Numbers 26 (BOSCB)

1 Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, 2 “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” 3 Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, 4 “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti: 5 Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva:Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki;Paru, kwakabva mhuri yaParu; 6 Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi;Kami, kwakabva mhuri yaKami. 7 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu. 8 Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi, 9 uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha. 10 Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro. 11 Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara. 12 Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva:Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri;Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini;Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini; 13 Zera, kwakabva mhuri yavaZera;Shauri kwakabva mhuri yavaShauri. 14 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri. 15 Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva:Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani;Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi;Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi; 16 Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini;Eri, kwakabva mhuri yavaEri; 17 Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi;Areri kwakabva mhuri yavaAreri. 18 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu. 19 Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani. 20 Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva:Shera, kwakabva mhuri yavaSherani;Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi;Zera, kwakabva mhuri yavaZera; 21 Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva:Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi;Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. 22 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu. 23 Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva:Tora, kwakabva mhuri yavaTora;Pua kwakabva mhuri yavaPua; 24 Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi;Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi. 25 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu. 26 Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva:Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi;Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni;Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. 27 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu. 28 Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai: 29 Zvizvarwa zvaManase:Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi);Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. 30 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi:Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri;Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki; 31 Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri;Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; 32 Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha;Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. 33 (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.) 34 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe. 35 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo:Shutera, kwakabva mhuri yaShutera;Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri;Tahani, kwakabva mhuri yaTahani. 36 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera:Erani, kwakabva mhuri yaErani. 37 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu.Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo. 38 Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva:Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera;Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri;Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu; 39 Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami;Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami. 40 Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva:Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi;Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani. 41 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu. 42 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo:Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami.Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani: 43 Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana. 44 Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva:Imina, kwakabva mhuri yavaImina;Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi;Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria; 45 uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria:Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri;Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri. 46 Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera. 47 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. 48 Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva:Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri;Guni, kwakabva mhuri yavaGuni; 49 Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri;Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. 50 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana. 51 Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu. 52 Jehovha akati kuna Mozisi, 53 “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa. 54 Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo. 55 Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo. 56 Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.” 57 Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo:Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati;Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. 58 Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi:mhuri yavaRibhini,mhuri yavaHebhuroni,mhuri yavaMari,mhuri yavaMushi,mhuri yavaKora.(Kohati akanga ari baba vaAmurami; 59 zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu. 60 Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. 61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.) 62 Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo. 63 Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. 64 Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai. 65 Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

