Jeremiah 11 (BOSCB)

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2 “Inzwai mashoko esungano iyi mugoazivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema. 3 Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi, 4 mashoko andakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, ‘Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu. 5 Ipapo ndichazadzisa mhiko yandakapika kumadzitateguru enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi,’ nyika yava yenyu nhasi.”Ndakapindura ndichiti, “Ameni, Jehovha.” 6 Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi muatevere. 7 Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.” 8 Asi havana kuteerera kana kuva nehanya; asi vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Saka ndakauyisa pamusoro pavo kutuka kwose kwesungano yandakanga ndavarayira kuti vatevere asi havana kuichengeta.’ ” 9 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Pane rangano pakati pavanhu veJudha navanogona kundimukira navanogara muJerusarema. 10 Vadzokera pazvakaipa zvamadzitateguru avo, avo vakaramba kuteerera mashoko angu. Vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire. Dzimba mbiri idzi, yaIsraeri neyaJudha dzakaputsa sungano yandakaita namadzitateguru avo. 11 Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo yavasingagoni kupunyuka. Kunyange vakachema kwandiri handingavateereri. 12 Maguta eJudha navanhu veJerusarema vachaenda kundodana kuna vamwari vavaipisira zvinonhuhwira, asi havazovabatsiri zvachose pavanosvikirwa nenjodzi. 13 Una vamwari vakawanda sokuwanda kwakaita maguta ako, iwe Judha; uye aritari dzamakamisa kuti mupisire zvinonhuhwira kuna mwari anonyadzisa, iye Bhaari, dzakawanda sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusarema.’ 14 “Usanyengeterera vanhu kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvakumbirira, nokuti handizoteereri pavanodana kwandiri panguva yokutambudzika kwavo. 15 “Ko, mudiwa wangu ari kuitei mutemberi yangu,zvaari kuita mabasa ake akaipa navazhinji?Ko, nyama yakatsaurwa ingadzivisa kurohwa kwako here?Pamunoita zvakaipa zvenyu,ipapo imi mofara.” 16 Jehovha akati ndiwe muti womuorivhi une upenyu,une michero yakanaka yakaurungana.Asi nokutinhira kwemhepo ine simbaachautungidza nomoto,uye matavi awo achavhunika. 17 Jehovha Wamasimba Ose, iye akakusima, atema chirevo chezvakaipa kwauri, nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita zvakaipa, vakanditsamwisa nokupisira Bhaari zvinonhuhwira. 18 Nokuti Jehovha akandionesa rangano yavo, ndikaiziva, nokuti panguva iyoyo akandiratidza zvavakanga vachiita. 19 Ndakanga ndakaita segwayana rakapfava riri kuendeswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga vandirangana, vachiti,“Ngatiparadzei muti nemichero yawo;ngatimubvisei panyika yavapenyu,kuti zita rake rirege kuzorangarirwazve.” 20 Asi imi Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munotonga nokururama,uye munoedza mwoyo nendangariro,ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo,nokuti ndakaisa mhaka yangu kwamuri. 21 “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavarume veAnatoti vari kutsvaka kukuuraya, vachiti, ‘Regai kuprofita nezita raJehovha nokuti ungafa namaoko edu,’ 22 naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavaranga. Majaya avo achafa nomunondo, vanakomana navanasikana vavo vachafa nenzara. 23 Hakuna kunyange mumwe achasara kwavari, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavarume veAnatoti mugore rokurangwa kwavo.’ ”

In Other Versions

Jeremiah 11 in the ANGEFD

Jeremiah 11 in the ANTPNG2D

Jeremiah 11 in the AS21

Jeremiah 11 in the BAGH

Jeremiah 11 in the BBPNG

Jeremiah 11 in the BBT1E

Jeremiah 11 in the BDS

Jeremiah 11 in the BEV

Jeremiah 11 in the BHAD

Jeremiah 11 in the BIB

Jeremiah 11 in the BLPT

Jeremiah 11 in the BNT

Jeremiah 11 in the BNTABOOT

Jeremiah 11 in the BNTLV

Jeremiah 11 in the BOATCB

Jeremiah 11 in the BOATCB2

Jeremiah 11 in the BOBCV

Jeremiah 11 in the BOCNT

Jeremiah 11 in the BOECS

Jeremiah 11 in the BOGWICC

Jeremiah 11 in the BOHCB

Jeremiah 11 in the BOHCV

Jeremiah 11 in the BOHLNT

Jeremiah 11 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 11 in the BOICB

