu?” 7 Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.” 8 Kubva ipapo akaenda kuPenieri vakaita chikumbiro chimwe chetecho, asi naivowo vakapindura sezvakaita varume veSukoti. 9 Saka iye akati kuvarume vePenieri, “Pandinodzoka ndakunda, ndichakoromora shongwe iyi.” 10 Zvino Zebha naZarumuna vakanga vari muKarikori vaine hondo yavarume zviuru gumi nezvishanu, vose vakanga vasara pahondo yavanhu vokumabvazuva; varume vomunondo zviuru makumi maviri vakanga vafa. 11 Gidheoni akakwidza nenzira yavaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogibheha vakandokunda hondo yakanga isina chayakatarisira. 12 Zebha naZarumuna, madzimambo maviri eMidhiani, vakatiza, asi akavatevera akavabata, akakunda hondo yavo yose. 13 Gidheoni mwanakomana waJoashi akadzoka kubva kuhondo napaMupata weHeresi. 14 Akabata jaya rokuSukoti uye akaribvunza, uye jaya rikanyora pasi mazita amachinda makumi manomwe navanomwe vokuSukoti, vakuru veguta. 15 Ipapo Gidheoni akasvika akati kuvarume veSukoti, “Havano vanaZebha naZarumuna, vaya vamakandiseka muchiti, ‘Ko, watova namaoko aZebha naZarumuna kare here? Tinopireiko chingwa kuvanhu vako vaneta ava?’ ” 16 Akatora vakuru veguta akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nenzira yokuvaranga neminzwa yomurenje uye norukato. 17 Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta. 18 Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?”Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe airatidzika somwanakomana wamambo.” 19 Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanunʼuna vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.” 20 Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya. 21 Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo. 22 VaIsraeri vakati kuna Gidheoni, “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.” 23 Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.” 24 Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.) 25 Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo. 26 Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwe, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo. 27 Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake. 28 Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana. 29 Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake. 30 Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji. 31 Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki. 32 Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri. 33 Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye 34 havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose. 35 Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira.

In Other Versions

Judges 8 in the ANGEFD

Judges 8 in the ANTPNG2D

Judges 8 in the AS21

Judges 8 in the BAGH

Judges 8 in the BBPNG

Judges 8 in the BBT1E

Judges 8 in the BDS

Judges 8 in the BEV

Judges 8 in the BHAD

Judges 8 in the BIB

Judges 8 in the BLPT

Judges 8 in the BNT

Judges 8 in the BNTABOOT

Judges 8 in the BNTLV

Judges 8 in the BOATCB

Judges 8 in the BOATCB2

Judges 8 in the BOBCV

Judges 8 in the BOCNT

Judges 8 in the BOECS

Judges 8 in the BOGWICC

Judges 8 in the BOHCB

Judges 8 in the BOHCV

Judges 8 in the BOHLNT

Judges 8 in the BOHNTLTAL

Judges 8 in the BOICB

Judges 8 in the BOILNTAP

Judges 8 in the BOITCV

Judges 8 in the BOKCV

Judges 8 in the BOKCV2

Judges 8 in the BOKHWOG

Judges 8 in the BOKSSV

Judges 8 in the BOLCB

Judges 8 in the BOLCB2

Judges 8 in the BOMCV

Judges 8 in the BONAV

Judges 8 in the BONCB

Judges 8 in the BONLT

Judges 8 in the BONUT2

Judges 8 in the BOPLNT

Judges 8 in the BOSNC

Judges 8 in the BOTLNT

Judges 8 in the BOVCB

Judges 8 in the BOYCB

Judges 8 in the BPBB

Judges 8 in the BPH

Judges 8 in the BSB

Judges 8 in the CCB

Judges 8 in the CUV

Judges 8 in the CUVS

Judges 8 in the DBT

Judges 8 in the DGDNT

Judges 8 in the DHNT

Judges 8 in the DNT

Judges 8 in the ELBE

Judges 8 in the EMTV

Judges 8 in the ESV

Judges 8 in the FBV

Judges 8 in the FEB

Judges 8 in the GGMNT

Judges 8 in the GNT

Judges 8 in the HARY

Judges 8 in the HNT

Judges 8 in the IRVA

Judges 8 in the IRVB

Judges 8 in the IRVG

Judges 8 in the IRVH

Judges 8 in the IRVK

Judges 8 in the IRVM

Judges 8 in the IRVM2

Judges 8 in the IRVO

Judges 8 in the IRVP

Judges 8 in the IRVT

Judges 8 in the IRVT2

Judges 8 in the IRVU

Judges 8 in the ISVN

Judges 8 in the JSNT

Judges 8 in the KAPI

Judges 8 in the KBT1ETNIK

Judges 8 in the KBV

Judges 8 in the KJV

Judges 8 in the KNFD

Judges 8 in the LBA

Judges 8 in the LBLA

Judges 8 in the LNT

Judges 8 in the LSV

Judges 8 in the MAAL

Judges 8 in the MBV

Judges 8 in the MBV2

Judges 8 in the MHNT

Judges 8 in the MKNFD

Judges 8 in the MNG

Judges 8 in the MNT

Judges 8 in the MNT2

Judges 8 in the MRS1T

Judges 8 in the NAA

Judges 8 in the NASB

Judges 8 in the NBLA

Judges 8 in the NBS

Judges 8 in the NBVTP

Judges 8 in the NET2

Judges 8 in the NIV11

Judges 8 in the NNT

Judges 8 in the NNT2

Judges 8 in the NNT3

Judges 8 in the PDDPT

Judges 8 in the PFNT

Judges 8 in the RMNT

Judges 8 in the SBIAS

Judges 8 in the SBIBS

Judges 8 in the SBIBS2

Judges 8 in the SBICS

Judges 8 in the SBIDS

Judges 8 in the SBIGS

Judges 8 in the SBIHS

Judges 8 in the SBIIS

Judges 8 in the SBIIS2

Judges 8 in the SBIIS3

Judges 8 in the SBIKS

Judges 8 in the SBIKS2

Judges 8 in the SBIMS

Judges 8 in the SBIOS

Judges 8 in the SBIPS

Judges 8 in the SBISS

Judges 8 in the SBITS

Judges 8 in the SBITS2

Judges 8 in the SBITS3

Judges 8 in the SBITS4

Judges 8 in the SBIUS

Judges 8 in the SBIVS

Judges 8 in the SBT

Judges 8 in the SBT1E

Judges 8 in the SCHL

Judges 8 in the SNT

Judges 8 in the SUSU

Judges 8 in the SUSU2

Judges 8 in the SYNO

Judges 8 in the TBIAOTANT

Judges 8 in the TBT1E

Judges 8 in the TBT1E2

Judges 8 in the TFTIP

Judges 8 in the TFTU

Judges 8 in the TGNTATF3T

Judges 8 in the THAI

Judges 8 in the TNFD

Judges 8 in the TNT

Judges 8 in the TNTIK

Judges 8 in the TNTIL

Judges 8 in the TNTIN

Judges 8 in the TNTIP

Judges 8 in the TNTIZ

Judges 8 in the TOMA

Judges 8 in the TTENT

Judges 8 in the UBG

Judges 8 in the UGV

Judges 8 in the UGV2

Judges 8 in the UGV3

Judges 8 in the VBL

Judges 8 in the VDCC

Judges 8 in the YALU

Judges 8 in the YAPE

Judges 8 in the YBVTP

Judges 8 in the ZBP