In Other Versions

Numbers 26 in the ANGEFD

Numbers 26 in the ANTPNG2D

Numbers 26 in the AS21

Numbers 26 in the BAGH

Numbers 26 in the BBPNG

Numbers 26 in the BBT1E

Numbers 26 in the BDS

Numbers 26 in the BEV

Numbers 26 in the BHAD

Numbers 26 in the BIB

Numbers 26 in the BLPT

Numbers 26 in the BNT

Numbers 26 in the BNTABOOT

Numbers 26 in the BNTLV

Numbers 26 in the BOATCB

Numbers 26 in the BOATCB2

Numbers 26 in the BOBCV

Numbers 26 in the BOCNT

Numbers 26 in the BOECS

Numbers 26 in the BOGWICC

Numbers 26 in the BOHCB

Numbers 26 in the BOHCV

Numbers 26 in the BOHLNT

Numbers 26 in the BOHNTLTAL

Numbers 26 in the BOICB

Numbers 26 in the BOILNTAP

Numbers 26 in the BOITCV

Numbers 26 in the BOKCV

Numbers 26 in the BOKCV2

Numbers 26 in the BOKHWOG

Numbers 26 in the BOKSSV

Numbers 26 in the BOLCB

Numbers 26 in the BOLCB2

Numbers 26 in the BOMCV

Numbers 26 in the BONAV

Numbers 26 in the BONCB

Numbers 26 in the BONLT

Numbers 26 in the BONUT2

Numbers 26 in the BOPLNT

Numbers 26 in the BOSNC

Numbers 26 in the BOTLNT

Numbers 26 in the BOVCB

Numbers 26 in the BOYCB

Numbers 26 in the BPBB

Numbers 26 in the BPH

Numbers 26 in the BSB

Numbers 26 in the CCB

Numbers 26 in the CUV

Numbers 26 in the CUVS

Numbers 26 in the DBT

Numbers 26 in the DGDNT

Numbers 26 in the DHNT

Numbers 26 in the DNT

Numbers 26 in the ELBE

Numbers 26 in the EMTV

Numbers 26 in the ESV

Numbers 26 in the FBV

Numbers 26 in the FEB

Numbers 26 in the GGMNT

Numbers 26 in the GNT

Numbers 26 in the HARY

Numbers 26 in the HNT

Numbers 26 in the IRVA

Numbers 26 in the IRVB

Numbers 26 in the IRVG

Numbers 26 in the IRVH

Numbers 26 in the IRVK

Numbers 26 in the IRVM

Numbers 26 in the IRVM2

Numbers 26 in the IRVO

Numbers 26 in the IRVP

Numbers 26 in the IRVT

Numbers 26 in the IRVT2

Numbers 26 in the IRVU

Numbers 26 in the ISVN

Numbers 26 in the JSNT

Numbers 26 in the KAPI

Numbers 26 in the KBT1ETNIK

Numbers 26 in the KBV

Numbers 26 in the KJV

Numbers 26 in the KNFD

Numbers 26 in the LBA

Numbers 26 in the LBLA

Numbers 26 in the LNT

Numbers 26 in the LSV

Numbers 26 in the MAAL

Numbers 26 in the MBV

Numbers 26 in the MBV2

Numbers 26 in the MHNT

Numbers 26 in the MKNFD

Numbers 26 in the MNG

Numbers 26 in the MNT

Numbers 26 in the MNT2

Numbers 26 in the MRS1T

Numbers 26 in the NAA

Numbers 26 in the NASB

Numbers 26 in the NBLA

Numbers 26 in the NBS

Numbers 26 in the NBVTP

Numbers 26 in the NET2

Numbers 26 in the NIV11

Numbers 26 in the NNT

Numbers 26 in the NNT2

Numbers 26 in the NNT3

Numbers 26 in the PDDPT

Numbers 26 in the PFNT

Numbers 26 in the RMNT

Numbers 26 in the SBIAS

Numbers 26 in the SBIBS

Numbers 26 in the SBIBS2

Numbers 26 in the SBICS

Numbers 26 in the SBIDS

Numbers 26 in the SBIGS

Numbers 26 in the SBIHS

Numbers 26 in the SBIIS

Numbers 26 in the SBIIS2

Numbers 26 in the SBIIS3

Numbers 26 in the SBIKS

Numbers 26 in the SBIKS2

Numbers 26 in the SBIMS

Numbers 26 in the SBIOS

Numbers 26 in the SBIPS

Numbers 26 in the SBISS

Numbers 26 in the SBITS

Numbers 26 in the SBITS2

Numbers 26 in the SBITS3

Numbers 26 in the SBITS4

Numbers 26 in the SBIUS

Numbers 26 in the SBIVS

Numbers 26 in the SBT

Numbers 26 in the SBT1E

Numbers 26 in the SCHL

Numbers 26 in the SNT

Numbers 26 in the SUSU

Numbers 26 in the SUSU2

Numbers 26 in the SYNO

Numbers 26 in the TBIAOTANT

Numbers 26 in the TBT1E

Numbers 26 in the TBT1E2

Numbers 26 in the TFTIP

Numbers 26 in the TFTU

Numbers 26 in the TGNTATF3T

Numbers 26 in the THAI

Numbers 26 in the TNFD

Numbers 26 in the TNT

Numbers 26 in the TNTIK

Numbers 26 in the TNTIL

Numbers 26 in the TNTIN

Numbers 26 in the TNTIP

Numbers 26 in the TNTIZ

Numbers 26 in the TOMA

Numbers 26 in the TTENT

Numbers 26 in the UBG

Numbers 26 in the UGV

Numbers 26 in the UGV2

Numbers 26 in the UGV3

Numbers 26 in the VBL

Numbers 26 in the VDCC

Numbers 26 in the YALU

Numbers 26 in the YAPE

Numbers 26 in the YBVTP

Numbers 26 in the ZBP