Jeremiah 11 in the BOILNTAP

Jeremiah 11 in the BOITCV

Jeremiah 11 in the BOKCV

Jeremiah 11 in the BOKCV2

Jeremiah 11 in the BOKHWOG

Jeremiah 11 in the BOKSSV

Jeremiah 11 in the BOLCB

Jeremiah 11 in the BOLCB2

Jeremiah 11 in the BOMCV

Jeremiah 11 in the BONAV

Jeremiah 11 in the BONCB

Jeremiah 11 in the BONLT

Jeremiah 11 in the BONUT2

Jeremiah 11 in the BOPLNT

Jeremiah 11 in the BOSNC

Jeremiah 11 in the BOTLNT

Jeremiah 11 in the BOVCB

Jeremiah 11 in the BOYCB

Jeremiah 11 in the BPBB

Jeremiah 11 in the BPH

Jeremiah 11 in the BSB

Jeremiah 11 in the CCB

Jeremiah 11 in the CUV

Jeremiah 11 in the CUVS

Jeremiah 11 in the DBT

Jeremiah 11 in the DGDNT

Jeremiah 11 in the DHNT

Jeremiah 11 in the DNT

Jeremiah 11 in the ELBE

Jeremiah 11 in the EMTV

Jeremiah 11 in the ESV

Jeremiah 11 in the FBV

Jeremiah 11 in the FEB

Jeremiah 11 in the GGMNT

Jeremiah 11 in the GNT

Jeremiah 11 in the HARY

Jeremiah 11 in the HNT

Jeremiah 11 in the IRVA

Jeremiah 11 in the IRVB

Jeremiah 11 in the IRVG

Jeremiah 11 in the IRVH

Jeremiah 11 in the IRVK

Jeremiah 11 in the IRVM

Jeremiah 11 in the IRVM2

Jeremiah 11 in the IRVO

Jeremiah 11 in the IRVP

Jeremiah 11 in the IRVT

Jeremiah 11 in the IRVT2

Jeremiah 11 in the IRVU

Jeremiah 11 in the ISVN

Jeremiah 11 in the JSNT

Jeremiah 11 in the KAPI

Jeremiah 11 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 11 in the KBV

Jeremiah 11 in the KJV

Jeremiah 11 in the KNFD

Jeremiah 11 in the LBA

Jeremiah 11 in the LBLA

Jeremiah 11 in the LNT

Jeremiah 11 in the LSV

Jeremiah 11 in the MAAL

Jeremiah 11 in the MBV

Jeremiah 11 in the MBV2

Jeremiah 11 in the MHNT

Jeremiah 11 in the MKNFD

Jeremiah 11 in the MNG

Jeremiah 11 in the MNT

Jeremiah 11 in the MNT2

Jeremiah 11 in the MRS1T

Jeremiah 11 in the NAA

Jeremiah 11 in the NASB

Jeremiah 11 in the NBLA

Jeremiah 11 in the NBS

Jeremiah 11 in the NBVTP

Jeremiah 11 in the NET2

Jeremiah 11 in the NIV11

Jeremiah 11 in the NNT

Jeremiah 11 in the NNT2

Jeremiah 11 in the NNT3

Jeremiah 11 in the PDDPT

Jeremiah 11 in the PFNT

Jeremiah 11 in the RMNT

Jeremiah 11 in the SBIAS

Jeremiah 11 in the SBIBS

Jeremiah 11 in the SBIBS2

Jeremiah 11 in the SBICS

Jeremiah 11 in the SBIDS

Jeremiah 11 in the SBIGS

Jeremiah 11 in the SBIHS

Jeremiah 11 in the SBIIS

Jeremiah 11 in the SBIIS2

Jeremiah 11 in the SBIIS3

Jeremiah 11 in the SBIKS

Jeremiah 11 in the SBIKS2

Jeremiah 11 in the SBIMS

Jeremiah 11 in the SBIOS

Jeremiah 11 in the SBIPS

Jeremiah 11 in the SBISS

Jeremiah 11 in the SBITS

Jeremiah 11 in the SBITS2

Jeremiah 11 in the SBITS3

Jeremiah 11 in the SBITS4

Jeremiah 11 in the SBIUS

Jeremiah 11 in the SBIVS

Jeremiah 11 in the SBT

Jeremiah 11 in the SBT1E

Jeremiah 11 in the SCHL

Jeremiah 11 in the SNT

Jeremiah 11 in the SUSU

Jeremiah 11 in the SUSU2

Jeremiah 11 in the SYNO

Jeremiah 11 in the TBIAOTANT

Jeremiah 11 in the TBT1E

Jeremiah 11 in the TBT1E2

Jeremiah 11 in the TFTIP

Jeremiah 11 in the TFTU

Jeremiah 11 in the TGNTATF3T

Jeremiah 11 in the THAI

Jeremiah 11 in the TNFD

Jeremiah 11 in the TNT

Jeremiah 11 in the TNTIK

Jeremiah 11 in the TNTIL

Jeremiah 11 in the TNTIN

Jeremiah 11 in the TNTIP

Jeremiah 11 in the TNTIZ

Jeremiah 11 in the TOMA

Jeremiah 11 in the TTENT

Jeremiah 11 in the UBG

Jeremiah 11 in the UGV

Jeremiah 11 in the UGV2

Jeremiah 11 in the UGV3

Jeremiah 11 in the VBL

Jeremiah 11 in the VDCC

Jeremiah 11 in the YALU

Jeremiah 11 in the YAPE

Jeremiah 11 in the YBVTP

Jeremiah 11 in the ZBP